25-0713 Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-1128M Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mhuri yaJesu Kristu,

Pane chinhu chiri kuitika zvisati zvakamboitika neMwenga waKristu pasi rose. Zvinhu zvatakanzwa nezvazvo uye tichishuvira kuzviona zvino zvave kuratidzwa pamberi pemeso edu.

Mweya Mutsvene uri kubatanidza Mwenga Wakesezvo Akataura kuti Achaita, nenzira YakeCHETE yaakapa kuzuva ranhasi, Inzwi raMwari pamatepi.

Ari kuzarura nekusimbisa Shoko Rake zvisina kumboitika kare. Kufanana nechitubu, Chizaruro chiri kutubuka mukati medu.

Kubatana kwepamweya kwaKristu neKereke yake zvino, apo nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rava kuva nyama, richiratidzwa, richisimbiswa. Izvo chaizvo zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, zviri kuitika, zuva nezuva. Sei, zviri kuwedzera nekukurumidza chaizvokunze uko, mumarenje, nezvinhu zviri kuitika, zvekuti handichatokwanisa kufambirana nazvo.

Zuva rega Chizaruro chakavedzerwa chiri kuzarurwa uye nekuratidzwa kwatiri. Sezvakaitika kumuporofita, zvinhu zviri kuitika uye zviri kuitika nekukurumidza, kusvikira tave kutadza kufambirana nazvo…KUBWINYA!!!

Nguva yedu yasvika. Magwaro ari kuzadzikiswa. Nyama iri kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Izvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita kuti zvichaitika zviri kuitika zvino.

Sei isu?

Hapana mbiriso, kana ruzha rusinganzwisisike, hapana dudziro yemunhu inodiwa pakati pedu. Tiri kungoteerera kuShoko Rakachena Rakakwana kubva pamuromo waMwari apo Anotaura kwatiri muromo ku nzeve.

Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, dzimwe vimbiso dzose idzi kubva nhasi, raitwa nyama, richigara pakati pedu, ratakanzwa nenzeve dzedu; zvino tinoMuona (nemeso edu) achidudzira Shoko RakeAmene, hatidi dudziro yemunhu.

Mwenga, hazvaigona kujeka kupfuura izvozvo.  NdiMwari, akamira pamberi peMwenga wake munyama yemunhu, watinokwanisa kuona nemeso edu, achitaura nekududzira Shoko Rake, nekuriisa pamatepi. Shoko Rakakwana rakataurwa nekurekodhwa naMwari paChake, nokudaro haridi dudziro yemunhu.

  • • Mwari ari kutaura zvakananga kuMwenga wake, pamatepi.
  • • Mwari achidudzira Shoko Rake paChake, pamatepi.
  • • Mwari achiZvizarura, pamatepi.
  • • Mwari vachiudza Mwenga wavo, haudi dudziro yemunhu, Shoko Rangu pamatepi ndiro chete ZVINODIWA NEMWENGA WANGU.

Rangarira, paunobva pano, tanga kubuda muchikwande zvino; wave kupinda mumbeu, asi chigara muHupo hweMwanakomana. Usawedzera, zvandakataura; usabvisa, zvandakataura. Nokuti, ndinotaura Zvokwadi semaziviro andinoita, sokupiwa kwandakaitwa naBaba. Unoona?

Mwari vakagadzira NZIRA CHETE YAKAKWANA kuti Mwenga aite sezvaakatirayira kuti tiite. Izvi hazvina kubvira zvakwanisika, kusvikira nhasi. Hapana zvekufungidzira, hapana zvekushamisika, hapana mubvunzo wekuti pane chinhu chakawedzerwa, chakabviswa, kana kududzirwahere.  Mwenga wakapiwa Chizaruro chechokwadi: KURIDZA MATEPI NDIYO NZIRA YAMWARI YAKAKWANA.

Dzimwe nguva, regai ndizvitaure zvakare. Chizaruro changu ndechekuti Mwenga waJesu Kristu, kwete vamwe, MWENGA, haudi CHIMWECHINHU asi Inzwi raMwari pamatepi.  

Asi kana Mweya Mutsvene iwoyo wanyatso…Shoko rechokwadi rauya mauri (Shoko, Jesu), zvino, hama, Shoko reNguva harisisirichakavanzika kwauri ipapo; unoriziva, hama, Zvose zvajeka pamberi pako.

Shoko reNguva harisisiri chakavanzika kwandiri. Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.  Denga rose nenyika zvinonzi Jesu. Jesu iShoko.

