24-0519 Mibvunzo ne Mhinduro #4

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Mhuri yema Tepi,

Ndinoreva imi, mhuri yangu, uye mhuri kunze uko munyika uko isu…uko ma tepi anoenda.

Tisu isu, mhuri yema tepi yemu porofita; vana vake vakapararira kunze uko pasi rose, avo vaaka bereka kuna Kristo. Ivo avo Baba vakapa chizaruro chavo kwavari muma zuva ano ekupedzisira.

Ndinoda kukuunganidzai pamwe chete rimwe remazuva, munoona, Baba vachadaro, uye ipapo ticha-tichawa ne Musha uko kwatisingazo famba famba zvakare.

NDINODA KUVAUNGANIDZA VOSE PAMWE CHETE.    Zviri kutoitika iko zvino. Shoko iri, Shoko Rake, ma Tepi aya ndizvo zvaari kutoita chaizvo: kuunza Mwenga wose pamwe chete, kuti batanidza se CHINHU CHIMWE kubva pasi rose. Hakuna chimwe asi Inzwi Rake; Inzwi ra Mwari pama tepi, rinogona kuunza Mwenga pamwe chete.

Zvino iwe, kana wazadzwa no Mweya M’tsvene, hechi chimwe chezviratidzo chakanakisisa chandino ziva: unopinda murudo zvakanyanya na Kristo uye unotenda Shoko rimwe ne rimwe ra Ano taura kuti Ichokwadi. Unoona? Ndicho chiratidzo chekuti une Mweya M’tsvene. Uye upenyu hwako hwakazara nemufaro, uye–uye ini zvangu, zvese zvinochinja (unoona?) kubva pane zvazvakange zviri. Ndiwo Mweya M’tsvene.

Moyo yedu, pfungwa nemunhu wemukati medu zvakazara nemufaro, rudo uye Chizaruro, tototadza kuzvibata. Shoko rimwe na rimwe ratinonzwa rinounza Chizaruro chakawedzerwa. Tinoona kuti tiri vana ani uye nezvatiri kuita kuti tinge tiri mu Kuda Kwake Kwakakwana. Hapana chinga tibvisa pane zvakaiswa na Mwari mumoyo yedu. Kubaya ne Kuridza ndiyo Nzira yakapihwa na Mwari muzuva redu. Hapana zvekufembera, hapana zveku fungidzira, hapana zvekubvunza Mweya M’tsvene “Izvi zvandichangonzwa, Ishoko rechokwadi here?” “Ndinofanira kuzvinzvera ne Shoko here?”

Kwete isu. Zvatinonzwa pama tepi ISHOKO. Iro Shoko ratinonzwa pama tepi ndiro SHOKO CHETE rakasimbiswa na Mweya M’tsvene Amene, Shongwe Ye Gore Re Moto, kuti ndiyo Zvanzi na Jehovah ku Mwenga.

Kana mumwe akati kwatiri, “Pane zvakawanda zvakataurwa pama tepi zvekuti ndi hama Branham vaingotaura, risiri Shoko rakazodzwa. Uyo waingove munhu. Mweya M’tsene wakatitungamirira kune chiri Shoko uye kune zvaingo taurwa ne Hama Branham.”

Kwete kwatiri. Tinongotenda zvinyoronyoro izvo mu porofita akatiudza kuti tirege kukanganwa.

Ndinoda kuti murege kufa makakaganwa Shoko iroro. Zvakataurwa na Mosesi, Mwari wakazviremekedza, nokuti Shoko ra Mwari rakange riri muna Mosesi.

Hatife takakanganwa zvakataurwa ne muporofita, uye tinozvitenda; nokuti zvakanyorwa nesimba pamoyo yedu nechinyoreso chesimbi. Zvaakataura pama tepi, Mwari wakazviremekedza, uye tino zvitenda.

Hapana kuremekedzwa kukuru kunopfuura kagara ne kunzwa Izwi ra Mwari richitaura kwatiri. Achange achitaura ku Mwenga Wake musi we Svondo uno nenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, uye achipindura mibvunzo: 64-0830E Mibvunzo ne Mhinduro #4. Ndingada kukukokai kuti mubatane nesu. Isarudzo yausingambozo demba pamusoro payo.

Hama Joseph Branham