25-0928 Nguva Yekubatana NeChiratidzo

Mharidzo: 63-0818 Nguva Yekubatana NeChiratidzo

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Wakabatana,
 
 Ndinofara zvikuru, uye ndichitarisira zvikuru, kuva chikamu chezvose zviri kuitwa naMwari muzuva redu. Pfungwa dzaMwari kubva pakutanga zvino dzave kuzadzikiswa pamberi pemeso edu, uye isu tiri chikamu chadzo.
 
MuBhaibheri rose, vaprofita vakaporofita uye vakataura zvaizoitika. Dzimwe nguva zviporofita izvozvo hazvina kuitika kwemazana emakore, asi kuzara kwenguva pakwakasvika, zvakaitika; nokuti pfungwa yaMwari yakataurwa kubudikidza nomuprofita wake INOFANIRA kuitika.
 
Muprofita Isaya akati, “mhandara ichabata mimba”. Mhuri imwe neimwe yevaHebheruyakagadzirira mwanasikana wayo muduku kuti ave nomwana uyu. Vaivatengera zvibutsu, nemicheka yakaisvonaka, vachigadzirira kuuya kwemwana. Zvizvarwa zvakapfuura, asi pakupedzisira Shoko raMwari rakazoitika.
 
Semukomana mudiki ndichikura ndaigara ndichifunga kuti, Ishe, ndinoona mushoko renyu kuti makagara muchibatanidza vanhu venyu pamwechete kuti muzadzikise Shoko Renyu. Makabatanidza vana Venyu vechiHebheru nemurume mumwe chete, Mosesi, uyoakavatungamirira neShongwe yeGore reMoto kuenda kuNyika yeChipikirwa.
 
Pamakava nyama mukagara pano panyika, Makabatanidza vadzidzi venyu. Makavaparadzanisa kubva kune zvese uye nemunhu wese kuti muzarure Shoko renyu kwavari. PaZuva rePentekosti, Makaunganidza zvakare Chechi yenyu panzvimbo imwe, mupfungwa imwe uye muhumwe musati mauya kuzovapa Mweya wenyu Mutsvene.
 
Ndakafunga kuti, zvingagoneka sei nhasi Ishe? Mwenga wenyu wakapararira pasi rose. Mwenga wese ungauya kuJeffersonville here? Handioni zvichiitika izvozvo Ishe. Asi Ishe, hamushandure hurongwa hweNyu. Mutemo Wenyu, hapana nzira yekuumisa. Muchazviita sei?
 
KUBWINYA…NHASI, tinogona kuona nemesoedu, uye zvakanyanya kukosha, IVA CHIKAMU CHAZVO: Shoko raMwari Risingagumi richizadzikiswa. Hatisi panzvimbo imwe chetePANYAMA, takapararira pasi rose, asi Mweya Mutsvene ZVINO WABATANIDZA MWENGA WAKE NE’NZWI RAMWARI, SHOKO RAKE RAKATAURWA NEKUREKODWA PAMATEPI, Mhedziso yaMwari yanhasi, iri kuunganidza NEKUBATANIDZA MWENGA WAKE…UYEHAPANA CHINGAZVIMISA.

Mwari ari kubatanidza Mwenga wake. Ari kuuya pamwe chete, kubva kuMabvazuva nekuMadokero, nekuMaodzanyemba nekuChamhembe. Iripo nguva yekubatana, uye iripo izvezvi. Ari kubatana nokuda kweyi? Kubvutwa. Ameni!

Nguva yekubatana iri kuitika IKOZVINO!!!  Chii chiri kutibatanidza? Mweya Mutsvene neShoko Rake, Inzwi Rake. Tiri kubatana nokuda kwei? KUBVUTWA!!! Uye tese tiri kuenda uye hatinaMUMWE watichasiya kumashure.

Mwari vari kumugadzirira. Hongu changamire, kubatana! Ari kubatana nei? NeShoko!

Shoko rezuva redu chii? SHOKO iri, IZWI RAKE, Inzwi raMwari kuMwenga Wake. Kwete munhu. Kwete vanhu.  Kwete boka. Rakasimbiswa, neShongwe yeGore reMoto, IZWI raMwari pamatepi.

