Mharidzo: 63-0901E Kuperera
Mudiwa Mwenga weMatepi,
Zvino imi vanhu vari mumatepi.
Ishe, tingatanga sei kutaura zvinorehwa nemashoko madiki matanhatu aya kwatiri, Mwenga waJesu Kristu? Chizaruro cheShoko reNguva ino kwatiri. NdiMwari vari kutaura vari mumutumwa Wavo vachiudza Mwenga Wavo, “Ndinoziva kuti muchagara ne’Nzwi Rangu. Ndinoziva kuti Shoko raNgu riri pamatepi aya richarevei kwamuri. Ndinoziva kuti muchava neChizaruro chekuti Shoko randakataurapamatepi ndicho Chiratidzo Changu chanhasi.”
“Ndakaisa Inzwi Rangu pamatepi aya; nokuti Mharidzo idzi dzinofanira kupedzisa Shoko rose. Pachava nezviuru zvakapetwa kachuruzvichanzwa Inzwi Rangu pamatepi uye vachava neChizaruro chekuti iyi ndiyo Shumiro Yangu. Ndiwo Mweya Mutsvene wanhasi. Ndiyo Mharidzo Yangu yeChiratidzo.”
“Ndakatuma vashumiri vakawanda vakatendeka munyika yose kuti vaparidzire shumiro Yangu. Pavakadzoka, vakandiudza kuti, ‘Takateerera zvamakataura nokuridza matepi Enyu. Takawana vanhu vakatenda Shoko rose. Vakaita imba yavo kereke yekugamuchira Shoko renyu. Takavaudza, vose vachauya pasi peChiratidzo Chenyu, Shoko reNguva, vachaponeswa.’”
Yave nguva yekuti munhu wese anofanira kuongorora nekuzvibvunza kuti, ndeipi nzira yaMwari yakakwana nhasi? Shoko remuprofita harina kumbokundikana kana kamwe chete. Zvakaratidzwa kuti ndicho Chokwadi CHOGA, chinhu CHIMWE CHETE chichabatanidza Mwenga wake.
Zvese zvaakataura zvakaitika nematauriro aakaita. Shongwe yeGore reMoto ichiri pano nesu. Inzwi raMwari richiri kutaura nesu pamatepi. Muporofita akatiudza kuti Mwari vachapfuura chete kana vaona Chiratidzo. Inguva yekupererakuti munhu wese apinde pasi peShoko reChiratidzo iroro.
Takaona Ruoko rukuru rwaMwari munguva ino yekupedzisira. Akatipa Chizaruro chechokwadi cheShoko Rake uye chauya chiri pasi pemufananidzo weChiratidzo. Zvino, tichiri pasi pemufananidzo weChiratidzo, ngatiuye pamwe chete tidye Chirairo mukuperera; nokuti tinoziva kuti Mwari arikugadzirira kurova nokutonga.
Ndinoda kukukokai mumwe nemumwe wenyu kuti anzwe uye kuti apinde Sevhisi yeChirairo neKugezena Tsoka musi uno weSvondo, patichanzwa Mharidzo: Kuperera 63-0901E.
Mharidzo uye Shumiro yeChirairo ichange iri paVoice Radio kutanga na5:00 masikati, nguva yeJeffersonville. Ndapota sunungukai kuva neshumiro yenyu na5:00 masikati nguva yekwamuri ikoko sezvinokunakirai, sezvandinoziva kuti zvakaoma kune vatendi vemhiri kwemakungwa kuti vaite Sevhisi ne nguva idzodzo . Pachange paine link yekuti mukwanise kudownloader faira re Shumiro.
Hama Joseph Branham
Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga:
Eksodho 12:11
Jeremia 29:10-14
Ruka 16:16
Johane 14:23
VaGaratia 5:6