24-1124

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu.
 
Musi uno weSvondo chii chakachengeterwa MwengawaJesu Kristu? Ndezvipi zvose zvichazarurwa ne Mweya Mutsvene kwatiri? Kubengenuka Kwakakwana. Iye zvino tichanzwisisa zvizere ne Chizaruro, mufananidzo uchiyenzaniswa ne chaimiriramufananidzo, mumvuri uchiyenzaniswa nechinopamumvuri. Jesu ndiye Chingwa cheHupenyuchechokwadi. Ndiye Zvose Zvazvo. NdiMwari Mumwechete. Ndiye VaHebheru 13:8. Ndiye NDIRI.
 
Kristu, nokuzviratidza munyama uye nokudeura Roparake pachake, akabvisa zvitadzo zvedu zvachosenechipiriso chake chaakapa iye amene: naizvozvowakati KWANISA. Hupenyu hwake chaihwo huri matiri. Ropa rake rakatinatsa.  Mweya wake unotizadza. Mavanga ake AKATOTIPODZA. Shoko rake ririmumwoyo nemumiromo yedu. NdiKristu muhupenyuhwedu uye hapana chimwe chinhu, sezvo zvimwe zvosemuhupenyu hwedu zvinonyangadika kushaya basa, pamberi pake Iye neShoko rake.
 
Mwoyo yedu ichazadzwa nemufaro paAchatiudza kutinechirevo Chake chomweya, Aitoziva chaizvo kutindiani aizova Mwenga Wake. Kuti akatisarudza sei. Akatidana. Akatifira. Akabhadhara muripo wedu uye isutiri Wake, Iye chete.  Anotaura, uye tinoteerera, nokutindizvo zvinotifadza. Isu chete tisu pfuma Yake Haanavamwe kunze kweDU. Ndiye Mambo weduweMadzimambo uye isu tiri humambo Hwake. Tiri Wake nekusingaperi.
 
Achatisimbisa nekutivhenekera neIzwi Shoko rake. Achanyatso tsanangura uye nekuzarura kuti Iye ndiyeMukova wemakwai. Ndiye zvose Alfa naOmega. NdiyeBaba, Ndiye Mwanakomana, uye Ndiye MweyaMutsvene. Ndiye Mumwe, uye isu tiri Mumwe naYe uyetiri maAri.
 
Achatidzidzisa kutsungirira, sezvaakaita Abrahamu, nekutsanangura kuti tinofanira kumirira uyenekutsungirira sei kana tichida kuwana chero chipikirwachipi nechipi.
 
Achatiratidza zvakajeka zuva chairo ratiri kuraramamariri. Kuti hurongwa hwemachechi huchasimba seimune zvematongerwo enyika, uye nekuisa kumanikidzakuhurumende kuti vanhu vese vabatane nayokubudikidza nekutevedzera zviga zvakaiswamumutemo, kuti pasave nevanhu vanozivikanwasemachechi kunze kwekunge vari pasi pekutongwazvizere kana muchidimbu nekanzuru yavo.
Acharatidza kuti vangani vachaenderera mberi,vachifunga kuti vari kushumira Mwari vari muhurongwahwemasangano. Asi Anotiudza kuti, “Musatya, nokutiMwenga haunganyengerwi, tichagara neShoko Rake, Inzwi Rake”
 
Zvichatisimudzira sei kuMunzwa achitiudza: “Batisisa, chengetedza. Usakanda mapfumo pasi, asi pfekainhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, chombochose, chipo chose chandakakupai chiripamberi penyu. Usafa wakaora moyo mudiwa, ramba wakatarira mberinemufaro nokuti uchagadzwa korona Neni, Mambo wako weMadzimambo naIshe weMadzishe, Murumewako.”
 
Uri kereke Yangu yechokwadi; temberi chaiyo yaMwarikubudikidza noMweya Wangu Mutsvene unogara mukatimako. Muchava mbiru mutemberi itsva;
hwaro chaihwo huchasimudza nekubata chivakwa. Ndichakuisai sevakundi pamwe chete neva apositorineva porofita, nokuti ndakupai Chizaruro cheShokoRangu, changu Ini.
 
Achanyatso tizarurira kuti mazita edu akanyorwamuBhuku reHupenyu reGwayana Rake nyika isatiyavambwa. Naizvozvo tichange tiri pachigaro ChakeChokutonga masikati nousiku kumushumira mutemberiYake. Tisu vakatsaurwa vanochengetwa naShe; tiriMwenga Wake.
 
Tichava nezita idzva kubudikidza nekutora zita Rake. Richava zita ratichapihwa paachatitora Kwaari. Tichawawake Mudzimai wa Jesu Kristu.
  
Jerusarema idzva rinoburuka richibva kuna Mwaririchibva kudenga, Mwenga akashongedzerwa Murumewake. Rufu haruchazovipo, kusuwa, kana kuchema. Uye hapachazovi nokurwadziwa, nokuti zvakarezvapfuura. Zvipikirwa zvose zvaMwari zvinoshamisazvichazadzikiswa. Kushandurwa kuchapedziswa. Gwayana neMwenga waro vachagara zvakanakanokusingaperi muhunaku hwose hwaMwari.
 
Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu, ROTA NEZVAZVO. Zvichava zvinoshamisa kupfuura zvaungafungidzira.
 
Ndinokoka munhu wose kuti auye kuzobatana nesumusi weSvondo uno na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo Murume wedu, Jesu Kristu, achataura kubudikidza nemutumwa Wake mukuruwechinomwe uye achitiudza zvinhu zvose izvi. 
 
 
Hama Joseph Branham