25-0615 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

Mharidzo: 65-1125 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waMwari Wakasanangurwa
 
Hapana nzira yekuzvinzvenga nayo, muri Chizenga cheMweya chaMwari, chiratidzo chehunhu hwepfungwa Dzake, uye makange muri Maari nyika isati yavambwa.
 
Hatikwanisi kupfuurira mberi pane zvatiri, takafanana netsanga imwe chete yakapinda muvhu. Tiri Jesu mumwe chete, muchimiro cheMwenga, tiine simba rimwe chete, Chechi imwe chete, Shoko rimwe chete richirarama uye richigara matiri richiumbika kufanana nemusoro, TAGADZIRIRA KUBVUTWA.
 
Akatiudza kuti takapatsanurwa kubva pamuchato wedu wepakutanga, kubudikidza nerufu pamweya, uye zvino tazvarwa patsva, kana kuti taroorwa zvakare, pamuchato wedu mutsva wepaMweya.  Hapasisina hupenyu hwedu hwekare hwepanyama nezvinhu zvenyika, asi zveHupenyu Husingaperi. Chizenga chaive matiri pakutanga, chatiwanikidza.
 
Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti bhuku redu rakare raenda nemuchato wedu wekare, raendeswa kumwe. RAVE ZVINO mu“Bhuku Idzva” raMwari; kwete bhuku rehupenyu… kwete, kwete, kwete…asi muBhuku reHupenyu reGwayana.  Izvo zvakadzikinurwa neGwayana.  Ndiro gwaro redu remuchato uko Chizenga chedu cheZiendanakuenda chinobatirira.
 
Wagadzirira here? Hezvo zvouya. Chitanga zvino kuzvitswinya nekugadzirira kusheedzera neku danidzira uchiti kubwinya, hareruyah, Mwari ngavakudzwe, ipfuti inorowa kaviri nembumburu dzekudenga.
 
“Unoreva here kundiudza kuti bhuku rangu rakare nekukanganisa kwangu kwose, kukundika kwangu kwose …”
 
Mwari akazviisa mugungwa rekukanganwa, uye hauna kungoregererwa chete, asi wakaruramiswa….Kubwinya! “Kururamiswa”
 
Uye izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti hauna kutombozviita muMaziso aMwari.
 
Unomira wakakwana pamberi paMwari. KUBWINYA!  Jesu, Shoko, akatora nzvimbo yako. Akava iwe, kuti iwe, mutadzi ane tsvina, uve Iye, SHOKO. Isu tiri SHOKO.
 
Zvinotiita Chizenga chake chiduku chakatemerwa kubva pakutanga. Tiri Shoko riri kuuya pamusoro peShoko, peShoko, peShoko, peShoko, uye tiri kusvika pachimiro chakazara chaKristu kuti Auye kuzotitora kuti tive Mwenga wake.
 
Chii chiri kuitika ZVINO?
 
Ndiko Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu urikuvungana paShoko, kubva pasi rose.

Izvi zvinoenda kunyika yose. MuNew York, ikozvino yave 11:25. Kumusoro uko kuPhiladelphianenzvimbo dziri ikoko, vatsvene vanodikanwa vagere ikoko vachiteerera, iko zvino, mumachechiakapoteredza. Kumusoro, zasi nzvimbo dzeku Mexico, kumusoro uko kuCanada nekumativi ose, mhiri. Mamaira 200, chero mukati menyika yeNorth America kuno, zvinenge, vanhu vari pazviri, vachiteerera iko zvino. Zviuru zvakapetwa kazviuru, zvirikuteerera.
 
Uye ndiyo Mharidzo yangu kwamuri, Kereke, imi muri mumuchato, muchato wemweya neShoko,

Akati Waiva muchato wepamweya waKristu neKereke yake, uye Zviri KUITIKA IKOZVINO. Nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Takaratidzwa, uye takasimbiswa; zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, uye Zviri kuitika ikozvino, zuva nezuva mune mumwe nemumwe wedu.  
 
Mwari vachava ne Kereke yakachena.  Mwenga wake wechokwadi, wakatendeka, Shoko Mwenga. TISU MADZIMAI WAKASANANGURWA waIshe wedu Jesu Kristu.
 
Inguvai, Changamire?

Tine chizaruro mumazuva ano ekupedzisira, cheShoko raShe Mwari kuvunganidza Mwenga Wake pamwe chete. Hapana rimwe zera pazvakavimbiswa. Zvakavimbiswa muzera rino: Maraki 4, Ruka 17:30, Johane 14:12, Joere 2:38. Vimbiso idzodzo dzakangofanana naJohane Mubapatidzi paakazvizivisa muMagwaro.

Ndiani akazadzika magwaro aya?
 
Mutumwa wake mukuru wechinomwe, William Marrion Branham. Aigara achizviita achitevedzera muenzaniso. Akazviita nguva dzose achitevedzera muenzaniso. Anozviita zvakare muzuva redu, achidana nekuunganidza Mwenga wake wakachenamuzuva rekupedzisira kubudikidza nemuprofita Wake.
 
Inguva inobwinya sei iyoMwenga ari kuvanayo. Kuvungana kwega kunowedzera kukura nekukura uye kunaka nekunaka. Hakuna kumbova nenguva yakadai. Kupokana kwese kwanyangarika.
 
Huya ubatane nesu apo tichange tichinzwa Shoko rakavimbiswa rezuva redu richitaura, uye richitiudzakuti tiri vanaani uye nezvirikuitika muzuva redu.Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu 65-1125.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro:
Mateo 24:24
Ruka. 17:30 / 23:27-31
Johane 14:12
Mabasa 2:38
VaRoma 5:1/7:1-6
2 Timotio 2:14
1 Johani 2:15
Genesisi 4:16-17 / 25-26
Dhanieri 5:12
Joere 2:28
Maraki 4