Vadiwa Vasanangurwa.
Tarirai, ndimire pamukova, ndichigogodza: kana munhuakanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapindamaari, uye ndicharayira naye, naiye neni.
Vashumiri, vhurai mikova yenyu kungirozi yaMwaringuva isati yapera. Dzorerai Inzwi raMwari mumapurupiti enyu kubudikidza nekuridza matepi. Ndiro cheteInzwi raMwari rakasimbiswa rezuva redu rine maShokoasingakundike. Ndiro Inzwi roga rine Zvanzi naJehovha. Ndiro Inzwi roga Mwenga wose raanogona kuti AMEN kwariri.
Ichi ndicho chizvarwa chikurasa chenguva yose. Jesu ari kutipa tsananguro yezvaAri apo mazuva enyashaDzake ave kupera. Nguva yasvika pakupera. Akatizarurira hunhu hwake chaihwo muzera rinorekupedzisira. Akatipa maonero ekupedzisirapahuMwari Hwake hwenyasha uye hwepamusorosoro. Chizvarwa chino chizaruro Chake iye chedomborepamusoro.
Mwari akauya munguva ino yeRaodikia akataurakubudikidza nemunhu wenyama. Inzwi Rake rakaiswapamatepi uye rikachengetwa kuti ritungamirirenekukwanisa Mwenga Wake weShoko. Hapana rimweInzwi ringakwanisa Mwenga Wake kunze kweInzwiRake Iye Pachake.
Muzera rino rokupedzisira, Inzwi Rake pamatepirakasendekwa parutivi; rikabviswa mumakereke. Ivo havasikuzoridza matepi. Saka Mwari vanoti, “Ndirikukurwisai mose. Ndichakusvipai mumuromo Mangu. Uku ndiko kuguma.”
“Mumazera manomwe kubva pamanomwe, hapanachandaona kunze kwevanhu vanokoshesa shoko ravopamusoro perangu. Saka pakupera kwezera rino, ndirikukusvipai mumuromo mangu. Zvapera. Ndichataurandizvozvo. Hongu, ndiri pano pakati peKereke. AmeniwaMwari, akatendeka uye wechokwadi achazviratidzapachaKe uye zvichaitwa kubudikidza NEMUPOROFITA WANGU.”
Sezvazvaiva kare, vari kumhanya sezvakaitamadzitateguru avo mumazuva aAhabhi. Vaiva mazanamana uye vose vaibvumirana; uye kubudikidza navovose vachitaura chinhu chimwe, vakanyengera vanhu. Asi muporofita MUMWE, MUMWE CHETE, akangeanechokwadi uye vamwe vose vakange vasinachokwadi nokuti Mwari akanga apa chizaruro kuneMUMWE CHETE.
Izvi hazvireve kuti hushumiri hwese ndehwenhema uyekuti huri kunyengedza vanhu. Uye handisi kuti munhuane kudanwa kwekushumira haagone kuparidza kana kudzidzisa. Ndiri kuti shumiro yeCHOKWADIyakapetwa kashanu ichaisa MATEPI, Inzwi raMwarikuMwenga, seInzwi rakakoshesesa raUNOFANIRAKUNZWA. Inzwi riri pamatepi ndiro Inzwi CHETE rakasimbiswa naMwari pachaKe kuti iZVANZINAJEHOVHA.
Chenjerai vaporofita venhema nokuti mapereanoparadza.
Uchaziva sei zvirokwazvo nzira yechokwadi yanhasi? Pane kupatsanurana kwakadaro pakati pevatendi. Rimwe boka revanhu rinoti hushumiri hwakapetwakashanu huchakwanisa Mwenga, asi mumwe achitiDzwanya Ridza. Hatifaniri kuparadzaniswa; tinofanirakubatana seMWENGA MUMWE. Mhinduro yechokwadindeipi?
Ngatizarurei mwoyo yenyu pamwe chete tinzwe zvirikutaurwa naMwari kubudikidza nemuporofita wake kuMwenga. Nokuti tose tinobvumirana kuti Hama Branham ndiye mutumwa Wavo wechinomwe.
