25-0803 Zvinhu Zvichazovapo

Mharidzo: 65-1205 Zvinhu Zvichazovapo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Zvizenga zvaMwari
 
Shoko rimwe nerimwe rakataurwa muShoko rino reNguvaitsamba yerudo kuMwenga wake. Kufunga kuti Baba vedu voKudenga vanotida zvikuru kwazvo, zvokuti Havasati vachingoda bedzi kuti tiverenge Shoko Ravo, asi vaida kuti tinzwe Inzwi Ravo richitaura kumwoyo yedu kuti Vagotiudza kuti: “Ndimi chirevo changu chipenyu, chizenga changu chipenyu, chandinogona kuratidza kunyika.”
 
Zvino kufunga kuti mushure mekuzvipira kwose kwaakaita pano panyika, hupenyu hwaAkararama, nzira yaAkafamba, Akangokumbira chinhu chimwe chete:

“Kuti pandinenge ndiri, naivo vavepowo.” Akakumbira kuyanana kwedu, ndicho chinhu chega chaakakumbira Baba mumunamato, hushamwari hwako nayenokusingaperi.”

Kwandinenge ndiri, “Shoko raKe,” ndiko kwatinofanira kunge tiri, kuti tigamuchire kuyanana Naye, hushamwari naye, nokusingaperi. Naizvozvo, tinofanira kurarama neShoko rose raakataura kwatiri pamatepi kuti tiveMhandara Shoko Mwenga Wake, ndizvo zvinotiita chikamu cheChikomba.
 
Ndicho CHIZARURO chaJesu Kristu munguva ino. Kwete zvaAiva pane imwe nguva, zvaAri NHASI. Shoko ranhasi. Mwari pavari nhasi. Ndicho Chizaruro chanhasi. Iko zvino chirikukura muMwenga, chichitisvitsa muchimiro chakazara chevanakomana nevanasika.

Tinozviona tiri muShoko ravo. Tinoziva kuti tiri vanaani. Tinoziva kuti tiri muchirongwa Chake. Iyi ndiyo Nzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi. Tinoziva kuti Kubvutwa kwave pedyo. Nenguva isipi vadiwa vedu vachaonekwa. Ipapo tichaziva: Kuti tasvika.  Tose tiri kuenda Kudenga…hongu, Kudenga, nzvimbo chaiyo inobatika seino.

Tiri kuenda kunzvimbo chaiyo kwatichaita zvinhu, kwatichagara. Tichange tichishanda. Tichinakidzwa. Tichararama. Tiri kuenda kuHupenyu, kuHupenyu Husingaperi chaihwo. Tiri kuenda kuDenga, kuparadhiso. Sekushanda kwaiita Adhama naEvha, nokurarama, nokudya, nokunakidzwa, mubindu reEdheni chivi chisati chapinda, tiri munzira yedu kudzokera ikoko zvakare, iko chaiko, kudzoka chaiko. Adamu wekutanga, kubudikidza nechivi, akatibudisa kunze. Adamu Wechipiri, kubudikidza nekururama, anotidzosa mukati zvakare; anotiruramisa uye otidzosera mukati.

Mumwe munhu angaise mamwe mashoko sei, ekuti izvi zvinorevei kwatiri? Mazvirikwazvo ekuti tiri kuenda kuparadhiso kwatichagara pamwechete nokusingaperi. Hapasisina kusuwa, kurwadziwa kana kusuwa, runakisiso pamusoro perunakisiso.
 
Mwoyo yedu iri kufara, mweya yedu iri kubvira mukati medu. Satani ari kuwedzera kumanikidzwa patiri zuva nezuva, asi tinongoramba tichifara. Sei:

  • TINOZIVA, KUTI TIRI VANA AANI.
  • TINOZIVA, HATINA, UYE HATISIKUZOMUKUNDIKA.
  • TINOZIVA, TIRI MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA.
  • TINOZIVA, AKATIPA CHIZARURO CHECHOKWADI CHESHOKO RAKE.

Hama Joseph, munonyora zvimwechetezvo svondo rega. KUBWINYA, ndichazvinyora svondo rega nokuti Anoda kuti uzive kuti anokuda sei. Kuti iwe uriani. Kuti uri kuenda kupi. Mumvuri wave kuva chinhu chinobatika. Uri Shoko rave kuva Shoko.

Mudiwa pasi rose, huyai mubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, parunhare, kwete nokuti “ini” ndinokukokai, asi nokuti “IYE” anokukokai.  Kwete nokuti “ini” ndasarudza tepi, asi kuti tinzwe Shoko nechikamu cheMwenga pasi rose panguva imwe chete.

Tingacherechedza here kuti zvinogoneka kuti Mwenga anzwe Inzwi raMwari pasi rose, vose panguva imwe chetechaiyo? Zvinogoneka chete nokuda kwaMwari. Mwari vakaita kuti muprofita azviite mutumwa wake achiri panyika. Akakurudzira Mwenga kuti vabatane mumunamato, VOSE PANGUVA IMWEYO YEJEFFERSONVILLE, 9:00, 12;00, 3:00; zvakakura sei zvino, kuti Mwenga anogona kubatana seCHINHU CHIMWE kuti anzwe Inzwi raMwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete?

Hama Joseph Branham

Mharidzo: Zvinhu Zvinofanira Kuitika 65-1205
 
Magwaro:    
Mateo 22:1-14    
Johane 14:1-7
VaHebheru 7:1-10