24-1231 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina, Part 1

Vadiwa, Mwenga Wakapfeka Nguvo Chena

Patinonzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri, panechinoitika pakadzika pemunhu wemukati wedu. Zvatiri zvose zvinoshandurwa uye nyika yakatipoteredza inoita sekunyangarika kubva patiri.

Munhu angatsanangura sei zvirikuitika mukati memwoyo yedu, mupfungwa dzedu, uye nemumunhu wedu wemukati, apo Inzwi raMwari richiisa pachena kubudikidza ne Mharidzo imwe naimwe yatinonzwa?

Semuporofita wedu, tinonzwa setatorwa kupinda mudenga rechitatu, mweya yedu yoita seyave kubuda kubva mumiviri yedu inofa. Hapana mashoko anogona kutsanangura manzwiro edu apo Mwari anozarura Shoko rake kwatiri zvisina kumboitika kare.

Johane akaiswa pachitsuva che Patmos uye akakumbirwa kuti anyore zvaakaona nekuzviisa mubuku rinonzi Zvakazarurwa, kuti zvigopinda mumazera.

Zvakavanzika izvozvo zvakange zvakavigwa kusvikira zvazarurwa kwatiri kubudikidza nengirosi mutumwa wake akasarudzwa.

Ipapo Johane akanzwa Inzwi rimwe chete iroro kumusoro akabatwa kupinda mudenga rechitatu.

Inzwi iroro rakamuratidza mazera manomwe emakereke, kuuya kwemaJudha, kudururwa kwematenda, Kubvutwa, Kudzoka kwechipiri, Nguva yeChiuru Chemakore, uye nemusha usingaperi weavo vakaponeswa vake. Akamutora kumusoro akaratidza maitikire azvichaita kuna Johane sezvo akati achaita.

Asi ndiani akawonekwa na Johane pakufanowonekwa kwemutambo uyu? Hapana ainyatso ziva kusvikira nhasi.

Wekutanga waakaona mukuuya ndiMosesi. Aimirira vatsvene vakafa vaizo mutswa; zvizvarwa zvitanhatu zvose zvakavata. Asi haasi Mosesi woga akange amire ipapo, asi Eria aivepovo zvakare.

Ndiani Eria uyo akange akamira?

Asi Eria wakange aripo; nhume yezuva rekupedzisira, neboka rake, revakashandurwa, vakaBvutwa.

KUBWINYA…

HARERUYAH…ndiani akawonekwa naJohane amire ipapo?

Haasi mumwe kunze kwe mutumwa wechinomwe waMwari, William Marrion Branham, ne VAKE VAKASHANDURWA, BOKA REVAKABVUTWA…MUMWE NAUMWE WEDU!!

Eria aimirira boka revakashandurwa. Rangarirai, Mosesi ndiye akatanga, tevere Eria. Eria ndiye aifanira kuva nhume ye zuva rekupedzisira, kuti naiye neboka rake paizouya kumutswa…

ndizvo, paizouya kubvutwa, ndozvandinoreva. Mosesi akaunza kumutswa kubva kuvakafa uye Eria akaunza boka Rakabvutwa. Uye, ipapo, vose vari vaviri vakamiririrwa ipapo chaipo.

Taura nezve kubhedhenurwa, kuzarurwa, uye Chizaruro.

Hezvi! Tavenazvo pano ikozvino, Mweya Mutvsene, Jesu Kristu, mumwe chete zuro nhasi nekusingaperi. Uri…Zviri kukuparidzira, Idzidziso kwauri, zvirikuedza kukuratidza zvakanaka ne zvisina kunaka. Mweya Mutvsene Amene arikutaura kubudikidza nemiromo yemunhu, kushanda pakati pevanhu, achiedza kuratidza tsitsi ne nyasha.

Tisu Vatvsene Vakapfeka Nguvo Chena avo ngirosi yaakaona vachibva pasi rose kuzodya Chingwa Cheupenyu. Taka vimbisana naye uye takaroorwa kwaari zvakare takanzwa kusvepura kwake kwesvitsa tsvene mumwoyo yedu. Takazvipira kwaari, neku Inzwi Rake chete, Hatina, uye hatisikuzozvisvibisa rerimwewo inzwi.

Mwenga uri kugadzirira kuenda mudenga sezvakaita Johane; muhupo hwaMwari. Tichabatwa kuenda mudenga pa Kubvutwa kwe Kereke. Izvozvo zvinotenderedza munhu wedu wemukati!

Chii chinotevera chaachazarura kwatiri?

Kutongwa; dombo resardio, nezvarinomiririra; nechikamu charaka shanda. Jaspisi, nemamwe matombo akasiyanasiyana. Achatora zvose izvi kubva kuna Ezekieri, kudzoka kuna Genesisi, odzoka zvakare kuna Zvakazarurwa, opinda pakati peBaiberi, ozvibatanidza zvose; ose matombo nemavara  akasiyanasiyana.

Mweya Mutvsene mumwe chete, Mwari mumwe chete, achiratidza zviratidzo zvimwe chete, zvishamiso zvimwe chete, achiita zvimwe chete zvaakavimbisa. Mwenga wa Jesu Kristu achizvigadzirira nekunzwa Inzwi Rake.

Tinokugamuchirai kuti mubatane nesu patinopinda munzvimbo dzekudenga na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kunzwa Eria, mutumwa waMwari kuzera rekupedzisira, achizarura zvakange zvakavanzika mumazera ose.

Hama Joseph Branham

Mharidzo: 60-1231 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina, Part 1

Ndapota rangarirai Mharidzo Yedu Ye Gore Idzwa, Husiku hweChipri: Mangange 62-1231 Hapana nzira irinane yekutanga nayo Gore Idzwa