Mharidzo: 63-1229E Tarisa Kuna Jesu
- 25-1026 Tarisa Kuna Jesu
- 24-0211 Tarisa Kuna Jesu
- 22-0724 Tarisa Kuna Jesu
- 20-0531 Tarisa Kuna Jesu
- 18-0325 Tarisa Kuna Jesu
Vadiwa Vateereri veMatepi,
Nguva yasvika yokuti munhu wose azvibvunze kuti: “Pandinoteerera matepi, Inzwi ripi randinonzwa? Rinongova inzwi raWilliam Marrion Branham here, kana kuti ndinonzwa Inzwi raMwari rezuva redu? Ishoko remunhu here, kana kuti ndiri kunzwa Zvanzi naJehovha? Ndinoda mumwe munhu anodudzira zvandiri kunzwa here, kana kuti Shoko raMwari haridi dudziro here?”
Mhinduro yedu ndeiyi: Tiri kunzwa Shoko rakataurwa richiitwa nyama. Tiri kunzwa Alfa naOmega. Tirikunzwa Iye, Shongwe yeGore reMoto, achitaura nemuromo wemunhusezvaAkataura kuti Achaita muzuva redu.
Hatisi kunzwa munhu, tiri kunzwa Mwari, mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Inzwi raMwari benyu, rine simba kupfuura munondo unocheka kwose rinobaya kusvika pakati pebvupa, uye rinonzvera pfungwa dziri mumwoyo.
Zvakazarurwa kwatiri kuti zvaAiva paAkafamba muGaririya ndizvo zvimwe chete zvaAri manheru ano muJeffersonville; zvimwe chete zvaAri paBranham Tabhenakeri. IShoko raMwari riri kuratidzwa. ZvaAiva panguva iyoyo, Ndizvo zvaAri manheru ano, uye ndoozvaachava nokusingaperi. ZvaAkati Achaita, Akazviita.
Murume uyu haasi Mwari, asi Mwari achiri mupenyu uye achitaura kuMwenga wake kuburikidza nemurume iyeye. Hatifaniri kunamata munhu, asi kunamata Mwari ari mumunhu iyeye; nokuti ndiye murume akasarudzwa naMwari kuti ave IZWI RAKE uye atungamirire Mwenga wake mumazuva ano okupedzisira.
Nokuti akatipa Chizaruro chikuru chenguva inoyekupedzisura, zvino tinogona kucherechedza kuti TIRI VANAANI, Shoko rakaitwa nyama muzuva yedu. Satani haachagoni kutinyengedza, nokuti tinoziva kuti tiri mhandara Shoko Mwenga wake wakadzoreredzwa zvakazara.
Inzwi iroro rakatiudza: Zvose zvatinoda zvakatopiwa kwatiri KARE. Hapasisina chikonzero chekumirira. Zvakataurwa, NDEZVEDU, NDEZVEDU. Satani haana simba pamusoro pedu; akakundwa.
Chokwadi, Satani anogona kukanda zvirwere, kuora mwoyo, uye marwadzo patiri, asi Baba vakatotipa simba rekumuDZINGA… TINONGOTAURA SHOKO, uye anofanira kuenda….kwete nokuti tadaro, asi nokuti MWARI VAKADARO.
Mwari mumwe chete akasika tsindi, pakange pasina tsindi. Uyo akapa Hanzvadzi Hattie chishuwo chemoyo wavo: vanakomana vavo vaviri. Vakapodza Hanzvadzi Branham bundu ruwoko rwachiremba rusati rwavabata. Ndiye MWARI MUMWE CHETE uyo asiri pakati pedu chete, ASI ANORARAMA NOKUGARA MATIRI. TIRI SHOKO RAKAITWA NYAMA.
Patinotarisa nekuteerera kuInzwi pamatepi, tinoona nekunzwa Mwari achizvizarura munyama yemunhu. Tinoona nekunzwa kuti ndiani akatumwa naMwari kuti atitungamirire kuNyika yeChipikirwa. Tinocherechedza kuti Mwenga chete ndiye achawana Chizaruro ichicho, nokudaro tinowana hushingi. Hapasisina chikonzero chekuvhunduka, chekudererera pamoyo, kushungurudzika, kushamisika kana kunetseka… ISU TISU MWENGA.
Teerera urarame, hama yangu, rarama!
Teerera Jesu zvino urarame;
Nokuti Zvakanyorwa pamatepi, hareruya!
Teerera chete urarame.
O, Mwenga waJesu Kristu, izuva guru sei ratiri kurarama mariri. Zvatiri kutarisira kwazviri, miniti yegayega. Chero zuva ripi zvaro ikozvino tichaona vadikanwa vedu, zvino, mukubwaira kweziso, tichange tabuda muno uye tavenavomhiri uko. Zvave pedyosa zvekuti tavekutozvinzwa…KUBWINYA!
Huyai Mwenga, ngatibatane zvakare takaunganiraInzwi raMwari musi Uno weSvondo na12:00masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichaMunzwa achitaura kwatiri Shoko reHupenyu Husingaperi.
Hama Joseph Branham
Mharidzo: 63-1229E Tarisa Uko Kuna Jesu
Magwaro:
Numeri 21:5-19
Isaya 45:22
Zekaria 12:10
Johane 14:12