25-0309 Mukaha Pakati PeMazera Manomwe EKereke NeZvisimbiso Zvinomw

Mharidzo: 63-0317E Mukaha Pakati PeMazera Manomwe EKereke NeZvisimbiso Zvinomw

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vaka Dzoreredzwa.
 
Handifi ndakaneta kunzwa Inzwi raMwari richitiudza kuti tiri vanaani, kwatinobva, kwatiri kuenda, zvatiri vadyi venhaka kwazviri, uye kuti anotida zvikuru sei.

Huprista hwemweya, rudzi rwoumambo, vanobayira zvibayiro zvomweya kuna Mwari, zvibereko zvemiromo yavo, vachirumbidza Zita Rake.” Vanhu vaka – vanhu vakadini! Iye anavo.

Kunyaradzwa kwedu chete nerugare zvinouya nekunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri, zvino totaura tichipindura kuna Baba nekupa zvibayiro zvemweya kubudikidza nezvibereko zvemiromo yedu, tichipa rumbidzo kuZita Rake.
 
Nyika ino yose iri kugomera. Zvisikwa zviri kugomera. Tiri kugomera uye takamirira kuuya kwaShe. Nyika ino haina chedu. Tagadzirira kuenda uye nekuenda kuMabiko edu emuMuchato neKumusha wedu unouya Naye navose Vatoriko kare, uko kuseri kwechidzitiro chenguva, vakatimirira.
 
Ngatisimukei tizvizunze! Titswinye hana dzedu, tibengenuke kune zviri kuitika izvezvi uye nekune zvichaitika muchinguva chekubwaira kweziso.
 
Hazvisati zvakamboitika munhoroondo yepasi rose kuti Mwenga waKristu ubatane kubva pasi rose, vose panguva imwe cheteyo, kunzwa Inzwi raMwari richitaura nekuzarura Shoko Rake kuMwenga Wake.
 
Vatendi, zvibvunzei imi, inzwi ripi, mushumiri upi, munhu upi, anogona kubatanidza Mwenga waKristu pamwe chete?  Kana uri Mwenga waKristu, unoziva kuti hapana rimwe Inzwi kunze kweInzwi raMwari pamatepi.
 
Hongu, Mweya Mutsvene uri mukati memumwe nemumwe wedu, muhofisi yega yega yekereke, asi Mwari paChake akatiudza kuti Achatonga nyika neShoko rake. Mwenga unoziva kuti Shoko Rakerinouya kumuporofita Wake. Muporofita wake ndiye CHETE mududziri wemweya weShoko rake. Zvaakataura hazvingawedzerwi kana kutapudzwapazviri. IShoko, riri pamatepi, ratichatongwa naro tose, uye hakuna rimwe shoko kana dudziro yeShoko iroro.
 
Hazvikwanisike kuti rimwe inzwi ribatanidze Mwenga. Inzwi raMwari chete pamatepi ndiro rinogona kubatanidza Mwenga Wake. Ndiro chete Shoko Mwenga raanogona kubvumirana pariri. Ndiro chete Inzwi rakasimbiswa naMwari paChake kuti Inzwi Rake kuMwenga wake. Mwenga wake unofanira kunge une Mafungiro Mamwe uye nemuKubvumirana Kumwe kuti tive Naye
 
Shumiro dzinogona kushumira, vadzidzisi vanogona kudzidzisa, vafudzi vanogona kufudza, asi Inzwi raMwari pamatepi rinofanira kunge riri Inzwi rakakoshesesa ravanofanira kuisa pamberi pevanhu. Ndiro Pazvinoperera kuMwenga.
 
 
Kana une Chizarurwa chaizvozvo, saka izvi ndizvo zvichaitika.
 
Shoko rinotiudza kuti Adhamu akarasikirwa nenhaka yake, nyika. Yakabva paruoko rwake kuenda kune waakatengesera, Satani. Akatengesa kutenda kwake muna Mwari, kunjere dzaSatani. Akarasikirwa nezvose zvikaenda mumavoko aSatani. Akazvipfuudza kubva muruoko rwake kuenda kuna Satani.
 
Mwari ndiMwari we husikwa hwese, kwese kwese, asi Mwanakomana Wake, Adhama, ndiye aitonga pasi rinoratinogara rinonzi (earth). Aigona kutaura, aigona kutumidza zita, aigona kureva, aigona kumisa musikirwo wezvinhu, aigona kuita chero chaaida. Aiva nehutongi huzere hwepasi rino.


 
Adhamu akarasikirwa nazvo zvose, asi mbiri kuna Mwari, zvese zvaakarasikirwa nazvo zvakadzikinurwa neMudzikinuri wedu weHama, hapana mumwe kunze kwaMwari Wemasimbaose, akazove Emanueri, mumwe wedu. ZVINO, YAVE YEDU.
 
Tiri vanakomana nevanasikana Vake vachatonga uye vachava madzimambo nevaprisita pamwe chete Naye. Tine hupenyu husingaperi naye uye navose vatinoda. Hapasisina hurwere, hapasisina kusuwa, hapasisina rufu, rangove zienda –nakuenda tiri pamwe chete.
 
Patinofunga nezvazvo, tingarega sei dhiyabhorosi achitiwodza mwoyo? NdeYEDU, ndiko kwatakananga nekukurumidza. Akatipa chinhu chikurusa chaaigona kutipa. Aya mazuva mashomanene emiedzo nekuedzwapasi pano anokurumidza kumedzwa nekuKUNDA KWEDU KUKURU UKO KUNGORI MAZUVA MASHOMANENE MBERI KWEDU.
 
KUTENDA kwedu hakuna kumbokura kudai. Mufaro wedu hauna kumbokwirira kudai. Tinoziva kuti tiri vanaani uye nekwatiri kuenda. Tinoziva kuti tiri muKuda kwake kwakakwana nekugara neShoko rake.

Chatinofanira kuita kugara nematepi nekutenda Shoko rose; kwete kunzwisisa zvose, ASI KUTENDA SHOKO ROSE…uye TINODARO!
 
Kutenda kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko. Shokorinouya kumuporofita. Mwari vakaritaura. Mwari vakariisa pamatepi. Mwari vakaRizarura. TinoRinzwa. Tino Ritenda.
 
Unogona chete kuwana Chizaruro ichi nekunzwa Inzwi raMwari pamatepi.

Zvose zvichaitwa naKristu pamagumo zvichazarurwakwatiri svondo rino, muZvisimbiso Zvinomwe, kana Mwari vakatitendera. Maona? Zvakanaka. Zvichazarurwa. Uye zvichizarurwa, apo Zvisimbiso zvichimedurwa uye zvichisunungurwa kwatiri, zvino tinogona kuona kuti hurongwa hukuru uhu hwekudzikinurwa chii, uye kuti riini uye kuti zvichaitwa sei. Zvose zvakavigwa muBhuku iri pano rezvakavanzika. Rakanamwa, rine Zvisimbiso Zvinomwe, nokudaro Gwayana ndiro Roga rinogona kuzvizarura.

Musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, chikamu cheMwenga kubva pasi rose chichange chichiteerera Inzwi raMwari panguva imwe chete. Tichange tichibvarura denga neminamato yedu uye nekushumira. Ndinokukokai kuti muuye kuzobatana nesu patichange tichinzwa: Mukaha Pakati PeZvizvarwa Zvinomwe zvema Kereke NeZvisimbiso Zvinomwe 63-0317E.
 
Ndapota musakanganwe nezve shanduko yenguva muJeffersonville vhiki rino.
 
Hama Joseph Branham