- 25-1214 Mutambo weHwamanda
- 24-0310 Mutambo weHwamanda
- 22-0821 Mutambo weHwamanda
- 21-0328 Mutambo weHwamanda
Mudiwa Mwenga Wakakwana
Izvi hazvisi zvekuumbidzira, shamwari, Izvi iZVANZI NAJEHOVHA, Rugwaro.
Mukristu wese anoda kuva Mwenga, asi tinoziva kuti Mwenga wake vachange vari vashoma vakasanangurwa. Tinoziva kuti Mwari Ane kuda kwekuregedzera, asi Mwenga Wake anofanira kunge ari mukuda Kwake kwakakwana. Saka, tinofanira kutsvaga Mwari muShoko Rake, uye neChizaruro, tichaziva kuda Kwake kwakakwana kuti tingava sei Mwenga Wake.
Tinofanira kunzvera Magwaro, nokuti tinoziva kuti Mwari HAASHANDURI pfungwa dzake pamusoro peShoko rake. Mwari haashanduri hurongwa Hwake. Haashanduri CHINHU. Nzira yaAkazviita nayo kekutanga yakakwana. ZvaAkaita nezuro achazviitawozvimwe chete nhasi.
Maponesero Aakaita munhu kubva pakutanga, Anofanira kuponesa munhu nhasi nenzira imwe cheteyo. Kupodza kwaakaita munhu wekutanga, Anofanira kuzviita nenzira imwe chete nhasi. Mwari kusarudza kwaakaita kudana nekutungamira Mwenga Wake, Achazviita nenzira imwe chete nhasi; nokuti ndiMwari uye haashanduki. Shoko rinotiudza kuti Jesu Kristu ndiye MUMWE CHETE zuro, nhasi, nokusingaperi.
Saka, patinoverenga Shoko rake, tinokwanisa kuona zvakajeka Masarudziro aakaita kudana nekutungamira Mwenga wake muzera rega rega. Akasarudza MURUME MUMWE chete. Akati ivavo vaive Shoko renguva yavo. Muporofita akatiudza kuti HAANA kumbova neboka revanhu; vane nzira dzakasiyana, pfungwa dzakasiyana, uye zvinotonyanya kukosha, Akati, SHOKO RAMWARI HARIDI DUDZIRO.
Saka, zvakataurwa nemuprofita wega wega muzera rega rega hazvigone kuwedzerwa kana kutapudzwapazviri. Rinofanira kuva Shoko neShoko ZVAAKATAURA. Nyore chaizvo, kana ukandibvunza kuti ndeipi nzira yakapihwa naMwari….GARA NEMUPOROFITA.
Zvino, hatingoziva chete nzira yakapihwa naMwari kubva pakutanga kuti yanga yakadini, Ishe vachataura kubudikidza nengirozi yavo uye votiudza Zvaachaitamune ramangwana, kungoratidza zvakare, MWARI HAASHANDURE HURONGWA HWAKE.
Mushure mekunge Mwenga wake (isu) tabva pasi pano uye tadanwa kuChirairo cheMuchato, Mwari achadana sei maJuda akasarudzwa 144 000? Boka revarume?
Zvino, kana Chechi ino (Mwenga) yavunganidzwa pamwe chete, Anotorwa; uye chakavanzika cheChisimbiso cheChinomwe, kana Chisimbiso cheChinomwe, chakavanzika chekuenda. Uye maJuda anodaidzwa nechakavanzika cheHwamanda yeChinomwe, inova vaporofita vaviri, Eria naMosesi, uye vanodzoka.
Saka kana Mwenga avunganidzwa pamwe chete, tichatorwa kumusoro. Tinoziva kuti pane chinhu chimwe chete chinogona kukwevera Mwenga pamwe chete, Mweya Mutsvene, uye Mweya Mutsvene iShoko Rake,uye Shoko Rake ranhasi Inzwi raMwari, uye Inzwi raMwari ndiro…
Kana ndakugumbura nekutaura izvozvo, ndiregerere, asi, ndanzwa kuti izvozvo zvinogona kurambwa, asi, Ndiri Inzwi raMwari kwamuri. Maona? Ndinozvitaura zvakare, nguva iya kwange kuri kufemerwa, waona.
Regai ndigopindira pano ndichiti, ichocho CHITAURWA CHIMWE CHETE kubva kumutumwa waMwari akasimbiswa chinofanira kukwana kune vose vanozviti vatendi veShoko reNguva yekupedzisira kuti vamanikidze vafudzi vavo kuDzvanya noKuridza muma chechi avo, kana vasingadi voregedza basa racho vanhu vovhotera mufundisi ane CHIZARURO CHECHOKWADI KUBVA KUNA MWARI.
Saka, Hwamanda yakarira vaporofita vaviri voonekwa sezvo Asingakwanisi kuva nengirozi yake yechinomwe neMwenga wake pano panyika panguva imwe chete yavanouya. Saka anodaidza sei maJuda? Nenzira imwechete yaakadaidza nayo Mwenga wake weMarudzi.
MaJuda anodaidzwa nechakavanzika cheHwamanda yeChinomwe, inova vaporofita vaviri…
Mwenga anofanira kubva munzira, kuti akwire zvino; kuitira kuti varanda vaviri, varanda vaviri vaMwari, muna Zvakazarurwa, vaporofita vaviri, vagokwanisa kuoneka panzvimbo, kuridza Hwamanda yeChinomwe kwavari, vazivise kwavari Kristu.
Zvakajeka izvo, Mwari haashandure hurongwa Hwake. Akatuma vaporofita Vake. Naizvozvo, Mwenga Wake uchagara nenzira Yake yaakapa, mutumwa Wakemuporofita, Inzwi raMwari pamatepi.
Zvino kuti zvinyatso jeka, Mwari vanotaura zvakare uye vanoudza Mwenga Wake: Wakaramba wakatendeka kwaNdiri nenzira Yangu yandakapa, saka nzira Yanguyandakapa yezuva rako ichati kwauri:
Mutumwa wechinomwe anoti, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika!”.
Rakakosha sei INZWI IRO; INZWI RAMWARI richitaura kubudikidza nemutumwa wake wechinomwe pamatepi. Mwari achashandisa INZWI IRORO, IZWI REMUTUMWA WAKE WECHINOMWE. KWETE BOKA…KWETE INI…KWETE MUFUNDISI WAKO…INZWI REMUTUMWA WAKE WECHINOMWE kuti atizivise Kwaari, Ishe wedu Jesu Kristu.
Naizvozvo, TINOZIVA:
● TIRI MWENGA WAKE.
● TIRI MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA.
● TIRI KUTEVERA HURONGWA HWAKE HWANHASI KUBUDIKIDZA NOKU DZWANYA NOKURIDZA.
Chikamu cheMwenga wake chichange chichiungana musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, tichiteerera mufundisi wedu, mutumwa ngirozi yaMwari, William Marrion Branham, uye Achange achitaura nekuzarura kwatiri kuti hakuna imwe kereke, hakuna rimwe boka revanhu kubva pakuvambwa kwenyika, rakambova nemukana watinawo wekubatanidzwa pamwe chete tichiteerera Mwari achitaura kwavari zvakananga.
Tiri vanhu vakaropafadzwa sei. Tinofara zvikuru. Tinotenda zvikuru. Mwenga ari kuva MUMWE neChikomba.
Hama Joseph Branham
Mutambo weHwamanda 64-0719M.
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Revhitiko 16
Revhitiko 23:23-27
Isaya 18:1-3
Isaya 27:12-13
Zvakazarurwa 10:1-7
Zvakazarurwa 9:13-14
Zvakazarurwa 17: