25-1102 Kuiswa Pachena KwaMwari

Mharidzo: 64-0614M Kuiswa Pachena KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Shoko Ririkuratidzwa,
 
Zvifungei! Shongwe yeGore reMoto imwe cheteyakauya pamusoro pevarume vakanyora Bhaibheri ndiyo Shongwe yeGore reMoto imwe chete yatiri kunzwa zuva nezuva, ichidudzira zvakavanzika zvose zveBhaibheri kwatiri: Shoko raMwari Rakaratidzwa!
 
Mwari akange akaZvifukidza muvaporofita vaKe vakare kuti ataure Shoko Rake kwavari. Ndizvo zvaAkange aita kareko. Asi muzuva redu, muporofita wedu, William Marrion Branham akange ari Shoko rinorarama kuvanhu, rakafukidzwa neShongwe yeGore reMoto.

Chizoro munhu. Shoko rokuti Kristu rinoreva “muzodziwa,” munoona, “muzodziwa.” Zvino, Mosesi ari Kristu mumazuva ake, akange ari muzodziwa. Jeremia aive Kristu mumazuva ake, aine chikamu cheShoko rezuva iroro.

Mwari anodudzira Shoko Rake paChaKe. Hama Branham vaka Zvitaura; Mwari VakaZvidudzira. Aiva neShoko. Kwete boka, William Marrion Branham! Mwari vakawana MUNHU MUMWE chete. Haakwanise kuwana pfungwa mbiri kana nhatu dzakasiyana dzine mafungiro akasiyana. Anotora MUNHU MUMWE chete, akave Shoko raMwari benyu rakafukidzwa kuseri kwenyama yemunhu.
 
Hatisisiri kuseri kwechidzitiro ichocho, imi vadiki. Mwari vakaita kuti muvaone zvakazara. Chidzitiro chakare chemasangano netsika dzevanhu chakabvarurwa kubva muShoko raMwari, kuti Rigone kuratidzwa! Muzuva rino rokupedzisira, chidzitiro chetsika dzevanhuchakabvarurwa nepakati, zvino heyo Shongwe yeGore reMoto yamira. Uyo Ari pano, achiratidza Shoko rezuva rino. Chidzitiro chabvarurwa.

Tarisai matepi paanenge achiuya, tarisai rimwe nerimwe, kuti arikuuya sei achinyatsojeka nekujeka; kana mune nzeve dzekunzwa, maona, meso ekuona.

Ndizvo zvichiri kupofamadza vanhu nhasi. Vanoda kutaura kuti vanotenda kuti muporofita waMwari akaunza Shoko, asi iko zvino kuzodzwa ikoko kwave pane vamwe kuti vatitungamirire, kwete muporofita.
 
Muporofita akatiudza kuti Mwari haakwanise kutyora Shoko rake. Mumazuva okupedzisira, zvinofanira kuva zvimwe chetezvo zvakare. Mwari havakwanise kushandura nzira yavo, kana kushandura Shoko ravo. Ivo vakataura kuti havashanduke. Vakagara vachituma vaporofita Vavo kwete kuti vauye neShoko Ravo chete, asi kuti vatungamire Mwenga Wavo.

Sezvazvaiitwa muzera rega rega, Mwariakafukidzwa munyama yemunhu. Cherechedzai, Ndoozvaakaita. Vaporofita vaive Mwari, akafukidzwa. Vaive Shoko raMwari (ndizvo here?) rakafukidzwa munyama yemunhu. Saka, havana kucherechedzawo Mosesi wedu, maona, Jesu.

Zvino harisi Shoko chete rakanyorwa kwatiri, chinhu chave kubatika. Tiri maAri. Iye zvino tiri kufara. Zvino tinoMuona. Zvino tinoMuona, Shoko, achiZviratidza.

Zvino, tinova chikamu chaKe. Isu tiri chifukidziro chinoMufukidza. Tiri chikamu chaKe; kana Kristu ari mamuri, saKristu akange ari waMwari.
 
Tiri temberi munogara Kristu seri kwechifukidziro cheganda redu renyama. Tiri tsamba dzakanyorwa, Shoko rakanyorwa. Isu tiri Shoko rakanyorwa, riri kuratidzwa.

Uye paunoona Shoko richiratidzwa, unoona Baba Mwari, nokuti Shoko ndiBaba. Shoko ndiMwari. Uye Shoko, rakaratidzwa, ndiMwari pachaKe achitora Shoko raKe oRiratidza pakati pevatendi. Hapana chinogona kuRiraramisa kunze kwevatendi, vatendi chete.

Mwari, akafukidzwa munyama yemunhu, achitaura nokuzarura Shoko raKe kwatiri zuva nezuva. Mwari ari munyama yemunhu achigaramune mumwe nemumwe wedu.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 64-0614M – “Kuratidzwa kwaMwari”
Nguva: 12:00 masikati. Nguva yeJeffersonville
 
Rangarirai nguva inonzi “daylight savings time”