24-0922 Edheni RaSatani

Mharidzo: 65-0829 Edheni RaSatani

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Chizenga cha Mwari,  
 
Tisu chizenga chaicho chaBaba veduveKudenga; nokuti takange tiri maVaripakutanga. Hatizvirangarire ikozvino, asitakange tiriko naVo, uye Vaitiziva.Vakatida zvikuru chaizvo vakatiumbanenyama kuti vagone kubatana nesu, kutaura nesu, kutida, kunyange kutikwazisa nemavoko.
 
Asi Satani akauya akatsveyamisa Shoko raMwari repamavambo, HumamboHwake, uye hurongwa hwake kwatiri. Akamonyorodza varume navakadzi uyeakabudirira pakutsveyamisa uyenepakubata ushe pamusoro penyikayatigere mairi. Akaita nyika ino humambohwake, bindu rake reEdeni.
 
Ndiyo nguva inonyengera nekufurirakupfuura nguva dzosedzakambovepo. Dhiabhorosi wakaisamiteyo yose yemanomano yaanogona: nokuti iye munyengeri mukuru. Mukristuanofanira kunge aka ngwarira zvikurunhasi kupfuura zvaive mune zvimwezvizvarwa zvose.
 
Asi panguva imwe cheteyo, ndiyo nguvainobwinya kupfuura zvizvarwa zvose, nokuti tatarisana nenguva huru inonziMireniamu. Bindu redu reEdeni rave pedyo, patichange tave nerudorwakakwana ne kunzwisisa kwakakwanakwe rudo rwaMwari. Tichange tiri vapenyutakachengeteka naye muEdeni redunekusingaperi.
 
Jesu vakatiudza kuna Mateu 24 kutitinofanira kuchenjera sei muzuva rino. Akatiyambira kuti zuva rino ndiro rinekunyengera kunopfuura mamwe mazuvaose atakamborarama, “pedyo nepedyochaizvo zvekuto nyengera vasanangurwadeno zvaigoneka”; nokuti manomanoadhiabhorosi anoita kuti vanhu vafungekuti ma Kristu ivo vasiri.
 
Asi chizvarwa chino chichaberekavoMwenga Wake wakachena weShokousinga, uye usingagoni, kunyengerwa; nokuti vano gara neShoko Rake repamavambo.
 
Sa Joshuwa na Karebhu, nyika yeduyechipikirwa yave kutooneka sezvakaitayavo. Muporofita wedu wakati Joshuwazvinoreva kuti, “Jehovah Muponesi”. Aimiririra mutungamiri wenguvayekuguma aizouya kukereke, sekuuyakwakaita Pauro semutungamiriwepakutanga.
 
Karebhu aimiririra vaya vakarambavakatendeka kuna Joshuwa. Sevana veIsiraeri, Mwari akatanga navosemhandara neShoko Rake; asi vaidazvimwe zvakasiyana. Muporofita weduwakati, “ndoo zvichaitavo kekere ye zuvarekupedzisira” Naizvozvo, Ndosaka, Mwari havana kutendera Isiraeri kupindamunyika yechipikirwa kusvikira yavenguva yake yaakatara.
 
Vanhu vakamanikidzira Joshuwa, mutungamiri wavo wavakapihwa naMwari, vakati, “Nyika ndeyedu, handeitinoitora. Joshuwa iwe wapererwa, warasikirwa nekutumwa kwako. Hausisinasimba rawakange unaro. Waisinzwakubva kuna Mwari ne kuziva kudakwaMwari nekukurumidza kuitazvinofanirwa kuitwa. Pane chisina kumiramushe pauri”
 
Joshuwa akange ari muporofitawakatumwa na Mwari, uye aiziva vimbisodzaMwari. Muporofita wedu akatiudza:

“Mwari vakaisa hutungamiriri hwakazaramumavoko a Joshuwa nokuti akangearamba akamira ne Shoko. Mwari aigonakuvimba na Joshuwa, asi kwetenevamwe. Saka zvichadzokorora muzuvarino rekuguma. Dambudziko rimwe chete, kumakidzwa kumwe chete.”

Sezvo Mwari akaita naJoshuwa, AkaisaHUTUNGAMIRIRI HWAKAZARA mumavoko engirozi muporofita Wake, William Marrion Branham; nokuti aizivakuti aigona kuvimba naye, asi kwetevamwe. Paifanira kuva Ne’nzwi Rimwe, Mutungamiri Mumwe, Shoko Rimwerekupedzisira, nguva iyoyo, uyeNAZVINO.  
 
Ndinoda matauriro akaita muporofitakwatiri achiti, pachave nezviuruzvakapetwa kazvuru zvevanhuvachanzwa matepi. Akataura kuti matepiISHUMIRO. Pachave nevamwe veduvachapinda mudzimba nemumachechinetepi (shumiro yake) kubata MbeuyaMwari yakatemerwa.
 
Patakadzoka tichiti, Ishe, tateerera kurairakwenyu, uye pane vanhu vatakaonapatakaridza matepi vakatenda. Zvinotakaparidza izvozvo, pasi rose, Mungazviremekedza here?
 
Iye uchati; “Ndizvo zvandakakutumai kutimuite.” 
 
Mwari anozviremekedza. Imba yakohaizungunusirwe pasi. Mwari paachapamucherechedzo weku paradza zvose, mhuri yako yose, zvinhu zvako zvose, zvichange zvakachengeteka mumbamako. Unogona kumira ipapo. Hausaifanira kana kutarisa kunze nepafafitera, ingo dzwanya nekuridza apohondo iri kuenderera mberi.

Mashoko enyu akawanikwa ndikaadya;uye shoko renyu rakave kwandiri mufaronekufadzwa kwemoyo wangu: nokutindakadanwa nezita renyu, O Ishe Mwariwe hondo.

Ndinokukokai kuti mubatane nesupatinenge tichidya shumiro, huru, mhenyu, yenguva yekupedzisira yaMwari, musi uno we svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichange tichinzwa zvose pamusoro pe: Edeni ra Satani 65-0829

Deno tararama kusvikira pakuuya kwaShe, kana zvaikwanisika. Deno taitazvose zviri musimba redu nerudo ne kunzwisisa, tichinzwisisa kuti Mwari arikutsvaga pasi rose, nhasi, kuwana gwairakarasika rose. Uye deno tataura navonemunamato wakaperera we rudoneShoko ra Mwari, kuti tiwane riyarekupedzisira, kuti tiende kumusha, uyekuti tibude kubva muno muEden rakareraSatani pano, Ishe.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwaMharidzo.
 
2 Timotio 3:1-9 
Zvakazarurwa 3:14 
2 Vatesaronike 2:1-4 
Isaya 14:12-14 
Mateo 24:24