25-0921 Kupomera Mhosva

Mharidzo: 63-0707M Kupomera Mhosva

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vasina Mhosva,

Zvino, ipapo, “ivo,” kwete mutadzi. “Ivo,” ndiko kuti, Kereke yezuva iroro, vakawanamhosva kuMurume Aiva Shoko. Ndizvo here? Vakawana mhosva kuMurumeAkange Ari Shoko. Nazvino vanowanamhoswa neShoko richishanda kubudikidzanomunhu.

Kubvira pakutanga nyika yagaraichiMuramba, ichiMuramba, yakarambakugara neShoko Rake nechikonzerochekuda kuchengeta tsika dzavo, zvitendwa zvavo, pfungwa dzavo.  Vagaravachipotsa hurongwa hwaMwari; Mwari, seMunhu, aive Shoko, asi zvino Shoko richishanda riri mumunhu.
 
Asi muzuva redu Akati, “Ndichava nebokaduku, vashoma vakasanangurwa. Vakangevari mandiri kubva pakutanga.Vachandigamuchira uye nekutenda Shoko Rangu ne munhu wandakasarudzakuzarura Shoko Rangu. Achave InzwiRangu kwavari.”
 
“Havazonyari kushambadzira Inzwi Rangu. Havazonyari kuudza pasi rose kuti Ndauyazvakare uye ndazviratidza Ini ndirimunyama yemunhu sezvandakataura kuti Ndichaita. Panguva ino havazonamatimunhu, asi vachaNdinamata Ini, Shoko, richItaura riri mumunhu. Vachandida uyevachaNdishambadzira nezvose zvirimavari.
 
“Naizvozvo ndakavapa zvose zvavanodakuti vave Mwenga Wangu. NdakavasimbisaneShoko Rangu; nokuti ivo ISHOKO RANGU rakaitwa nyama. Kana vachidakuporeswa, vanotaura Shoko Rangu. Kana vane chinhu chipi chinovadzivisa, vanotaura Shoko Rangu. Kana vainemwana akatsauka, vanotaura Shoko Rangu. Pane chipinechipi chavanoda, vanotaura Shoko Rangu, nokuti ivo iShokoRangu rakaitwa nyama mavari.”
 
“Vanoziva kuti ivo ndivanaani, nokutiNdakazvizarura kwavari. Vakarambirapachokwadi nekutendeka kuShoko Ranguuye vari kubatana pamwe chete paInzwiRangu. Nokuti vanoziva Inzwi Rangu, Shoko Rangu, Mweya Wangu Mutsvene. Vanoziva, pane Shoko ndipo panounganaZvapungu.

Apo muporofita Wake achitaura Shoko Rake uye achipamhoswa chizvarwa chino kurovererwa kwechipiri kwaJesu Kristu uyeachidanidzira kuparadzwa kwavo, Mwengauchange uchifara.  Nokuti tinoziva TIRI Mwenga wake wakabvuma nokugamuchiraShoko Rake. Tinodanidzira kubvapakadzika pemoyo yedu tichiti:

Ndiri Wenyu, Ishe. Ndinozviisa paatari iyi, nekuzvitsvenesa kwose kwandinoziva kuita.Bvisai nyika kubva mandiri, Ishe. Bvisaikwandiri zvinhu zvinoparara; Ndipei zvinhuzvisingaori, Shoko raMwari. Dai ndakwanisa kurarama Shoko iri nemazvochaizvo, kusvikira Shoko rave mandiri, uyeini ndave muShoko. Zviitei, Ishe. Dai ndarega kubva paRiri.

Kune upenyu, uye kune rufu. Kune nzirayakanaka, uye kune nzira isina kunaka. Kune chokwadi, uye kune nhema. Shoko iri,Inzwi iri, ndiyo nzira yaMwari yakakwanayakapihwa kuzuva ranhasi. Huya ubatanenechikamu cheMwenga waMwari unesimba apo tichaungana paShoko Rake rakazarurwa, tichInzwa Mharidzo inoti: Kupomera Mhosva 63-0707M.
 
Hama Joseph Branham