24-1201 Mhandara Gumi, Nezviuru Zana Nemakumi Mana Nezvina zveMaJuda

Mangwanani Akanaka Shamwari,

Hazvisati zvakamboitika munhoroondo yepasi rose kuwanikwa nguva apo Mwenga waKristu kubva pasi rose pawaizokwanisa kubatanidzwa pamwe chete muhumwe, apo ruzha runobva Kudenga, Inzwi chairo raMwari, paraigona kuuya richimhanya mukati.

Magwaro ari kuzadzikiswa. Ndiyo nguva yekubatana chiratidzo Chembeu. Kubatana kusingaoneki kweMwenga waKristu kuri kuitika patinenge takagara muhupo hweMwanakomana, tichiibviswa, tichiZvigadzirira nekunzwa Inzwi chairo raMwari.

Tiri kukwaniswa nehushumiri Hwake hwakapetwa kashanu.

Vangani vanotenda kuti zvipo uye nekudanwa hazviuyi nekutendeuka? Bhaibheri rakati kune zvipo zvishanu muchechi. Mwari akagadza mukereke Vaapostora, kana kuti mamishinari, vaapostori, vaporofita, vadzidzisi, vaevhangeri, vafudzi.

  • Muparidzi: Ndaigona kufamba ndichidzika ne nzira. Mumwe munhu oti, “Uri muparidzi here?” Ndinoti, “Hongu changamire. Oh Hongu, Ndiri muparidzi.”
  • Mudzidzisi: Uye zvino chikonzero chandisina kuparidza mangwanani ano, ndechokuti, ndaifunga, mukudzidzisa, taizozvinzwisisa zviri nani pane kungotora chinyorwa tongo svetukasvetuka pachiri. Taizongozvidzidzisa.
  • Muapostori: Shoko rokuti “mumishinari” rinoreva kuti “akatumwa.” “Muapostori” zvinoreva kuti “mumwe akatumwa.” Mumishinari muapostori. Ini—ini, ndiri mumishinari, sezvamunoziva, ndinoita basa remuevhangeri, basa roumishinari, kanokwana kanomwe mhiri kwamakungwa, pasi rose.
  • Muporofita: Unonditenda here kuti ndiri muprofita waMwari? Saka chienda enda undoita zvandinokuudza.
  • Mufudzi: Munoziva here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti mufudzi wenyu, uye munotaura zvakanaka, nokuti ndizvo zvandiri.

Zvino ndakaona mamiriyoni evanhu iwayo akamira ipapo, ndikati, “Vose ndevekwaBranham here?” Akati, “Kwete.” Akati, “Ndivo wavakatendeutsa.” Zvino ndakati, nda—ndikati, “Ndinoda kuona Jesu.”  Akati, “Kwete zvino. Pachatora nguva Asati auya. Asi achatanga auya kwauri uye iwe uchatongwa neShoko rawakaparidza,

Ipapo tose takasimudza maoko edu tikati, “Takabatirira ipapo!”

Pane chava kuda kuitika. Chii chiri kuitika? Vakafa muna Kristu vava kutanga kumuka zvino vachitipoteredza. Ndiri kunzwa shanduko yavekuya mumuviri wangu. Bvudzi rangu jena, raenda. Tarisa chiso changu…makwinya angu ese anyangarika. Marwadzo angu nekurwadziwa… .ZVAENDA.

Manzwiro angu ekuderera anyangarika pakarepo. Ndashandurwa kamwe kamwe, mukubwaira kweziso.

Ipapo tichatanga kutarisa pakatipoteredza uye toona vadikanwa vedu. Maiwe, Amai avo naBaba…Kubwinya, mwanakomana wangu…mwanasikana wangu. Sekuru, mbuya, oh ndange ndakusuwai mose zvikuru. Hei … heyo shamwari yangu yakare. O TARIRA, ndiHama Branham, muporofita wedu, Hareruya!! Zvatove pano. Zviri kutoitika!

Zvino pamwe chete, kamwe kamwe, tichabvutwa kuenda kure kumusoro uko muchadenga kure nenyika. Tichasangana naShe munzira Yake Achiburuka. Tichamirapo naYe pamadenderedzwa enyika ino tichiimba nziyo dzekudzikinurwa. Tichaimba nekumurumbidza nekuda kwenyasha dzake dzinodzikinura dzaAkatipa.

Zvose zvakachengeterwa Mwenga wake. Inguva yakadini yatichava nayo mumwe nemumwe wedu nekusingaperi, naIshe wedu Jesu. Mazwi emunhu anofa haakwanisi kuzvitaura, Ishe, manzwiro atinoita mumwoyo yedu.

Kana uchida kuMunzwa achikudaidzai kuti Mwenga waKe, uye achikuudzai zvazvichange zvakaita Naye, huyai mubatane nesu musi we Svondo uno na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye mucharopafadzwa zvakanyanyisa.

Hama Joseph Branham

60-1211M Mhandara Gumi, Nezviuru Zana Nemakumi Mana Nezvina zveMaJuda