Mharidzo: 64-0823E Mibvunzo neMhinduro #2
- 26-0201 Mibvunzo neMhinduro #2
- 24-0505 Mibvunzo neMhinduro #2
- 22-1009 Mibvunzo neMhinduro #2
- 18-0211 Mibvunzo neMhinduro #2
Vadiwa Vana veZvapungu
Pane Mutumbi, ndipo panoungana Mwenga pamwe chete. Uye kwatiri, pane nzvimbo imwe chete yakakwana yatinokwanisa kuwana nyama ichangoburwa yeManna: kubudikidza nekudzvanya nokuridza nekunzwa Inzwi raMwari pamatepi.
Taura nezve Manna ichangoburwa, tingatanga here kufunga nezvatinazvo pamavoko edu? Inzwi chairo raMwari richitaura kuMwenga wake waanoda pamatepi, pasina kufembera, pasina kushamisika, pasina mibvunzo kana kupokana kuti zvatiri kunzwa ndiMwari, achishandisa inzwi remunhu, kutaura Zvanzi naJehovahkuMwenga wake.
Nechizaruro, tinotenda kuti Ndiyo CHETE nzvimbo yatinogona kuenda nekuzorodza mweya yedu kuti Mashoko atiri kunzwa haazi shoko remunhu, kana kududzira kwake kana pfungwa yake yakawedzerwakwaRiri, asi IShoko rakachena raMwari rinotaura kwatiri vana vezvapungu, richizarura Shoko Rake.
Tinoyanana paShoko. Tinoverenga Shoko rakemumaBhaibheri edu. Tinotonzwa kuti Mwari vakagadza nokudana varume vakazadzwa neMweya Mutsvene wake, vachidoma zvitaurwa nekuparidza Shoko raMwari, asi muzuva redu, Mwari akatipa nzvimbo yatinogona kunzwa SHOKO RAKE RAKAKWANA RAKATAURWA, kubudikidza neKudzvanya Nokuridza.
Baba vanotopa Mwenga wavo mukana wekubvunza mibvunzo yaive pamwoyo yedu kuti tive nemhinduro yakakwana:
- Satani angashandisa chipo chendimi kana chiporofita mumunhu ane Mweya Mutsvene here?
- Jesu airevei pana Mateo 12, ndima 32?
- Ndapota tsanangurai Vakorinde 13:8-12.
- Vakadzi vanotenderwa kushanda mumabasa eHurumende here kana vaine murume wakasimba nevana?
- Zvakaipa here kuti mukadzi amoneredze bvudzi rake?
Mwari vakapa nzira dzakawanda dzekuropafadza nekusimbisa Mwenga wake, asi pane nzvimbo imwe chete yaakapa iyo Mwenga wake anogona kuva nekugutsikana kuzere kuti zvavari kunzwa iSHOKO RAKE RAKAKWANA. Tsime Rimwe reMvura Inoyererauko vana vezvapungu vanogona kunwa kubva pasina mukana wekusvibiswa kupi zvako. KUDZWANYA NOKURIDZA.
Ndinokukokai kuti muuye kuzonwa kubva paTsime iroro musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo tichanzwa 64-0823E “Mibvunzo Nemhinduro #2.”
Hama Joseph Branham