Uye Zita riri muShoko nokuti Iye iShoko. Ameni! Zvino Iye chii? Shoko rakadudzirwa ndiko kuratidzwa kweZita raMwari.

Mwari ari kubatanidza Mwenga waKe ne’Nzwi Rake, raAkarekodha uye akarichengetera nhasi, kuti Akwanise kuunza Mwenga Wakepamwechete seChinhu Chimwe. Mwenga achazviona uye oZvicherechedza seNZIRA CHETE yaAnogona kuunza Mwenga wake pamwe chete.

Akazviita makore 60 apfuura kutiratidza kuti aizozviita sei nhasi. Isu tiri “imwe yekereke dzake dzakabatana parunhare”

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Taiva nadzo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yekereke dzangu.

Vashumiri vazhinji vanoudza makereke avo kuti “hook-up” kana “streaming”, “kuteerera kuMharidzo imwe chete panguva imwe chete”, hakusi kuenda kuchechi. ASI MUPOROFITA ATI KUENDA KUCHECHI IKOKO! Ivo havazivi Shoko kana kuti havagone kuverenga tsamba yerudo sezvinoita Mwenga.

Chechi chii? Ngationei zvakataurwa nehama Branham kuti chechi chii.

Vungano zhinji, zhinji dzakawana kaitiro aka katakaita pano patabhenakeri. Takabatanidzwawo parunhare kuPhoenix, kuti kwese kune masevhisi, zvinopinda mu…Vanoungana mumachechi nemudzimba, nezvimwe zvakadaro, kubudikidza nemasaisai erunhare akanaka kwazvo.

Hama Branham vanotaura zvakajeka kuti vanhu “mudzimba” dzavo uye “ne zvimwe zvakadaro” dzaive dzimwe dzemakereke avo parunhare.  Nokudaro misha, zviteshi zvepeturu, zvivakwa, mhuri dzakaungana pamwe chete kuteerera parunhare izvozvo zvakavaita chechi.

Ngativerengei zvimwe muTSAMBA ye RUDO. 

Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana pama ma—ma—zvimamicrophonezviduku kunze uko, munyika, kusvikira kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, kwavakaungana. Takasiyana nema hour mazhinji, munguva, asi, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe, vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia. 

Saka kuva paRunhare, vachiteerera Hama Branham VOSE PANGUVA IMWE CHETE; vaive pamwe chete sechinhu chimwe, vatendi, vakamirira Kuuya kwaMesiasi.

Asi iwe urikuti kana ukadaro nhasi, izvozvo hakusikuenda kuchechi, zvakaipa, hakusi kuungana pamwe chete zvikuru sei sezvatiri kuona zuva richiswedera, hakusi kuenda kuchechi?

Rega ndikubvunze mubvunzo uye iwe upindure ungano yako. Dai Hama Branham vanga vari pano nhasi, munyama, uye maikwanisa ku“streamer” kana kuvateerera parunharemangwanani eSvondo ega, panguva imwe cheteyo neMwenga pasi rose, vafundisi, maibatana nevamwe parunhare here kunzwa Hama Branham kana kuti maizoparidza muri imi?

Hama Branham vanotaura pachena kuti basa rako ikereke yako. Dai wanga uri pano makore 60apfuura uye Hama Branham vaine sevhisi, asi chechi yako yanga isiri kuenda asi iine sevhisi yayo (vashumiri vazhinji kumashure ndo zvavakaita), waienda ku“kereke yako” here, kana kuti waienda ku“Branham Tabernacle” kuti unonzwa Hama Branham?

Ndichakupa mhinduro yangu. Ndaitomira pamusuwo kuchinaya, mu chando kana mudutu remhepo kuti ndipinde muTabernakeri kuti ndinzwe muporofita waMwari. Kana NDAIENDA kuchechi ikoko, ndaitochinja chechi manheru iwayo.

Asi mudzimai uya, akange asingazivi kuti simba rakanga riri mutsvimbo here kana kuti kwete, asi aiziva kuti Mwari akanga ari muna Eria. Ndiko kwaiva naMwari: mumuporofita Wake. Akati, “NaJehovha mupenyu uye nomweya wenyu mupenyu, handisi kuzokusiyai.”

Ndinokukokai kuti mubatane nesu uye muve imwe yemachechi eHama Branham pamusi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitiunzira Mharidzo: Nzvimbo Chete Yakapihwa naMwari Yokunamatira  65-1128M.

Hama Joseph Branham