24-0714 Kunyara

Mharidzo: 65-0711 Kunyara

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Usinganyare,

Hakuna kumbowanika nguva kana vanhu sevaripo nhasi. Tiri maAri, vagari venhaka pane zvose zvaakatitengera. Ari kugoverana hutsvene hwake nesu, kusvikira maari, tave kururama kwaMwari chaiko.

Akafanotiziva nokutemera kwoMweya. kuti taizova Mwenga wake. Wakatisarudza, isu hatina kumusarudza kwete. Hatina kuuya nokuda kwedu, kwaive kusarudza kwake. Zvino waisa mumoyo yedu ne mu munhu wemukati wedu Chizaruro chakazara che Shoko Rake.

Zuva nezuva Ari kuzarura Shoko Rake kwatiri, achidurura Mweya Wake pamusoro pedu, achiratidza hupenyu hwake chaihwo matiri. Hakuna imwe nguva apo Mwenga wakanyatso dzikamiswa mumoyo, uchiziva kuti uri mukuda kwake kwakakwana, uye tiri muhurongwa hwake, nokugara ne Shoko Rake, nekunzwa Inzwi Rake.

Rudo rwaMwari uye Shoko iri zvino zadza moyo yedu kusvikira pakupfachukira. Hapana chimwe zve chatichada kunzwa, kutaura nezvacho, kuyanana nazvacho, kana kungogoverana chitaurwa chatichangonzwa neku rumbidza Mwari.

Takafanana na Mosesi kuseri kwerenje. Tafamba kutarisana chiso nechiso naMwari Samasimba, uye tinoona Inzwi richitaura nesu; maringe neShoko uye nevimbiso yenguva. Zvine chazvaita kwatiri. Hatinyari nazvo.Tinofara kuzvishambadzira pasi rose. Tinotenda kuti Ishe Jesu ndiro Shoko re nguva uye isu TIRI MWENGA WAKE.

Iye wakati dzivirira ne Shoko Rake. Hapana kana mumvuri wekupokana, iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari. Mwari haafi akashanduri pfungwa yake pamusoro pe Shoko rake. Wakasarudza Mutumwa wake we Chinomwe kudana Mwenga wake, uye kuuchengeta mugwara re Shoko Rake.

Hapana chimwe muhupenyu huno kunze kwake Iye ne Shoko Rake. Rinototi itira shoma. Zvino pfuurira hupenyu kwatiri. Ivangeri uye neSimba ra Mwari wemaSimba ose zvapararira pasi rose zvisati zvakamboitika kare. Shoko zvino rave mumawoko ne munzeve dzeMwenga. Nguva yekupatsaniswa yave kuitika iye zvino, apo Mwari ave kudana Mwenga, satani achidana kereke.

Tinokudai Imi uye ne Shoko renyu Ishe. Rino tiitira shoma. Tigere muhupo hwe Shoko Renyu zuva nezuva, tichiibva, nekugadzirira kuuya kwenyu uko kwave pedyo.

Baba, kunofanira kunge kwatove pedyo pedyo. Tave kutozvinzwa, Ishe. Takamirira ne taririsiro hombe. Baba, ngatipererei zvakavedzerwa uye tivandudze mhiko dzedu zvakare.Tinoziva Kutenda kwedu Mu Shoko Renyu kuri kubvira mumoyo yedu. Makabvisa kupokana kwose. Hapasina chimwe ipapo kunze kwe Shoko Renyu. Tine chokwadi, uye hatinyari kuudza pasi rose, tiri Mwenga Wenyu we ma Tepi. Ndinoda kukoka pasi rose  kuuya kuzo teerera nesu musi uno we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa Mharidzo Kunyara 65-0711

Hama Joseph Branham