25-0907 Eksodho YeChitatu

Mharidzo: 63-0630M Eksodho YeChitatu

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga muKubuda kweChitatu,

Kana usina ziso remweya, hauzvibati. Asi ziso repamweya rinoona Simba raMwari richifamba nokuti zvinoenderana neShoko chairo. IShoko, uye Shoko raMwari harishanduke. ZvaAkaita pakutanga, Ari kuita zvimwe chete ikozvino uye ziso remweya rinoZviona, nokuZvitenda, uye NOKUZVINZWA.
 
Nyika inogona kupokana neni mune zvandinotenda kuti inzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi: Inzwi rinokosha zvikuru raunofanira kunzwa Inzwi raMwari pamatepi. Munofanira kuridza matepi mumakereke enyu, asi KANA uchitenda Shoko iri zvamazvirokwazvo, haugoni kupokana nezvinotaurwa nemuporofita waMwari.
 
Svondo rino tichaungana sezvakaita vana vechiHebheru kuti vawane mana yavakanga vapiwa usiku hwose, iyo yaizovachengeta muzuva raizotevera. Tichaunganira Mana yedu yepaMweya iyo ichatipa simba reKubuda kwedu kukuru kuri pedyo pedyo.
 
Hapana imwe nzira iri nani inopfuura kurega Inzwi raMwari richizvitaura paCharoneZvake, uye Mharidzo iyi yatichanzwa INEZVAKAWANDA!

Mwari akatora murume mumwe murenje, akamudzidzisa. Ndokumudzosa, ndokupamba zvose, ndokubudisa vanhu. Munoona zvandinoreva? Haagonikushandura hurongwa hwake. NdiMwari.

Saka pano Anotiudza pachena kuti haashanduri hurongwa hwake. ZvaAkaita kubva pakutanga, Achazviita zvakare pakupedzisira, Akavimbisa. Saka zvino tinofanira kuziva Hurongwa Hwake kumashure nokuti ndihwo Hurongwa  humwe chete iko zvino.

Haambofi akashanda neboka revanhu. Haana kumbodaro. Anoshanda nemunhu mumwe; uye Akazviita, uye Achazviita. Akavimbisa, kunyangwe kuna Maraki 4, Aizozviita.

Haashandi neboka revanhu. Saka, Akavimbisa muzuva redu kuti Aizotumira munhu Mumwe, Maraki 4, ne Zvanzi naJehovah.

Ndizvo chaizvo. Saka heyo vimbiso Yake, zvaAiva; vimbiso zvaAkati Achaita, hezvo tiripano. Tinofanira kunge tiri vanhu vano fara sei: achivapa chiratidzo, nechiratidzo cheShoko Rake rakavimbiswa, Shoko rakavimbiswa. Akavimbisa kuti Aizozviita.

Mwari akasarudza sei kutungamirira Mwenga wake kare ikako?

Mwari akasarudza, mumazuva ekubuda, Akadana boka revanhu. Uye kubva muboka iroro, ndinoda kuti muone chimwe chinhu, Akawana vaviri chete vakapinda munyika yechipikirwa. Akasarudza kuvabudisa nei?

Hezvinoi. Izvi zvakakosha zvikuru kuti pfungwa yemweya izvibate. Mwari akasarudza sei kutungamirira nekuendesa Mwenga kuNyika Yechipikirwa? 

Zvematongerwo enyika? Sangano? Akasarudza muporofita, akange ane chiratidzo chemweya cheShongwe yeGore reMoto, kuti vanhu vasakanganisike. Zvakataurwa nemuporofita zvaive Chokwadi. Zvino Mwari akaburuka, ari muShongwe yeGore reMoto, akaZvisimbisa, akaratidza Shoko Rake. Ndizvo here? Ndizvo zvaAkaunza, pakubuda kwaKe kwekutanga. Kubuda kwake kwechipiri… 

Saka, kuitira kuti vanhu vasakanganisike, Akavatumira muporofita nechiratidzo chemweya cheShongwe yeGore reMoto pakubuda kwavo kukuru.

Chii chaAkaita, pakubuda kwekutanga? Akatumira muprofita, akazodzwa neShongwe yeGore reMoto, uye Akadana vanhu kuti vabude. Ndiko kwaiva kubuda Kwake kwekutanga…

Kubuda kwechipiri, Akaunza Muporofita, akazodzwa, aive Mwanakomana Wake, Mwari-Muporofita. Mosesi akati Aizova Muporofita; uye aiva neShongwe yeGore reMoto, uye akaita zviratidzo nezvishamiso…

Uye pano Akavimbisa chinhu chimwe chete mukubuda mumazuva okupedzisira, uye Haakwanise kuzvishandura…

Vazhinji vanobvuma vachiti, hongu, akatuma muporofita kuzodana Mwenga, asi zvino Mweya Mutsvene uchatungamirira Mwenga kubudikidza nehushumiri; asi Haana kutaura izvozvo … ngatirambei tichiverenga.

Cherechedzai Shongwe yeMoto yakavadana kunze, ikavatungamirira kuenda kunyika yechipikirwa, pasi pechizoro chomuprofita. Shongwe yeGore reMoto yavaigona kutarisa, yakavatungamirira kuenda kunyika yechipikirwa, pasi pemuporofita akazodzwa. Uye vaigara vachimuramba. Ndizvo here? Chokwadi.

Shongwe yeGore reMoto imwe chete iyi iri kutungamirira vanhu zvakare kuNyika yechipikirwa, Mireniyamu.

Shongwe yeGore reMoto, pasi pehutungamiriri hwaMwari…Mwari ndiye aive Moto, uye Shongwe yeGore reMoto yakazodza muporofita chete. Shongwe yeGore reMoto yaifanira kumira sechapupu cheKudenga kuti Mosesi akadanwa

Zvino, rangarirai, Mosesi akanga asiri Shongwe yeGore reMoto. Akanga ari mutungamiri akazodzwa, pasi peShongwe yeGore reMoto, uye Shongwe yeGore reMoto yaisimbisa Shoko rake nezviratidzo nezvishamiso.

Hapana chakakanganisika, shamwari. Hazvizi zvandiri kutaura; Ini ndingori hama yenyu. Asi, ndeizvo Mwari varikuratidza kwamuri, zvinoita kuti chive Chokwadi. Shongwe yeGore reMoto imwe chete yaAkashandisa pakubuda kuviri, AkaIunza pakati penyu nhasi, uye akaZvisimbisa nesainzi. 

Mwari haashanduri hurongwa hwaKe. Mwari ane nzira yaakapa Mwenga wake nhasi: Shongwe yeGore reMoto, pasi pehutungamiriri hwaMwari…Mwari ndiye Moto, uye Shongwe yeGore reMoto yakazodza muporofita chete.

Pane Inzwi rimwe chete, muporofita mumwechete, ane Zvanzi naJehovah, William Marrion Branham. Haasi iye Shongwe yeGore reMoto, asi ndiye mutungamiri akazodzwa pasi peShongwe yeGore reMoto.
 
Tose tinoda kuva muKuda kwaMwari KWAKAKWANA. Shoko Rake NDIKO kuda Kwake Kwakakwana. Shoko rakasimbiswa rezuva redu ndirori Shoko reNguva. Muporofita wake akasarudzwa kuti atungamirire Mwenga wake. Kana usingatendi izvozvo, haugoni kuva Mwenga wake.
 
Huya ugadzirire Kubuda kukuru nekunzwa Shoko raMwari Rakakwana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: Kubuda Kwechitatu 63-0630M.

Hama Joseph Branham