Mharidzo: 63-0630E Ko Hupenyu Hwako Hwakakodzerana Here NeEvhangeri?
- 25-0914 Ko Hupenyu Hwako Hwakakodzerana Here NeEvhangeri?
- 23-1008 Ko Hupenyu Hwako Hwakakodzerana Here NeEvhangeri?
- 22-0415 Ko Hupenyu Hwako Hwakakodzerana Here NeEvhangeri?
Vadiwa Hama neHanzvadzi
Ndinoda Ishe, Shoko raMwari, Shoko rino reNguva, Inzwi Rake, muporofita Wake, Mwenga Wake, kupfuura hupenyu chaihwo. Zvose CHINHU CHIMWE KWANDIRI. Handidi kurerutsa pakanhu, vara, kana SHOKO RIMWE chete Mwari raakanyora muShoko Rake kana kutaura kubudikidza nemuporofita Wake. Kwandiri, Zvose iZvanzi naJehovha.
Mwari akazvifunga, ndokuzvitaura kuvaporofita Vake, ivo ndokunyora Shoko Rake. Zvino Akatumira mutumwa wake mukuru, William Marrion Branham, panyika muzuva redu kuti Azviratidze munyama yemunhu zvakare, sezvoAkaita kuna Abrahama. Zvino Akataura kubudikidza nemuporofita wake kuti ave Inzwi raMwari kunyika, kuti azarure nekududzira zvakavanzika zvose zvakavanzwa kubva pakuvambwa kwenyika kuMwenga Wake wakatemera.
Zvino, Mwenga Wake, IMI, mave kuva Shoko rakaitwa nyama; Mumwe Naye,Shoko Mwenga Wake wakadzorerwa zvakazara.
Ndinoziva kuti handinzwisiswe pane zvandinotaura uye zvandinonyora. Regai nekuzvininipisa nditaure sekutaura kwakaita muporofita wedu, handina kudzidza uye ndinoziva kuti handigoni kunyora kana kutaura nemazvozvandinonzwa mumwoyo mangu. Ndinobvuma kuti zvinoita sekunge ndinonyora nenzira inoratidza hasha dzimwe nguva. Kana ndikadaro, hakusi kuratidza kusaremekedza, kana kuita maonero asiwo kana kutonga mumwe munhu, kwete. Ndinozviita nokuda kwerudo rweShoko raMwari mumoyo mangu.
Ndinoda kuti munhu wese agamuchire uye atende Shoko iri rakatumwa naMwari kuzodana Mwenga wake. Handinakumbonzwa mumwoyo mangu kana mupfungwa kuti vashumiri havafaniri kuparidza zvachose; izvozvo kunenge kuri kupesana neShoko raMwari. Ndineshungu chete ne’Nzwi raMwari riri pamatepi. Ndinotenda kuti ndiro Inzwi rakakoshesesa HUSHUMIRI HWESE ravanofanira kuisa PAKUTANGA pamberi pevanhu. Izvi hazvireve kuti havagoni kuparidza, ndinongoda kuvakurudzira kuti varidze matepi mumakereke avo kana vanhu vaungana pasi pechizoro ichocho.
Hongu, ndingada kuti nyika yese iteerera Mharidzo imwe chete panguva imwe chete pasi rose. Kwete nokuti “Ini” ndadaro, kana nekuti “Ini” ndasarudza tepi yekuteerera, asi ndinonzwa kuti chokwadi Mwenga uchaona kuti Mwari vakagadzira nzira sei yekuti izvi zviitike muzuva redu.
Deno taiva nemashoko aJesu achitaurwa pamatepi nhasi, kwete aMateo, aMako, aRuka kana zvinyorwa zva Johane ezvakataurwa naJesu (nokuti vose ava vakazvitaura zvakati siyanei), asi tichinzwa Inzwi raJesu, hunhu Hwake, nekatauriro kake kaka tyoka, munzeve dzedu, vashumiri nhasi vangati here kumakekereke avo, “Hatisi kuzoridza tepi yaJesu muchechi medu. Ini ndakadanwa nekuzodzwa kuti ndiparidze, nekutaura zvinokorwa zvake. Endai munonzwa mave kumba kwenyu.” Vanhu vangagarira izvozvo? Zvinopisa tsistsi, asi ndizvo chaizvo zvavari kuita nhasi. HAPANA MUTSAUKO, chero vakaedza kuzvivharidzira sei.
Kwandiri, Hama Branham vakatipa muenzaniso. Vaida apo makereke ose, dzimba, kana kupi zvako kwavakange vari, vari parunhare kuti vanzwe Shoko panguva imwe chete. Vaiziva kuti vaigona, uye vaizowana matepi vozonzwa gare, asi vaida kuti vabatane uye vanzwe Shokopanguva imwe chete…. KWANDIRI NDIMWARI AIRATIDZA MWENGA WAKE ZVAIZOITIKA MUZUVA REDU NEZVINOFANIRA KUITWA.
