Isita ya2026 – Chirairo Chakatsaurwa  neShumiro yeKugezena Tsoka

Vadiwa Vagari vemu Humambo,

Isita iyi inoratidza kuti ichave Isita huru iyo Mwenga akambova nayo. Tange takagara muHupo hweMwanakomana, tichiibva, tichicherechedza kuti tiri vanaani. Huzaro hwaJesu Kristu huri kuratidzwa mune mumwe nemumwe wedu apo Shoko Rake, Inzwi Rake, riri kudanidzira, Chapungu kune chapungu, richitidana kuChirairo chedu cheMuchato.

Gore rega rega panguva ino Mwenga anopinda pasi pekutarisira kukuru kwevhiki yeIsita iri kuuya. Nguva yaachatibatanidza kubva pasi rose kwemazuva mana akateedzana, tichimunamata, tichimutenda, tichimurumbidza; nokuti akamuka uye anogara mune mumwe nomumwe wedu. Chikomba neMwenga vavekuve MUMWE.

Ari kutipa nguva yakakosha iyi yekuvharira kunze zvinhu zvese zvepanyika zvakatipoteredza kuti tive nenguva Naye. Ngatibvise zvinotsausa zvenyika ino, patinenge tichisika nyika yedu Naye. Tovhara mikova yedu, todzima tunhu twedu twose twemagetsi twatinoshandisa uye chero chinhu chinotibvisa kubva kwaAri.

Chishuvo chikuru chemumwe nemumwe wedu ndechekuva pedyo naye. Tinoda kurarama hupenyu hwakatsaurwa zvakanyanya kwaAri; kugara tiri mukuda kwake Kwakakwana nguva dzose. Kugadzirira Kuuya Kwake. Hapana chinhu munyika ino, kana muhupenyu hwedu, chakakosha kupfuura ichi.

Akatipa mukana uyu wakatsaurwa kuti tive nenguva Naye. kutaura nekufunga neZvake. Kupinda muhuvepo hwake nekuzarura mwoyo yedu kwaari. CHINHU CHINOSHANDURA HUPENYU KUMWENGA WAKE!

Anoziva kuti zvinogona kuomera vamwe venyu vane vana, mhuri, uye nezvimwe zvekuita zvatinazvo, asi kana tikashandisa kanguva kega kega katinako kutaura kwaAri, kuswedera pedyo kwaAri, kuzarura mwoyo yedu kwaAri, pachava neshanduko chaiyo mukufamba kwedu Naye, zvekuti hatizovi vamwe chete zvakare.

Sezvo Akaita muzuva raMosesi paakaunza vana Vake mudzimba dzavo, ropa rakange raiswa uye vakange vagadzirira Kubuda kwavo; ndizvo zvichaitawo vhiki ino yeIsita yakakosha yaAkatigadzirira kune mumwe nemumwe wedu.

CHINA

Waive musi weChina manheru apo Ishe Jesu vakaita chirairo chekupedzisira nevadzidzi vake, mukurangarira Pasika vana vaIsraeri vasati vabuda. Mukana wakadini watinawo wekutaura naIshe mudzimba dzedu, kutangira wikendi yedu iyi inoyera, uye nokuvakumbira kuti vatiregerere zvitadzo zvedu, uye kuti vatipe zvose zvatinoda murwendo rwedu.

Baba voKudenga, tinotenda nokuda kweiyi, imwe nguva kuungana pamwe chete, kudivi rino reZienda naKuenda. Uye nekutarisira mangwanani ano kuvandudzwa kwesimba kubva kwaMuri, kuti mutipe kushinga parwendo rwuri mberi. Taungana sezvaiitwa nevana vechiHebheru mangwanani-ngwanani, kuti titore mana yavakanga vapiwa usiku hwose, kuti vararame muzuva raitevera. Tinoungana nokuda kweManna yemweya, mangwanani ano, kuti itipe simba rerwendo.

Ngatitangei tose na6:00 manheru nguva yekwamuri ikoko kuti tinzwe Mharidzo Chirairo 62-0204, uye ipapo muporofita achatipinza muSevhisi yedu inokosha yeChirairo neKushambidzana Tsoka panopera tepi, iyo inenge ichiridzwa paLifeline app (muChirungu), kana kuti unogona ku downloader sevhisi yacho muChirungu kana mimwe mitauro nekudzvanya pa link iri pazasi.

CHISHANU

Ngatiende kumunamato nemhuri dzedu na9:00mangwanani, uye zvakare na12:00 masikati, tichikoka Ishe kuti vave nesu uye vazadze dzimba dzedu noMweya Mutsvene patinozvikukumidza kwaAri.

Pfungwa dzedu ngadzidzokere kuzuva riya paCalvari, makore angangoita 2000 apfuura, uye tione Muponesi wedu akarembera pamuchinjikwa. Ngatirangarirei mutengo mukuru waAkatibhadharira. Akange ari mwanakomana waMwari akange asina chivi, asiakatambura sezvisina kumboitika kune mumwe, nokuda kwekuti zvitadzo zvedu zvakaiswa paari.

