Vadiwa Avo Vakagadzwa Humwana,
Mwaka wenguva yeChando wakanakisisa sei watinawoapo Mweya Mutsvene ari kuvhenekera Shoko rake kuMwenga zvisina kumboitika kare. Zvinhuzvatakambonzwa, kuverenga nekudzidza hupenyuhwedu hwese zvino zvave kuzarurwa nekubhedhenurwazvisina kumboitika.
Vanhu vanga vakamirira zuva rino kwezviuruzvemakore. Vese vaishuvira uye nekunamata kutivanzwe uye vaone zvinhu zvatinoona nekunzwa. Kunyange vaporofita vekare vaishuvira zuva iri. Vaidasei kuona kuzadzikiswa uye nekuuya kwaShe.
Kunyange vadzidzi vaJesu, Petro, Jakobho, naJohane, varume vakafamba uye nekutaura Naye, vakashuvakuona nokunzwa zvose zvakanga zvakavanzika. Vakanamata kuti zvizarurwe nokuratidzwa muzuvaravo, munguva yavo.
Mumazera ose Manomwe emaKereke, mutumwa wegawega, Pauro, Martin, naLuther, vaida kuzivazvakavanzika zvose zvakange zvakavanzwa. Chishuvochavo chaive chekuona kuzadzikiswa kweShokokuchiitika munguva yavo. Vaida kuona kuuya kwaShe.
Mwari aive nehurongwa. Mwari aive nenguva. Mwariaive nevanhu vaakange akamirira…ISU. Mumazeraose, zvose zvakange zvakundika. Asi Aiziva, nokufanoziva kwaKe, paizova nevanhu: Mwenga waKeweShoko unobwinya wakakwana. HAVASAIZO MUKUNDIKA. Havasaizo rerutsa KANA PASHOKO RIMWE. Ndivo vaizove Mwenga Wake weShokoMhandara yakachena..
Iye zvino ndiyo nguva. Iye zvino ndiwo mwaka. Isu tisuvasanangurwa vaakamirira
kubva pakapunzika Adhamu akarasikirwa nekodzeroyake. TIRI MWENGA WAKE.
Mwari akaratidza Johane mukufanowonekwa kwezvosezvaizoitika, asi akanga asingazivi zvose zvazvaireva. Wakati adanwa kumusoro, akaona muruoko rwerudyirwaiye wakange agere pachigaro choushe bhukurakanyorwa mukati, rakanamatidzwa nezvisimbisozvinomwe; asi kwakange kusina munhu wakakodzerakuti azarure bhuku.
John akaridza mhere akachema zvairwadza nokutizvose zvakange zvarasika, pakange pasisina tariro. Asingavarumbidzwe Ishe, mumwe wavakuru akati kwaari: “Usachema, nokuti tarira, Shumba yerudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, Yakakunda kuti izarure bhuku, nokusunungura zvisimbiso zvinomwe zvacho.
Ndiyo yaive nguva. Ndiwo waive mwaka. Ndiye murumeakange asarudzwa naMwari kuti anyore zvosezvaakaona. Asi zvakadaro, Rakange risingazikanwizvose zvaraireva.
Mwari akange akamirira uye nekumirira mudziyo Wake wakasanangurwa, mutumwa Wake wechinomwe, kutiauye panyika, kuti Ashandise inzwi rake kuva InzwiraKe, kuMwenga Wake. Aida kutaura muromo kunzevekuti pasave nekusanzwisisa. Iye Pachake, aida kutauranokuzivisa zvakavanzika zvake zvose kuMwenga Wake waanoda, uyo wakafanotemerwa, wakakwana, anodikanwa…ISU!!
Aishuva sei kutitaurira zvinhu zvose izvi zvinoshamisa. Sezvo murume anoudza mudzimai wake kuti anomudanguva nenguva, uye iye haamboneta nekuzvinzwa, Anoda kutiudza nguva nenguva kuti Anotida, akatisarudza, akatimirira, uye zvino ari kuuya kuzotitora.
Aiziva kuti tichafara sei kuMunzwa achizvitaura nguvanenguva, saka Akaita kuti Inzwi Rake riiswe pamatepi, naizvozvo Mwenga Wake waizogona ‘Kudzwanya nokuKuridza’ zuva rose, mazuva ose, nokunzwa Shoko Rake richizadza mwoyo wavo.
Mwenga wake wakaisvonaka wakazvigadzirira nokudyapaShoko Rake. Hatisi kuzoteerere chimwe chinhu, InzwiRake chete. Tinogona chete kudya Shoko Rake Rakachena iro ratakapiwa.
Tiri pasi pekutarisira kukuru. TinoZvinzwa mukatimemweya yedu. Ari kuuya. Tinonzwa mumhanziwemuchato uchirira. Mwenga uri kugadzirira kufambamumutsetse wekuenda kumurume wake. Munhu wesengaamire, Mwenga ari kuuya kuzobatana neChikombachake. Zvese zvagadzirwa. Nguva yacho yasvika.
Anotida kupfuura vamwe vose. Tinomuda kupfuuravamwe vose. Tichava Mumwe Naye, uye navosevatinoda, muzienda nakuenda rose.
Unokokwa kuti uuye kuzozvigadzirira kuitira muchatopamwe chete nesu musi weSvondo na12:00 masikati,nguva yeJeffersonville, apo tichanzwa Inzwi raMwaririchizarura Zvakazarurwa, Chitsauko 5 Part I 61-0611.
Hama. Joseph Branham