Mushumiri wese wechokwadi anotenda Shoko reNguva anobvuma kuti hapana chikuru kudarika kugara pasi pechizoro cheInzwi raMwari, rakarekodhwa rikaiswa pamatepi. Mwenga uchatenda, ova neChizaruro, kuti Shoko reNguva iri, ndiro Shoko raMwari ranhasi. Ndinogona chete kungotonga neShoko, asi ani naani asingati Shoko reNguva iri ndiyo Mhedziso yavohaana Chizaruro cheShoko ranhasi, nokudaro, vangava sei Mwenga Wake?
Hakusi kungozvitaura, kuzviparidza kana kuzvidzidzisa, asi kuzvinzwa pamatepi NDIYO NZVIMBO CHETE iyo Mwenga angati ndinotenda Shoko rose. Shoko iri iZvanzi naJehovha. Zvandinoparidza kana kudzidzisa hazvisi ZVANZI NAJEHOVHA, asi zvinotaurwa neInzwi raMwari pamatepi NDIRO…ndiro Inzwi CHETE rakasimbiswa neShongwe yeGore reMoto.
Ndinoziva kuti kune hama nehanzvadzi dzinoti, uye dzinonzwa kuti, “Kana mukasateerera kuMharidzo inotumirwa neBranham Tabernacle, kana kusaverenga matsamba eKuvungana kweZvapungu Pamwe Chete, uye nokuteerera mudzimba dzenyu panguva imwe cheteyo hamusiri Mwenga,” kana kuti, “Hazvina kunaka kuenda kuchechi, munofanira kugara mudzimba dzenyu.” IZVOZVO SANDIZVO. Handina kugara ndakambofunga izvozvo, kana kutaura izvozvo, kana kuzvitenda. Izvozvo zvakatokonzera kuparadzanakwakawanda, kukanganisika kukuru, nekusawirirana pakati peMwenga uye muvengi ari kushandisa izvozvo kupesanisavanhu.
Handidi kupatsanura Mwenga, ndinoda kubatanidza Mwenga sezvakataurwa neShoko TINOFANIRA KUBATANA SECHINHU CHIMWE. Hatifaniri kunge tichiitirana nharo, asi hapana chimwe chingatibatanidza kunze kweInzwi raMwari riri pamatepi.
Hatifaniri kunge tichiitirana nharo nekuudza vanhu zvavanofanira KUITA kuti vanzi Mwenga, ingoita SEKUTUNGAMIRIRWA KWAMUNOITWA NASHE. Vanongoramba vari hama nehanzvadzi dzedu. Tinofanira kudanana uye nekuremekedzana.
Zvino, regai kugumbukirana. Maona? Hasha dzinobereka hasha. Unozivachinoitika kutanga, unogumbura Mweya Mutsvene kubva pauri, paunenge uchidzorera nehasha. Ipapo Mweya Mutsvene unobhururuka woenda. Hasha dzinobereka hasha.
Nezvakataurwa nemuporofita pano, handidi kugumbura Mweya Mutsvene. Handidi kupinda munharo. Tinogona kugoverana pfungwa pamwe chete murudo, asi kwete kupopotedzana. Kana ndataura chinhu chagumbura munhu pane zvandakanyora kana kutaura, ndapota ndiregerereiwo, sandicho chinangwa changu.
Sezvo ndakambotsanangura kare, ndinonzwa kudanwa muhupenyu hwangu kubva kuna Ishe kuti ndinongedze vanhu kuIzwi raMwari ranhasi. Vamwe vashumiri vane kudanwa kwakasiyana, uye vane maonero akasiyana. Mwari ngavakudzwe, vari kuita zvavanonzwa vachitungamirirwa neMweya Mutsvene kuita. Shumiro yangu ndeyekungoudza Mwenga, “DZWANYA RIDZA” uye “Inzwi raMwari pamatepi ndiro Inzwi rakakoshesesa raunogona kunzwa.” “Ndinotenda kuti vashumiri vanofanira kuridza Inzwi raMwari pamatepi mumachechi avo.”
Tsamba dzandinonyora svondo rega ndedzechikamu cheMwenga unonzwa kuti chikamu cheBranham Tabernacle. Ndinoziva kuti vamwe vakawanda vanoaverenga, asi ndine basa rokuita sezvandinonzwa ndichitungamirirwa kuitira kerekei yedu. Kereke imwe neimwe inozvitonga; vanofanira kuita seku tungamirirwa kwavanoitwa naShe kuti vaite, izvozvo iShoko rizere. Handirwisani navo, inyaya yekuti hatiwonerani. Kana ndirini neBranham Tabernacle, tinongoda kunzwa Inzwi raMwari pamatepi.
Ndinokoka pasi rose kubatana nesu svondo rega. Ndinovakurudzira kana vasingakwanise kubatana nesu, kusarudza tepi, chero tepi ipi, vodzwanya nokuridza. Vachazodzwa zvisati zvakamboitika. Nokudaro, ndinokukokai svondo rino kuti mubatane nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichabatana pamwe chete tichinzwa, 63-0630E Hupenyu Hwako Hunokodzera iVhangeri Here?
Hama Joseph Branham