25-0330 Chisimbiso Chechitatu

Mharidzo: 63-0320 Chisimbiso Chechitatu

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Eva weMweya,
 
Regai nditange tsamba yangu nhasi nebhomba raMwari reatomic; kwete pfuti .22 rifle, asi BHOMBA reATOMICreMwenga waJesu Kristu.

Zvino, kana muchida kuanyora pasi; hongu, imi mose munoaziva: Jesu, Johane 14:12; naJoere, Joere 2:38; Pauro, Timotio wechipiri 3; Maraki, chitsauko chechina; naJohane muzaruri, Zvakazarurwa 10:17, 1-17. Maona, chaizvo zvaizoitika zvino!

Chiziviso neyambiro: Chitaurwa chinotevera hachisi chako kana uchitenda.
 
“Tinopfuurira kutaura pamusoro pemuporofita waMwari.” “Haungave Mwenga kana uchingoteerera muprofitachete.” “Kuridza matepi muchechi kwakaipa.” “Tochi yapfuudzwa kuenda kune mumwe; chinhu chinonyanya kukosha nhasi kuteerera hushumiri.” “Kubzvanya nokuridza panguva imwe chete rave sangano.”

Kukereke, Chii?  Shoko mumunhu rakaitwa nyama pakati pevanhu Vake zvakare! Maona?

KABOOM…Saka nokudzvanya nokuridza, tinogona kunzwa Shoko mumunhu rakaitwa nyama, richitaura muromo kunzeve kwatiri apo Anozarura Shoko Rake.  
 
Uye mumwe munhu anogona kuti Hariziro Inzwi RAKAKOSHESESA RAUNOGONA KUNZWA?  Ichi chikamu chechitaurwa ndechako.

Uye havangozvitendi.

Kuwanda kwechizarura uko She vanotipa kwe Shoko Rake, uye nekuti tiri vanaani, ndiko kuenda kure kunoita munhu wese ari kunze kweChizaruro ichocho.

Regai nditaure izvozvo, chaizvo, kuti u…zvinyurepakadzika. Ndinoda kuti izvi uzvibate. Ndiro dambudzikonewe nhasi, waona, hauzive Shoko! Waona?

Mwari vakazodza vanhu kuparidza Shoko iri, asi pane Mhedziso imwe chete: Shoko.  Ukanzwa mushumiri, kana ani zvake achitaura, unofanira kuva nokutenda kuti utende kuti zvaari kutaura ndizvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita waMwari. Shoko ravo, chizaruro chavo, dudziro yavo inogona kukundikana; Inzwi raMwari pamatepi HARIFI RAKAKUNDIKA.
 
Taura nezvaMwari muhunyoro kubudikidza nokungodzvanya nokuridza…Anozvitaura ZVAKARE.

Vano mupotsa IYE, Shoko Benyu rakaratidzwa munyama, neShoko rakavimbiswa. Shoko rakavimbisa kuita zvinhu izvi. Vimbiso yakaitwa, kuti zvichava saizvezvi mumazuva ekupedzisira.

Teerera Mutinhiro Wake. Mutinhiro iInzwi raMwari. William Marrion Branham ndiro Inzwi raMwari kuchizvarwa chino.

Mwe-Mwenga hausati wave nerumutsiriro. Maona? Hapasati pave nerumutsiriro ipapo, hapana kuratidzwa kwaMwari kuti amutsurudze Mwenga. Maona? Tichiri kuzvitsvaga ikozvino. Zvichatora Mitinhiro minomwe kumashure uko isati yave kuzivikana, kuMumutsa zvakare, maona. Ehe. Achaitumira. Akazvivimbisa. Zvino tarisai.

Unogona kuzvimonyorodza kana uchida, asi Mitinhiro Minomwe ichapa Mwenga kutekenyedzwa kunouya neChizaruro nekutenda kwekubvutwa, kunouya chete kubidikidza noMweya Mutsvene uchitaura arimumuporofita waMwari. Zviri kuitika IKO ZVINO pasi rose.  Mwari Vari kutekenyedzwa Mwenga Wavo neShoko ravo.
 
Kwete izvozvo zvoga, asi akatoudza muvengi wedu zvokuita.

Iwe bvisa maoko ako pavari. Vanoziva kwavari kuenda, nokuti vakazodzwa neMafuta Angu. Uye nokuzodzwa neMafuta Angu, vane waini yomufaro, nokuti vanoziva Shoko Rangu revimbiso, ‘Ndichavamutsa zvakare.’ Usavakuvadze! Usaedze kuvakanganisa.

Akaudza muvengi wedu kuti abvise maoko ake akaipa patiri.  Asi hurwere huchiri kugona kutirwisa here? Hongu. Tichine matambudziko here? Hongu. Asi akatiudzawo zvekuita.
 
Zvakadzika.  Zviverenge zvishoma nezvishoma uye uchidzokororazve.