Nokuti denga rose nenyika zvichapfuura, asi Shoko Rangu haringapfuuri.” Ari kuzvibatanidza neZVANZI NAJEHOVHA zvisinei nezvinotaurwa nesangano kana chero nani zvake.

Hazvinei kuti  ANI zvake anoti kudii, tiri kubatana ne’Nzwi reZvanzi naJehova rezuva redu rakaidzwa nekusimbiswa. Kwete dudziro yemumwe munhu; ko tingaitirei izvozvo? Izvozvo zvinoshanduka maringe nokuti munhu wacho ndiani, asi Inzwi raMwari pamatepi HARISHANDUKI uye Rakaziviswa neShongwe yeGore reMoto pachayo kuti iShoko raMwari uye Inzwi raMwari.

Dambudziko nderekuti, munhu, haazive mutungamiri wake. Hongu, changamire. Vanounganira sangano, vanounganira mubhishopi kana munhu, asi havaunganiriMutungamiriri, Mweya Mutsvene uri muShoko. Maona? Vanoti, “Ehee, ndinotya kuti ndingangopengereka zvishoma; ndinotya kuti ndingangorasika.” Ohhhh, hezvo!

Apa ndipo panonongedzera vatsoropodzi kuungano dzavo vachiti, “Munoona, vari kusimudzira munhu, Hama Branham. Vatendi vedzidziso inonzi “Deity” uye vari kumuunganira, munhu, kwete Mweya Mutsvene.”

Munopenga, tiri KUBATANA PAIZWI RAKASIMBISISWA RAMWARI RAKATAURWA NEMURUME IYEYE. Rangarirai, ndiye murume uyo Mwari akasarudza kuti ave Inzwi Rake kuti adaidze uye atungamirire Mwenga waKe muzuva rino. Ndiro Inzwi CHETE rakasimbiswa naMwari Amene.

Asi kune rimwe divi, IVO VARI kubatanavakavungana pa VANHU. Havasi kuzoridza Inzwi raMwari pamatepi mumakereke avo.  Zvifungei izvozvo??? Mushumiri anozviti anotenda Shoko iri kuti ndiro Shoko renguva ino, ZvanzinaJehovah, asi votsvaga chikonzerochekusaridza Inzwi iroro mumakereke avo, asi voshumira kuvanhu vavo kuti VANOFANIRA kuvateerera uye nekuteerera vamwe vashumiri vanoparidza Shoko… vobva vati isu tiri kutevera munhu!!!
 
Takanzwa musi weShondo wapfuura Mwari zvaakaita kuvarume ivavo!!
 
Tiri kugadzirira Muchato. Tiri kuva Mumwe Naye. Shoko rinova iwe, iwe wova Shoko. Jesu akati, “Nezuva iro muchazviziva. Zvose zviri Baba, Ndiri; uye zvose zvaNdiri, ndozvamuri; uye zvose zvamuri, Ndozvandiri. Nezuva iro muchaziva kuti Ndiri muna Baba, Baba vari maNdiri, Ini mamuri, nemi maNdiri.”
 
Tinokutendai Ishe neChizaruro Chenyu Imi, nechedu isu, muzuva redu. Mwenga wenyuurikuzvigadzirira neShoko Renyu raKataurwa. Tinoziva kuti tiri muKuda Kwenyu kwakakwana nekugara neShoko renyu rakaiswa pamatepi.
 
Ndinokoka nyika kuti iteerere kuInzwi raMwari roga rakasimbiswa rezuva redu musi uno weSvondo. Unogamuchirwa kuti ubatane nesu musi weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 63-0818, Nguva Yekubatana Uye Chiratidzo. Kana usingakwanise kubatana uye kuteerera nesu, sarudza tepi, CHERO TEPI;  dzose iZvanzi naJehovah, uye woteerera Shoko raMwari richikukwanisa nekukugadzirira kuuya kwakekurikukurumidza.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro:
 
MaPisarema 86:1-11
Mateo16:1-3

Ari kuzvibatanidza. Ari kugadzirira. Sei? Ndiye Mwenga.  Ndizvozvo. Uye Ari kuzvibatanidza neChikomba Chake, munoona, uye Chikomba iShoko. “Pakutanga Shoko rakange riripo, Shoko rakange riri kuna Mwari, uye Shoko rakange riri Mwari, uye Shoko rakazova nyama rikagara pakati pedu.”