25-0824 Chirairo

Mharidzo: 65-1212 Chirairo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Shoko Rakasimbiswa Chete,
 
Tinotenda sei kuMweya Mutsvene nokuda kweChizarurochechokwadi cheShoko Rake rakasimbiswa ranhasi. Vazhinji vanotaura kuti vanotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari anozadzisa Magwaro akavimbiswanezvavo, asi Chizaruro cheChokwadi cheShokonehurongwa hwaMwari chakavanzwa kwavari.
 
Netsamba Shoko yega yerudo iyo Mwenga anonzwa, Mwari anosimbisa kwatiri kuti tiri muKuda Kwakekwakakwana nekuteerera kuNzira Yake yaakapa kuzuvaranhasi, Inzwi raMwari paMatepi.

Uye tinofanira kuMutevera, ndiyo nzira chete yekuvaneHupenyu Husingaperi. Saka hutungamiriri hwaMwarindeuhu: tevera Shoko rakasimbiswa renguva kubudikidzaneMweya Mutsvene.

Nzira CHETE kuHupenyu Husingaperi ndeiyi: MweyaMutsvene uchikutungamirira kutevera Shoko rakasimbiswa. Ndiani ane Shoko rakasimbiswa nhasi? Ndiani wakasarudzwa naMwari kududzira Shoko rake? Ndiani uyo Mwari akati ndiro Inzwi Rake ranhasi? Ndianiuyo Mwari pachake akati ndiye mutungamiri akasimbiswakuti atungamire Mwenga wake nhasi? Hushumiri here?

Sezvandakataura, kachapungu pakakanzwa InzwireChikomba, kakaenda kwaRiri, Shoko raMwarirakazodzwa, rakasimbiswa rezuva rekupedzisira.
Nowa akange ari Shoko rakasimbiswa rezuva rake.
Mosesi akange ari Shoko rakasimbiswa rezuva rake.
Johane aive Shoko rakasimbiswa

Vanogona kumonyorodza kana kuisa chero dudzirokwaRiri yavanoda, asi:

WILLIAM MARRION BRANHAM ISHOKO RAMWARI RAKASIMBISWA RANHASI!!

Saka hutungamiriri hwaMwari ndeuhu: tevera Shoko rakasimbiswa renguva kubudikidza neMweya Mutsvene.

Saka ungati kuridza Inzwi raMwari rakasimbiswamuchechi yako hachisi chinhu chakakoshesesachingaitwa neMwenga? Ungati chinokoshesesa kunzwarimwe inzwi rakasiyana?
 
Toti here iboka revanhu nehushumiri hwavozvichabatanidza nekutungamira Mwenga? Mwengaachabatanidzwa nezvinotaurwa nehushumiri here?  Vosevanotaura zvakasiyana, saka ndiani watinofanirakutevera?
 
Ko dudziro yavo ye Shoko reNguva  ndozvatichatongwa nazvo here? Vane Shongwe yeGore reMoto here inosimbisa shumiro yavo? Dudziro yavo yeShoko ndiyoMhedziso yako here?
 
Muporofita akati Mwenga uchabatanidzwa.  Zvibvunzekuti, chii chichaita kuti chiporofita ichi chiitike kuti Ishevauye kuzobvuta Mwenga wavo?

Zvino, kana vanhu vaMwari pavachatanga kudzokapakuungana zvakare, pachave nekubatana, pachavenesimba. Maona? Uye kana vanhu vaMwari vaunganapamwe chete zvakakwana, ndinotenda kuti kumutswakwevakafa kuchaitika ipapo. Pachave nenguvayekubvutwa apo Mweya Mutsvene uchatangakuunganidza. Va—vachange vari vashoma, ehee, asipachave nokuungana kukuru.

Pachave nekuungana kukuru kwakapoteredza shumiroyemumwe munhu here, kunze kwemuporofita waMwariakasimbiswa?  Richave BOKA revashumiri here nekutivamwe vashumiri ve “fivefold” vanoti HAUFANIRI kuridzaInzwi raMwari mukereke menyu, zvakaipa. Ndivo here vachatungamirira Mwenga?
 
