24-0609 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

Mharidzo: 65-0219 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Mbeu Mwenga ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo
 
Hapachina zveku mirira, hapachina zveku shamisika, TASVIKA! Tisu Mbeu Mwenga ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo. Mbeu ye Mweya ku Mwanakomana we Humamboakavimbiswa. Kwete rimwe boka pamberi apo; kwete chimwechizvarwa chichauya; tiri kurarama muzuva rekuguma, tisuchizvarwa chichaona Jesu Kristo achidzoka panyika.

Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Vangeri rimwe chete, Simba rimwe chete, MwanakomanaMUMWE CHETE akange ariko zuro, ariko nhasi, achange arikonekusingaperi.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Vadiwa shamwari ku Arizona, California, Texas, kwese kunyikaye United States uye PASI ROSE  vari kuteerera ku tepi iyi pa runhare; M-W-A-N-A-K-O-M-A-N-A waMwari mumwe cheteakauya kumabvazuva akazviratidza sa Mwari achiratidzwamunyama, ndiye mumwe chete  M-W-A-N-A-K-O-M-A-N-A wa Mwari kuchidimbu chenyika kuno kumadokero, arikuzviratidza pakati pekereke manheru ano, mumwe chetezuro, nhasi nekusingaperi. Chiedza chemanheru cheMwanakomana chauya.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Inzwi ra Mesiya, rakange rakamira richitaura pa platform mu zuva Rake, Achizvibatanidza ne Shoko re vimbiso re chizvarwaichocho, ndiro Inzwi rimwe chete ra Mesiya, riri kutaura kuMwenga Wake nhasi pasi rose pama tepi, richitiudza: Ndinimumwe chete zuro, nhasi nekusingaperi. NDINI Inzwi ra Mwarikwa Muri. Ndimi Mbeu Mwenga ye Mweya ye Humamboyangu yagara ne Shoko Rangu.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!

 
Pane kutenderera misoro pakati pevanhu nhasi zvekutivanotadza kuona Zvokwadi ya Mwari. Chikonzero ndechekutipane dudziro dzakawanda dzevanhu pamsoro pe Shoko raMwari. Mwari haadi munhu kududzira Shoko Rake. Iye ndiyeMuduzdiri. Wakatumira Mwenga wake Zvakazarurwa 10.7 wake mazuva Enzwi ngirosi muporofita kududzira Shoko Rake. I ZVANZI NA JEHOVAH.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Iwe unoti, “Deno ndakange ndiripo apo Jesu akange ari panyika, dingadai ndakaita ichi-ne-chocho” Ndizvozvoka, rakange risirizera rako. Asi, rino ndiro zera rako, ino ndiyo nguva yako.Nderipi Izwi raurikuti ndiro Inzwi ra Mwari? Nderipi Inzwirinokosheshesa kwauri?
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Diabhorosi ariku fambafamba achirwisa Mwenga zvaasinakumboita kare. Anogona kuti ufunge kuti une chirwere kana imwe mhando ye urwere kana kurwisa mhuri yako. Dzimwenguva Mwari anotendera kuti zvinhu zviipisise kusvikirausisaone kumusoro, kana pakaku poteredza, kana kumwe kwese. Ipapo ndipo paanouya kuzokugadzirira nzira yekupfuura nayo, kuti iwe ugone kuzoti, “Handizi mbeu ya Hagari, Handizi mbeuya Sara, Handizi kana mbeu ya Maria, Ndiri Mbeu yaMwari ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo ya Abrahama. NdinotoraShoko raMwari randaka vimbiswa, kuti I Zvanzi na Jehovah. Handizungunuzwe. Zvisinei maratidzikire azvo, zvinotaurwa nadiabhorosi. Pane zvose zvandinoda, ndichatora Mwari pa Shoko Rake
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Inzwi ra Mwari rataura. Ndakaisa mudura Chifafu Chomweyachose chaunoda. Taura CHETE izvo zviri pama tepi. NdiniInzwi ra Mwari kwauri. Shoko rangu haridi dudziro. Musanetsane kana kurwa, dananai, ASI garai ne NE SHOKO RANGU.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Musa derera. Musa wodzwa moyo. Musa tendera satan kutiakubirei mufaro wenyu. Rangarirai kuti muri vana ANI, kwamuri kuenda, uye zvazvichange zviri pa Mabiko makuru e Muchato. Uchigara mu Guta rakaisvo naka raakavakira iwechete. Uko kwauchange uri zienda nakuenda na Iye na avo vosevakaenda mberi kwedu.
 
Hakusisina urwere. Hakusisina kusuwa. Hakusisina rufu. Hakusisina hondo. Asi hupenyu Husingaperi Naye. Ipapotichati:
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Ngatirege kukwindimara tichiti, ‘Ndaneta nepano, ndave kudakubva. Ngatitaure tichiti: Anogona kusvika nguva ipi zvayozvino, ACHIVINGA INI……KUBWINYA! Handichatogonikumirira. Ndiri kuenda kundoona vadikanwa vangu vese. Ndichavaona vamire pamberi pangu, ipapo ndichaziva, ZVAPAERA, TASVIKA.
 
Ipapo, ziso risati rapedza kubwaira, tinonga tatove pamwe chetekune rimwe divi.

Ngatifarei tifarisise, nokuti Muchato we Gwaiyana wasvika, uyeMwenga wake….Mwenga wake wazvigadzirira.

Kana uchida kufara, nekunge uri pamuchato we Gwaiyana nesu, uya ugadzirire iwo musi we Shondo uno na 12:00 Masikai, nguva ye Jeffersonville, patinenge tichinzwa:
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!  65-0219
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga:
Johane Chitsauko 16
Isaya 61: 1 – 2
Ruka 4:16