Mharidzo: 60-0522M Kugadzwa #3
Mudiwa Mhandara Yakachena
Patinodzvanya Nokuridza, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ihoko kumunhu wedu wemukati, itariro nehugaro hwedu, iDombo raRakare, izvose zvakanaka, iNzira yakapihwa naMwari kuzuva rino.
Nokuti tino Dzvanya Nokuridza, Inzwi raMwari ratidananisa: rativimbisa kuna Kristu; seMhandara Yakachena kuShoko Rake. Tine Mudzidzisi Mumwe chete, Inzwi Rimwe, muporofita Mumwe, ari kutitungamirira noMweya Mutsvene.
Asi iyi ndiyo kereke, ndiri kukudzidzisai. Izvi zvinoenda pamatepi. Ndinoda kuti vanhu vanoteerera matepi varangarire kuti izvi ndezve kuchechi yangu.
Kusimbiswa kwakadii kwatiri kuti tiri muKuda Kwake kwakakwana. Matepi ndeechechi yake. Ari kutidzidzisa. Ari kutiudza, teererai matepi.
Akatanga mharidzo idzi dzakateedzana dzeKugadzwa Humwana achitiudza zvakangezvaitika mazuva mashoma akange apfuura. Zvino, paMharidzo yega, anotaura nezvenguva apo akashandurwa. Zvinofanira kuve zvakakosha sei kuti Mwenga anzwe zvakaitika uye nezvakataurwa neMwenga kwaari.
Muporofita wedu achatongwa neShoko raakaparidza raakasiya pamatepi. Mwenga kune rumwe rutivi akamuudza kuti aizogamuchirwa naShe wedu. Ipapo achatiisa kwaAri sezvibereko zvehushumiri hwake, tobva tadzokera panyika zvakare kuti tirarame nokusingaperi.
Shoko rega rega ratinonzwa chimedu chedombo rinokosha. Tinoramba tichichikoronzveranekuchikoronzvera paanozarura zvakawanda uye tichi verenga pakati pemitsetse.
Tinofara sei kugoverana nehama nehanzvadzi dzedu tichiti, “Mazvinzwa here izvi?”
“Akatisarudza maAri nyika isati yavepo”? Ndiyo nhaka yedu. Mwari vakatisarudza, uye vakatendera Jesu kuti auye kuzobhadhara muripo. Kuti chii? Kudeura Kwake kweRopa Rake, kuti pasave nechivi chinoverengerwa kwatiri. Hachisi chinhu chaunogana kuita.
Zvino, mushure meizvozvo, wakabata here chinhu ichi?
“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe.” Wakaisa maziso ako kuKarivhari, uye hapana chichakumisa! Mafambiro chaiwo ehupenyu hwako, uri kufamba uchidzika neMugwagwa Mukuru waMambo, wakazodzwa neMafuta anokosha ekuzodza, uchipinda muNzvimbo Tsvene-tsvene. Whew! Ameni.
Takange takaita setsvimbo yaAroni, chimuti chakaoma chaakafamba nacho kwemakore makumi mana murenje. Asi zvino, nokuti tirimuNzvimbo Tsvene iyi nokunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri pamatepi, takabukira uye tavane maruva, tizere noMweya Wake Mutsvene, uye tiri Mwenga Wake tichidanidzira neruzha rukuru chaizvo:
Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, matepi ndochinhu chekutanga mumwoyo yedu.
Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, Iye akatisarudza nyika isati yavambwa.
Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, tiri Mwenga waJesu Kristu.
Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, hapana mutsauko wazvinoita kuti mumwe munhu atikudini, hatisi kubvisa matepi, tiri kutowedzera kuridza akawanda.
Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, meso edu akatarira kuCalvary, uye hapana chichatimisa.
Ndinofara kubatana mumwoyo nevazhinji pano vanoziva kuti Iri iShoko raMwari risingakundiki. Zvino Iro, Shoko rose iChokwadi, Shoko rose Zvaro, chikamu chose Charo. Uye nenyasha dzaMwari, takaropafadzwa kuona Nyika, iyo nerimwe zuva tichaenda kwairi.
Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo muporofita achatora Shoko rose achiramba achirikoronzvera. Achatiendesa kuna Genesisi achirikoronzvera, oenda naro kuna Eksodo uye achirikoronzverazvakare, uye zvakare kusvika kuna Zvakazarurwa; uye Rose zvaro NdiJesu!
Hama Joseph Branham
Mharidzo:
Kugadzwa Humwana #3 60-0522M
Magwaro:
Mateu 28:19
Johani 17:7-19
Mabasa 9:1-6, Zvitsauko 18 ne19
VaRoma 8:14-19
1 VaKorinte 12:12-13
VaGaratia 1:8-18
VaEfeso Chitsauko 1
VaHebheru 6:4-6, 9:11-12