Mharidzo: 61-0730E Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya KwaGabrieri Kuna Dhanieri
- 25-0209 Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya KwaGabrieri Kuna Dhanieri
- 16-1125 Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya KwaGabrieri Kuna Dhanieri
Mudiwa Mwenga Arikufara,
Takaringira zviso zvedu kuDenga mumunamato nemukukumbira kuti tiwane zuva nenguva chaiyo yatiri kurarama mairi.
Sezvisina kumboitika kare, tigere pamwe chete munzvimbo dzekudenga, kubva pasi rose, tichinzwa Mwari achitaura uye achizarura Shoko Rake kwatiri kuburikidza nemutumwa Wake ane simba guru. Ngirozi mutumwa wepanyika uyo Baba vakatuma kuMwenga wake muzuva rino rekupedzisira kuzarura Shoko rake.
Gabrieri ndiye ngirozi kuvanhu vakasarudzwa vaMwari, maJuda. Asi kuMwenga wake wemaRudzi, Merikizedeki paChake akauya ndokutaura ari munyama ari mungirozi yepanyika yainzi William Marrion Branham, kuti Akwanise kutaura nekuzarura Shoko Rake ROSE kuMwenga wake waanoda wepamoyo.
Akaita kuti rirekodwe, richengetwe, uye nekuchengetedzwa, kuti Mwenga ave neChikafu Chake chepamweya, Manna yakavanzika, pamawoko akeminiti yega yega yezuva rega rega kusvikira pakuguma kwenguva.
Munhu wedu wemukati ari kuzadzwa nechizoro chikuru apo tiri kunzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko rake kwatiri. Kuti ano bhedhenura sei Shoko rake kwatiri kuti tinyatsoona uye nokunzwisisa zvarinoreva. Riri kuzarura nguva chaiyo yatiri kurarama mairi, richitiudza kuti tiri vanaani uye nezvichaitika nokukurumidza; Kubvutwa kwedu uko kwave pedyo.
Ari kutozarura kuMwenga wake zvichange zvichiitika panyika apo tichange tinaye paMabiko emuMuchato. Uye kuti achazarura sei meso akapofomadzwa evasanangurwa vake; avo Iye akapofomadza nokuda kweMwenga wake wemaRudzi.
Shamwari dzangu, ndinozviziva kuti taneta sei nenyikaino uye tinoshuvira kuuya Kwake kuti atitore, asi ngatifarewo nekutenda pane zviri kuitika izvozvi pamberi pemeso edu.
Ngatisimudzei maoko edu, mwoyo yedu, manzwi edu, uye tifare. Hatisi kungotarisira chete kune zvaAchazotiitira munguva pfupi iri kutevera, asi ngatifarei pamusoro pezvaari kuratidza uye kutiitira iye ZVINO.
Ari kutiudza kuti tiri Mwenga Wake waakafanotemeratichibatana Naye neShoko Rake. Ari kutivimbisa nguva nenguva, tiri muKuda Kwake kwakakwana nokugara neInzwi Rake, Shoko Rake, ngirozi Yake. Akatipa KUTENDA mukuziva nokucherechedza zvatiri:
SHOKO RAKE RIRI KURARAMA MUNYAMA.
Hatina chekutya; Hapana chekunetsekana nacho; Hapana chekusuwa nacho. Ndinoziva sei izvozvo? MWARI AKATAURA KUDARO! SAKA NGATIPEMBEREI, TIFARE, TITENDE; SHOKO BENYU RINORARAMA UYE RINOGARA MUKATI MEDU. TIRI MBEU YAKE YEHUMAMBO YEPAMUSOROSORO.
Ndinotenda chaizvo kuti naivo Ishe varikufarawomukuziva kuti nguva yasvika uye kuti isi tagadzirira kubidikidza nokugara takavimbikana nokutendeka kuShoko Ravo.
Sekamukomana kadiki kakatarisa mugirazi kekutanga, tiri kutarisa muShoko raKe, tichiona kuti TIRI VANAANI. Ishe…NDINI. Ndiri Mwenga weShoko renyu rinorarama. Ndini wamakasarudza. Ndiri maMuri, Imi muri mandiri, tiri Mumwe.
Tingarega sei kupembera nekuva vanhu vanofarakupfuura vose vakambogara pamusoro penyika? Vatsvene vose nevaporofita vakatitangira vaida kurarama muzuva ranhasi vachiona zvipikirwa izvi zvichiitika. Asi neNYASHA dzaMwari, akatiisa pano ISU.
Tanonokerwa:
Brrrr! Ini zvangu! Whew! Nemamwe manzwi, kana muvengi abviswa, kuguma kwechivi kwasvika, kuunzwa kwekururama kusingaperi kwasvika, Satani avharirwa mugomba rakadzika-dzika, uye ruzivo rwaIshe ruchifukidza nyika sekufukidza kunoita mvura gungwa. Ameni! Mwari ngavakudzwe! Zviri kuuya, hama, zviri kuuya!
Chizoro chakadii chichaitika musi weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichaungana pamwe chete kubva pasi rose kuti tinzwe mutumwa waMwari, Inzwi raMwari kuMwenga, richitiunzira Mharidzo: Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya kwaGabrieri Kuna Danieri 61-0730E.
Hama Joseph Branham