Tichingotarisa maitiro evanhu chete, munhu upi noupianoziva kuti pane vanhu vakawanda panotovanepfungwa dzakasiyana siyana panyaya diki pamusoro pedzidziso huru yavano bvumirana. Ndianizvino achava nesimba rekusakundika richadzoreredzwamuzera rino rekupedzisira, nokuti zera rinorokupedzisira richadzokera pakuratidza MwengaweShoko Rakachena? Izvi zvinoreva kuti tichavaneShoko zvakare sezvarakapiwa zvakakwana, uyesezvo rakanzwisiswa zvakakwana mumazuva aPauro. Ndichakuudza kuti ndiani achava nazvo. Achange arimuporofita akanyatsosimbiswa, kana kutiakanyatsosimbiswa kupfuura chero muporofita upizvake mumazera ose kubva kuna Enoki kusvika nhasi, nokuti murume uyu anofanira kunge aine shumiroyechiporofita yedombo repamusoro, uye Mwarivachamuratidza. Haafanire zvake kuti azvitaurirepachake, Mwari achataura panzvimbo yake nenzwirechiratidzo. Ameni.
Naizvozvo, Shoko iri rakataurwa nemutumwa wake rakapiwa zvakanakisisa, uye rinonzwisiswazvakanakisisa.
Chii chimwe chakataurwa naMwari pamusoropemutumwa wake wechinomwe neShoko rake?
- Achanzwa kubva kuna Mwari chete.
- Achange ane “zvanzi naJehovah” uye achatauraachimiririra Mwari.
- Achave muromo waMwari.
- IYE, SEZVAZVINOTAURWA KUNA MARAKI 4:6, ACHADZORERA MWOYO YEVANA KUMADZIBABA.
- Achadzorera vasanangurwa vezuva rokupedzisira uyevachanzwa muporofita akasimbiswa achipa zvokwadichaiyo sezvozvaiva naPauro.
- Achadzorera zvokwadi sezvo vaiva nayo.
Zvino akati chii pamusoro pedu?
Uye avo vakasanangurwa pamwe chete naye muzuvairoro vachave ndivo vacharatidza Ishe zvechokwadivova Mutumbi Wake uye vova inzwi raKe nokuitamabasa Ake. Hareruya! Unozviona here?
Kana uchiri mukupokana kupi zvako, kumbira MwarineMweya wavo kuti vakuzadze uye vakutungamirire, nokuti Shoko rinoti, “VASANANGURWA CHAIVO HAVANGA NYENGERWI”. Hapana munhu anogonakukunyengera kana uri Mwenga.
Pakakundikana maMethodist, Mwari akamutsa vamweuye zvakaramba zvichienderera mberi mumakorekusvika muzuva rino rekupedzisira mavazve nevamwevanhu munyika, avo pasi pemutumwa wavo vachaveizwi rekupedzisira kuchizvarwa chekupedzisira.
Hongu changamire. Kereke haichisiri “muromo” waMwari. Yave muromo wayo. Saka Mwari avekuifuratira. Achaivhiringidza kubudikidza nemuporofitanemwenga, nekuti inzwi raMwari richange riri maari. Hongu, nokuti rinoti muchaputa yekupedzisira yemunaZvakazarurwa ndima 17, “Mweya nomwenga zvinoti, Uya.” Zvakare nyika ichanzwa zvakananga kubva kunaMwari sepaPentekosti; asi zvamazvirokwazvo Mwengauyu weShoko ucharambwa sezvakaitika pazerarepakutanga.
Mwenga une inzwi, asi unongotaura chete zviripamatepi. Nokuti Inzwi iroro RINOBVA KUNA MWARI, nokudaro haridi dudziro sezvo rakanyatsopiwazvakakwana uye rinonzwisiswa zvakakwana.
Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patinonzwa Inzwi irororichizarura kwatiri: Chizvarwa cheKereke yeRaodhikia 60-1211E.
Hama Joseph Branham