24-0623 Kuroorana NeKurambana

Mharidzo: 65-0221M Kuroorana NeKurambana

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga we Shoko wakachena usina kusvibiswa,

Tiri mukadzi wake wechidiki wakaisvonaka; usina kusvibiswa, usina kubatwa nesangano ripi zvaro revanhu, kana zvinyorwa zvakaitwa nevanhu. Tiri Mwenga we Shoko usina kusvibiswa zvachose. Tiri mwanasikana wa Mwari wakatozvitakura.

Tiri vana Vake ve Shoko Rakataurwa, rinova Shoko  repamavambo! Muna Mwari hamuna chivi, naizvozvowo matiri hamuna chivi, sezvo tiri mumufananidzo Wake. Tinga punzika sei? Hazvigone….HAZVIGONE! Tiri chikamu chake, SHOKO Rake RAPAMAVAMBO.

Tinga ziva sei izvi pasina kupokana? CHIZARURO. Bhaibheri rose, Mharidzo iyi, Shoko ra Mwari, zvose chizaruro. Ndivo mazivire atinoita zvokwadi pakati pe Inzwi iri nemamwe manzwiwo, nokuti Chizaruro. Uye Chizaruro chedu nemo nemo ne Shoko, hachipesani ne Shoko.

Uye padombo iri (chizaruro chemweya kuti Shoko chii) “Ndichavaka kereke Yangu;  uye masuvo egehena haafi akayi zungunusira pasi”  Mudzimai wake haayedzwi nevamwe varume. “Ndichavaka Kereke Yangu, uye masuvo egehena haafi akayi zungunusa”

Ticharamba tiri vechokwadi uye takatendeka ku Shoko Rake uye ku Inzwi Rake, chete. Hatimbofa taka svibiswa nomumwewo murume nokuita hupombwe. Ticharamba tiri Mwenga Wake Mhandara Shoko. Hatizi kuzotarisa, kana kuteerera kana kutamba zvechiramu nerimwewo shoko.

Zviri pasi mumoyo yedu. Hazviite kuti tive nomumwe murume, asi wedu MURUME MUMWE, Jesu Kristu Murume mumwe, Mwari, Imanuweri. Mudzimai wake achange ari zviuru zvakapetwa nezviuru zvezviuru. Izvozvo zvinoratidza kuti Mwenga unofanira kubva mu Shoko. “Jesu Tenzi Mumwe, uye Mwenga wake vazhinji, asi mumwe.”

Tinofanira kucherechedza uye nekunzwisisa kuti izvi hazvisi zve munhu wese, ndezve boka re muporofita CHETE. Vateveri Vake iye. Shoko iri riri kwavari chete, boka duku iroMweya M’tsvene akamupa kuti atarire.

Mwari achaita kuti iye apindure pane zvaanotiudza, uye Mwari achaitawo kuti isu, vaakatendeutsa kubva kunzvimbo dzaksiyasiyana, ivo vaakatungamirira kuna Kristu, tipindurewo panyaya yekutenda Shoko racho rose tisingarerutsi.

Zvakanakisisa sei kwatiri kuti tigare uye nekuteerera kwaari achitiudza nyaya yekuti tiri vaSanangurwa vake sei. Kuti zvakafamba sei kuti Mwenga wake wekutanga, uye Mwenga wechipiri, vose vakamukundika sei; asi isu, Mwenga wake mukuru wenguva yekupezisira HAASIKUZO MUKUNDIKA.

Ticharamba tiri we chokwadi, wakatendeka, mhandara Shoko Mwenga kusvikira pakuguma.

Kutenda kwedu mu Shoko Rake kunokura zuva nezuva. Tiri kuzvigadzirira nokuteerera nokuita Shoko rose Rake, kunzwa Inzwi Rake richitaura kwatiri, tichiverenga ma Bhaibheri edu, kunamata nekumushumira zuva rose.

Tinoziva achakurumidza kuuya. Nguva ipi zvayo zvino. Sa Nowa, aitarisira kuti achauya nezuro; dzimwe nguva mangwana mangwanani, masikati, madedekwana, asi tinoziva kuti Ari kuuya. Muporofita wa Mwari ne Shoko rake hazvikanganise, ARI KUUYA. Tinonzwa kuti rave zuva rechinomwe, uye tinoona makore achiumbika uye nemadonhwe makuru emvura achidonha; nguva yasvika.

Takachengeteka nekugadzikana mu Areka, takamirira ne kutarisira kukuru. Uya ubatane nesu patichanzwa Inzwi ra Mwari richiti nyaradza musi uno we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa: Kuroorana neku Rambana 65-0221M.

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga usati wateerera Mharidzo:

Mateu 5:31 – 32

Mateu 16:18

Mateu 19:1 – 8

Mateu 28:19

Mabasa eva Postori 2:38

Varoma 9:14 – 23

I Timotio 2:9-15

I Vakorinde 7:10 – 15

I Vakorinde 14:34

Vaheberu 11:4

Zvakazarurwa 10:7

Genesisi 3 Chaputa yose

Revitico 21:7

Jobo 14:1 – 2

 Isaya 53 Chaputa yose

Ezikieri 44:22