Akamuendesa kugehena akatongerwa rufu, (Maona?), nokuti Akatora zvivi zvedu. Uye Kristu akafa, kwete arimutsvene; Kristu akafa ari mutadzi. Maona? Kristu haana kumbotadza pachake, asi akatora zvivi zvedu paari.

Zvino na12:30 masikati, ngatibatanei pamwechete mudzimba dzedu kuti tinzwe: 57-0419 Kukwaniswa.

Zvino ngatibatanei pamwe chete muminamato mushure meshumiro, mukurangarira kurovererwa kwaIshe wedu.

MUGOVERA

Ngatibatanei tose zvakare mumunamato na9:00mangwanani, uye na12:00 masikati, uye togadziriramwoyo yedu nokuda kwezvinhu zvikuru zvaAchatiitira pakati pedu.

Ndinomunzwa achiti, “Satani, huya pano!” Ndiye Mukuru zvino. Anosvika, otora kiyi yerufu negehena kubva parutivi rwake, oiturika parutivi rwake Iye. “Ndinoda kukupa notisi. Wanga uri munyengeri nguva ndefu, zvakwana. Ndiri Mwanakomana akaberekwa nemhandara waMwari mupenyu. Ropa Rangu richakanyorova pamuchinjikwa, uye chikwereti chakazara chabhadharwa! Hauchina kodzero zvachose. Wakururwa. Ndipe makiyi iwayo!”

Zvino nenguva dza12:30 masikati, tose tinoungana kuti tinzwe SHOKO: 57-0420 Kuvigwa kwaKristu.

Richava ZUVA REMURANGARIRO MUKURU rakadini kuMwenga wake pasi rose.

Zvino ngatibatanei pamwe chete zvakare mumunamato mushure meShumiro.

SVONDO

Ngatitangei nekumuka mangwanani-ngwanani sezvakaita Hama Branham mangwanani apo shamwari yavo duku, kadhimba, kakavamutsa na5:00 mangwanani. Ngatingotendai Ishe nekumutsa Jesu kubva kuvakafa:

Nenguva dza 5:00 mangwanani ano, kashamwari kangu kaduku kane chipfuva chitsvuku kabhururuka pafafitera ndokundimutsa. Zvaiita sokunge kamoyo kakokachaputika, kachiti, “Amuka.”

Na9:00 mangwanani. ngatibatane zvakare mungetani yedu yemunamato, tichinamatirana uye tichizvigadzirira kuti tinzwe Inzwi raMwari.

Na9:30 mangwanani, tichaungana kuti tinzwe Mharidzo yedu yeIsita: 65-0418M Uku Ndiko Kubuda Kwezuva.

Na12:00 masikati tichasimudza mazwi edu kwaAri tichimutenda nokuda kweSimba rekuVandudzwa.

Na 3:00 masikati, ngatibatanei zvakare mumunamato, tichimutenda neVhiki RAKANAKISISA RAATIPA NAYE UYE NEMWENGA WAKE POSE PASI.

Kuhama nehanzvadzi dzangu dziri mhiri kwemakungwa, segore rapfuura, ndinoda kukukokai kuti mubatane nesu nenguva yeJeffersonville, kuitira nguva dzose dzeminamato pachirongwa chino. Ndinoziva, zvisinei, kuti kuridza Matepi musi weChina, Chishanu, neMugovera masikati nenguva yeJeffersonville zvingakuomerai vazhinji venyu, saka ndapota sunungukai kuridza Mharidzo idzodzo panguva yakakunakirai. Ndinoda, zvisinei, kuti tose tibatane pamwe chete neSvondo na9:30 mangwanani, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Mharidzo yedu yeSvondo pamwe chete.

Ndinodawo zvakare kukukokai imi nevana venyu kuti muve chikamu chezvirongwa zveCreations, kunyora zvinyorwa, uye mabikirwo, ayo mhuri yenyu yese inogona kufarira pamwe chete. Tinofunga kuti muchazvida sezvo zvose zvichienderana neSHOKO ratichanzwa kupera kwesvondo rino.

Maringe nehurongwa hwewikendi, ruzivo rwekugadzirira sevhisi yeChirairo, zvinhu zvichadikanwa pamapurojekiti eCreations, uye rumwe ruzivo, onai malink ari pazasi.

Ngativharei mafoni edu pawikendi ino yeIsita kunze kwekutora mafoto, kunzwa Chitaurwa cheZuva, uye kuridza matepi kubva paTable app, Lifeline app, kana pa link ye kudownloader.

Rukudzo rukuru kwandiri kukukokai imi nemhuri dzenyukuti muuye pamwe chete neMwenga pasi rose pawikendi izere neKUSHUMIRA, KURUMBIDZA NEKUPORESWA. Ndinotenda kuti zvechokwadi iwikendi ichashandura hupenyu hwako nekusingaperi.

Hama Joseph Branhamh