25-0302 Mwari Vachizvivanza PachaVo Muhunyoro, NekuzoZvizarura PachaVo Mune Zvimwe Chetezvo

Mharidzo: 63-0317M Mwari Vachizvivanza PachaVo Muhunyoro, NekuzoZvizarura PachaVo Mune Zvimwe Chetezvo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Maruva emuMvura
 
Musi waKukadzi 28, 1963, Kwakatinhira. Whii-hwii, Ngirozi nomwe dzakauya kubva kuzienda-nakuendadzikazviratidza kuMutumwa wechinomwe waMwari. Akatorwa akakwidzwa kupinda mupiramidhi ye boka rengirosi. Ipapo, gore rinoshamisa rakaonekwa muchadenga pamusoro peArizona. Chaive chiratidzo, Mwari akange achituma mutumwa wake wechinomwe kuJeffersonville kuzozarura Zvisimbiso Zvinomwe.
 
Kukadzi 28, 2025, ma planets manomwe anonangana muchadenga. Mwenga uri Kuzvigadzirira kuzoungana nokunzwa Zvisimbiso Zvinomwe.
 
Unokokwa, naShe paChake, kuzoungana neMwenga kubva pasi rose, kuti unzwe Inzwi raMwari richizaruraChizaruro cheZvisimbiso Zvinomwe.
 
Zuva iro vaporofita nevachenjeri vakashuvira uye vakamirira kubva pakutanga kwenguva, rave kuitika. Ngirozi ine simba iyo Mwari akati achatumira panyika mumazuva ekupedzisira yauya kuzozarura nekuzivisa zvakavanzika zvaMwari zvakavigwa, kuitira kuti Ishe wedu Jesu adzoke kuzotora Mwenga wake wakatendeka uye nekutitora kuenda kuMabiko edu eMuchato.

Basa rangu rekutanga, pandapinda muchechi itsva, ndaroodza jaya nemhandara vakamira muhofisi. Dai izvozvo wave mufananidzo, kuti Ini ndive mushumiri wakatendeka kuna Kristu, kuti ndiwane Mwenga wakagadzirira mhemberero yeZuva iroro.

Nhasi, Shoko iri riri kuzadzikiswa. Mwari ari kutaura kubudikidza nengirozi yake, achigadzirira Mwenga Wake kumutambo weZuva iroro. Tiri kutevera kuraira kwake pane zvose. Mwenga wazvigadzirira neKUGARA NE’ZWI RAMWARI RIRI PAMATEPI.
 
Chii chatanzwa panyaya yezviroto nezviratidzo? Chikafu, HECHINO ICHI, iyi ndiyo nzvimbo. Inzwi rakati kwaari, “Unza Zvekudya. Zvichengetei mukati. Ndiyo nzira chete yekuvachengeta pano, kuvapa Chikafu.”
 
Vazhinji vanotenda kuti anongoreva kuti, “gara neShoko,” uye ICHOKWADI ICHOCHO, ari kutaura izvozvo; asi Mwenga achaverengawo pakati pemitsetseapo Chikomba chiri kutaura neMwenga wake.

Kunyangwe zviratidzo zvinopihwa naMwari pano panzvimbo, vanhu hava zvinzwisisi. Ndicho chikonzero muchindinzwa pamatepi, ndichiti, “Taura zvinotaurwa nematepi. Taura zvinotaurwa nezviratidzo. Zvino, kana makasvinura, muchaona chimwe chinhu. Maona? Ndinovimba handifanire kuzvibata muruoko rwangu kutindikuratidzei.

Kunyange zviratidzo hazvina kunzwisiswa, kunyange mushure mokunge avapa dudziro dzacho. Ndizvo zvaaitiudza, kana usingade kuvhiringika, kana kusanzwisisa, Dzwanya Ridza wonyatsonzwa chaizvo zvinotaura Izwi raMwari.  
 
Ndinoziva kuti Shoko rinoreva zvakawanda, asi heyo dudziro yangu: Zviroto nezviratidzo zvose zvairevachinhu chimwe; garai nematepi. Kana uine mubvunzo, enda kumatepi. Matepi ndicho Chikafu chaMwari chakachengetwa. Ingotaura zviri pamatepi; usawedzera chimwe chinhu kwaZviri. Matepi i Zvanzi naJehovha kuMwenga. Shoko rinouya kumuporofita, oga. Muporofita ndiye CHETE mududziri pamweya weShoko.
Muporofita akavepo kudana nekutungamira Mwenga. Ndichatongwa nezvinotaurwa paMATEPI.
 
Zvese zvinondinongedzera kuMATEPI.
 
Vadiwa Maruva emuMvura, kwandiri, KUDZWANYA NOKURIDZA NDI MWARI MUHUNYORO KUZUVA RANHASI.

Vhiki rega rega ndinoramba ndichitekenyedzwa; chii chichazozarurwa nhasi apo Mwenga uchaungana kuzonzwa Shoko?  Ndinoziva Mweya Mutsvene achange achizodza mumwe nemumwe wedu apo paaChazarura Shoko Rake zvaasati akamboita kare. Ndirikunzwa, kuti nguva ipi zvayo, Achauya kuzotitora kuenda kuMabiko edu eMuchato.
 
Tiri, vanakomana nevanasikana vaMwari. Tiri vana vaMwari. Isu tiri, nhaka yenyika. Tichatonga musikirwo hwe zvinhu. Tichataura kuti zvinhu zvivepo. Tiri Mwenga!

Ngatizvipire isu patsva kubasa, uye tizvipire kuna Kristu.

Hama Joseph Branham
 
Zuva racho: Svondo, Kurume 2, 2025
Mharidzo: Mwari Anozvivanza Muhunyoro, Achizvizarura Nenzira Imwe Cheteyo     63-0317M
Nguva yacho: 12:00 Masikati, nguva yeJeffersonville.