NDIBATSIREWO! NDEUPI Mushumiri WANDINOFANIRA KUTEVERA, SEZVANDINODA KUBATANIDZWA MUKUUNGANA KUKURU IKOKO.
 
Vamwe vanoti shumiro ye “fivefold” yeMitinhiro Minomwendiyo ichakwanisa Mwenga. Vamwe vashumiri ve”fivefold”vanoti mazuva ehushumiri hweMunhu Mumwe akapera. Vamwe vashumiri ve “Fivefold” vanoti tinofanira kudzokerakuPentekosti. Vamwe vanoti Mharidzo HAISI Mhedziso. Vamwe vanoti kana uchiridza matepi uri mutendi we dzidziso inonzi “Deity”. Vese vanotaura zvakasiyana, uyeVOSE vane dudziro dzakasiyana, pfungwa dzakasiyana, asi vose vanoti VANO tungamirirwa neMweya Mutsvene.
 
NDEUPI Mushumiri we “Fivefold” WANDINOFANIRA KUTEVERA? Chero bedzi ndichitevera mufundisi“WANGU” we “Fivefold”, ndichava Mwenga here? Kune”Mapoka” akawanda akasiyana e “Fivefold”. Vashumiri ava 20 vanoungana pamwe chete voita misangano yavo, asivasingabvumirani zvachose nevamwe vashumiri 20 varikuita misangano yakasiyana… ndeipi misanganoyandinofanira kuenda kuti ndikwaniswe nokubatanidzwa…vamwe vavo…kana kuti vose?
 
Uye vanhu votenda kuti NYONGANYONGA IYI ICHABATANIDZA NOKUKWANISA MWENGA? Vosevanoti ndivo vashumiri ve“Fivefold” veCHOKWADIVAKADANWA NAMWARI.

Asi havasi kukutungamiriraikuHUTUNGAMIRI HWECHOKWADI HWEMWEYA MUTSVENE, VARI KUKUTUNGAMIRIRAI KWAVARI IVO NEKUSHUMIRO DZAWO.
 
Kwandiri, hautombodi chizaruro kuti uzive kuti izvozvohazvifizvaka BATANIDZA kana KUTUNGAMIRIRA Mwenga wese. SHOKO CHETE ndiro richabatanidzaMwenga, ne’ZWI RAMWARI PACHAKE PAMATEPI.
 
Hama nehanzvadzi, zviri nani kuti ubengenuke kana urikutevera mufundisi ari kungoparidza nekutaura zvitaurwazveShoko, izvo zvakanakisisa uye NDIZVO CHAIZVO zvaanofanira kunge achiita, asi asiri kukutaurira, uyechinokoshesesa, KUITA, nokuridza IZWI RAMWARI PAMATAPI MUKEREKE YAKO.
 
Hama Branham vakatiudza kuti:

Zvino, tasarirwa nezvirango zvitatu chete Zvemweyazvatinofanira kuita panyama: chimwe chacho chi—chirairo, kushambidzana tsoka, kubhabhatidzwa nemvura. Ndizvo zvinhu zvitatu chete. Ndiko kukwaniswa, kwezvitatu, waona.

Ndinoda kuti tive neSevhisi yeChirairo neKugezana TsokaSvondo rino, kana Ishe vatendera. Sezvatakaita munguvayakapfuura, ndinokukurudzira kuti mutange na5:00 dzemanheru munguva yekwamuri ikoko. KunyangweHama Branham vakati vaapostora vaidya Chirairo pesepavaiungana, asi vakasarudza kuti zviitwe panguvayemanheru, vachizviti Chirairo cha’She.
 
Mharidzo neSevhisi yeChirairo zvichange zviri paVoiceRadio, uye pachange pane link yeku downloader faira, kune avo vasingakwanise kuwana Voice Radio Svondomanheru.
 
Hama Joseph Branham