Risati rave Shoko, yaive pfungwa. Uye pfungwa inofanira kusikwa. Zvakanaka. Saka, pfungwa dzaMwari dzinova chisikwa kana dzataurwa, neShoko. Ndipo paAnozviunza kwa-kwauri sepfungwa, pfungwa Yake, zvozozarurwa kwauri. Zvadaro, inoramba iri pfungwa kusvikira wazvitaura.

Pfungwa dzake dzakave chisikwa padzakataurwa. Zvino, pfungwa dzake dzakaunzwa nekuzarurwa kwatiri seShoko. Zvino dzinoramba dziri pfungwa kwatirikusvikira taZvitaura. SAKA TINOZVITAURA… UYE TINOZVITENDA.
 
Ndiri Mbeu yeHumambo yaAbrahama. Ndiri Mwenga waKristu. Ndakasarudzwa uye ndakatemerwa nyika isati yavambwa kuti ndive Mwenga Wake, uye hapana chinogona kushandura izvozvo. Vimbiso yese iri muBhaibheri ndeyangu. IShoko Rake kwandiri. Ndiri mugari wenhaka kuVimbiso chaiyo. Ndiye Jehovha Mwari anoporesa zvirwere zvangu zvose. Chero zvandinoda ndezvangu, Mwari vakadaro.
 
Mwari muHunyoro: Kutenda kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko. Shoko rinouya kumuporofita.
 
Munhu wese anoda kushandisa “ZVITAURWA” kuratidza pfungwa dzavo, zvavanofunga, neshoko ravo.Ipapo vari raiti, neniwo ndinodaro, ndicho chikonzero zvose zvandinokupai zvitaurwa kukuudzai kuti: Garai neMatepi. Teerera kuInzwi iroro. Inzwi iroro Inzwi raMwari. Unofanira kutenda Shoko rose riri paMatepi, kwete zvinotaurwa nemumwe munhu. Inzwi Iroro ndiroInzwi RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA.
 
Vamwe vanoshandisa zvitaurwa kukuunzai kushumiro dzavo, kukereke dzavo, kududziro dzavo, chizaruro chavo. “Gara nemufundisi wako.” (Zvakanaka, neniwo ndinochifarira chitaurwa ichocho, nokuti ndizvo zvatinoitawo, kungoti inyaya yemufundisi wakasiyana.) “Haasi iye oga hurungudo pamhenderekedzo yegungwa.” “Haana kumboti ridzai matepi muchechi.”

Usaise dudziro yako wega kwaZviri. Anoda mudzimaiwakachena, asina kusvibiswa, asingaite zvechiramu.Handingadi kuti mukadzi wangu atambetambe nevamwe varume. Uye paunoenda kundoterera kunjere dzakasiyana siyana, kupfuura Izvi, urikuterera, urikutamba chiramu naSatani. Ameni! Hazvikupinzi mumweya here? Mwari vanoda kuti ugare usinakusvibiswa. Gara ipapo neShoko iroro. Gara Naro. Zvakanaka. 

Kana ndirini neimba yangu, tichadzwanya nokuridza tichitevera Shoko raMwari Munyama richitaura kubudikidza nemutumwa Wake wechinomwe. Hatisikuzo wedzera dudziro yedu pachedu kwaRiri; hatizikuzotamba chiramu kana kuteerera dzimwe njere.TichaGARA NESHOKO IRORO SEZVO RAKATAURWA PAMATEPI. NdiMwari Muhunyoro.
 
 
Inguva inobwinya sei yatichava nayo musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: Chisimbiso Chechitatu 63-0320. Ndinoda kukukokai kuti mubatane nesu apo tiri kubatana muShoko ranhasi.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mateo 25:3-4
Johane 1:1, 1:14, 14:12, 17:17
Mabasa Chitsauko chechipiri
1 Timotio 3:16
VaHebheru 4:12; 13:8
1 Johane 5:7
Revhitiko 8:12
Jeremiya 32nd Chitsauko
Joere 2:28
Zekaria 4:12

Regai nditore mukana uno kuti ndijekese zvakare. Handipesani nehushumiri hwakapetwa kashanu. Ndinotenda muhushumiri hwakapetwa kashanu. Handioni chiri chiro chakaipa kuteerera mushumiri. Ndinotenda kuti unofanira kuteerera mufundisi wako kwawakaiswa naMwari. Pfungwa yangu ndeyekuti, ndinotenda kuti Mwari vakatumira muporofita muzuva redu. Mwari akazarura Shoko Rake kumuporofita wake. Ndinogona kukanganisa, mufundisi wenyu anogona kukanganisa, asi TINOFANIRA kubvumirana (kana tichiti tinotenda kuti SHOKO RENGUVA IRI ndicho chokwadi uye kuti Hama Branham muporofita waMwari) zvinotaurwa pamatepi iZvanzi naJehovah. Kana usingatendi izvozvo, saka hautendi SHOKO IRI. Naizvozvo, ndinotenda kuti ndiro IZWI RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA. Haufaniri kunzwa ini, haufaniri kunzwa mumwe munhu, asi UNOFANIRA KUNZWA INZWI IRORO PAMATEPI.