24-0512 Mibvunzo neMhinduro #3

BranhamTabernacle.org

MhandaraYakachena,

Madiro andinoita kukukurudzirai svondo rega rega kuBaya neRidza uye kunzwa Inzwi raMwari rezuva redu. Nokuti ndinoziva ndicho Chirongwa chaMwari chakakwana chezuva redu.

Hazvisi izvo Joseph Branham anotaura kana kutenda. Ndeizvo zvatakaudzwa neInzwi raMwari rakasimbiswa:

Ndiri Inzwi raMwari kwauri.

Kana uine chizaruro cheMharidzo iyi zvachose,chitaurwa chimwechete chidiki ichocho chinofanira kunge chakakwana kuti uudze munhu wese waunosangana naye; mutendi wose, udzai machechi enyu, Izwi iroro ndiro Izwi rinokosheshesa raMUNOFANIRA KUNZWA.

Kufunga kuti, Iro Izwi chairo ratinonzwa patinobaya nekuRidza Izwi raMwari rinotaura zvakananga kwatiri. Baba vakaita kuti rirekodhwe ndokuchengetwa kuti tigogona Kubaya nekuRidza sekondi imwe neimwe yezuva rimwe nerimwe ; kuti tigomunzwa achitikurudzira, achitiropafadza, achitizodza, uye nekudzingira kutya kwedu kwese nekupokana kure, zvese nekungobaya nekuRidza.

Chero chatinoda ipapo ipapo, Baya Ridza, uye hezvo zviripo . Aripo kutirangaridza TIRI SHOKO. Anesu, akatitenderedza, MATIRI. Satani ibenzi. Akakundwa. Hapana chinogona kubvisa Shoko iri kubva kwatiri. Mwari akaripa kwatiri nokufanoziva kwaKe, achiziva kuti tiri Mwenga waKe. Taiva naye kubva pakutanga.

Nderipi Izwi rataigona kunzwa rinopfuura Izwi rimwe chete rakasimbiswa neShongwe yeMoto kuva Izwi raMwari?

Hakuna rimwe Izwi.

Izwi irori rakatiudzei svondo rapfuura?

Ndinogara ndichikutorai, uye sehama nehanzvadzi dzangu.Imi muri vana vangu; Ndi—ndini baba venyu muEvhangeri, kwete baba sezvazvingava muprisita, ndi—ndini baba venyu muEvhangeri sezvakataurwa naPauro apo. Ndakakuberekerai kuna Kristu, uye zvino, ndi—ndinokuwanisai kuna Kristu; ndiko kukubatanidzai na Kristu semhandara yakachena. Musandirasise! Musandirasise! Garai muri mhandara yakachena.

Tinofanira kugara tiri mhandara yakachena kuShoko, Izwi iroro. Kwatiri, pane NZIRA IMWE chete yekuve nechokwadi chekuti tiri kuita izvozvo: BAYA RIDZA.

“Kana uchinditenda kuti ndiri izvo zvaunotaura, muranda waMwari, muporofita, teerera kune zvandiri kukuudzai. Maona? Munogona kutadza kuzvinzwisisa, uye kana musingakwanise,zvino ingoitai zvandinokuudzai kuti muite.

Hongu, kune vamwe vanhu vakazodzwa veMweya Mutsvene, uye nenyasha netsitsi dzaMwari, ndinonamata ndiri mumwe wevanhu ivavo. Ndinotenda kuti ndakadanwa naYe kuti ndichengete Shoko raKe pamberi penyu nekukunongedzerai kuMharidzo iyi, Shoko raMwari, Izwi iroro.

Sezvakataurwa naPetro, handingaregi kukuyeuchidzai nguva dzose kuti kune Izwi RIMWE CHETE rakadanwa naMwari kuti rizivise Shoko rake. Izwi rimwe chete rakasimbiswa naMwari. Izwi rimwe chete iro Mwari akati, “Munzwei Iye.” Izwi rimwe rakanzi naMwari,Ndiri Izwi raMwari kwamuri.”

Rangarira izvi nemoyo wako wese: Gara neShoko iroro! Usasiye Shoko iroro! Chinhu chipi nechipi chinopesana naRo, chisiye choga, zvisinei kuti chii. Ipapo unoziva kuti Zvakanaka.

Ndinonzwisisa zvamazvirokwazvo chikonzero sei ndisinganzwisiswi kudaro uye kuti vamwe vanofunga kuti ndinopesana nevashumiri vose; kuti ndinotenda kuti hakuna munhu anofanira kuparidza. “Kana ukateerera kune mumwe mushumiri asiri Hama Branham, hausi Mwenga.” Sezvandakataura kakawanda, handina kumbozvitaura kana kuzvitenda.

Muporofita akazvitsanangura zvakakwana svondo rakapera chaizvo manzwiro andinoita uye zvandinotenda.

Paive nemamwe makereke matatu eMeseji munzvimbo yeJeffersonville panguva iyo hama Branham vaive pano. Mushumiro yeSvondo yapfuura, akataura kuti vafundisi vomunzvimbo iyoyo vakanga vasina kuuya kumunamato wamanheru. Vaiva nemasevhisi avo emanheru. Saka, havana kunzwa kuuya kuzonzwa Hama Branham pashumiro yemanheru, asi kuzova neshumiro mumakereke avo. Ndiyo yaive sarudzo yavo uye zvavakanzwa vachitungamirwa kuita, uye Hama Branham vakabvuma.

Nhasi kuchine makereke akati wandei munzvimbo yeJeffersonville. Naivowo vanofanira kuita zvavanonzwa vachitungamirirwa naShe kuti vaite.

Kana vasinganzwe kuridza matepi, Ishe ngaVarumbidzwe, vari kuita zvavanonzwa vachitungamirirwa kuita, uye ndizvo zvavanofanira kuita. Vachiri hama nehanzvadzi dzedu uye vanoda Meseji iyi. Asi isu tinofanira kuita zvatinonzwa tichitungamirwa kuita: Kubaya neKuridza. Tinoda kunzwa muprofita.

Sezvakaitwa neHama Branham musi waAugust 30, 1964, Ndinokukokai kuti muzobatana nesu na 12:00 masikati., nguva yekuJeffersonville, apo tinonzwa zvekare muporofita achitiunzira mharidzo: 64-0830M Mibvunzo neMhinduro #3.

Hama. Joseph Branham