24-1020 Zera ReChechi YeEfeso

Mharidzo: 60-1205 Zera ReChechi YeEfeso

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga weChokwadi,
 

Inguva inofadza zvakadini yatiri kuva nayoapo Hupenyu Hwake huri kuyerera uyehuchifamba mukati uye nematiri, huchitipahupenyu. Pasina Iye, pangadai pasinahupenyu. Shoko Rake ndiwo mweyawatinofema chaiwo.
 
Muzuva rino rakaipisisa rerima, tisu bokarake rezera rekupedzisira rasimuka; Mwenga wake wechokwadi wezuvarekupedzisira uyo uchateerera chetekuMweya, Inzwi raMwari rezuva redu.  
 
Tinoda sei kuMunzwa achitiudza kuti, “Kwandiri makafananidzwa negoridherakanatswa. Kururama kwenyu ndikokururama kwangu. Zvizenga zvenyuzvizenga zvangu zvino bwinya. MuriMwenga Wangu Wechokwadiwakaisvonaka”
 
Sezvo hondo dzedu dzichiita sedzirikuramba dzichiwedzera kuoma svondorega rega, tinongo Dzvanya Toridza kutitimunzwe Achitaura kwatiri zvinotapirauye achitiudza kuti, “Musazvinetse, makakodzera ivhangeri Yangu. Imi urichinhu chehunaku nemufaro. Ndinofarirakumuona pamunokunda muvenginemiedzo nemiedzo yeupenyu huno.”
 
Ndinoona kushingaira kwenyu kworudo; ndiko kudanwa kwepamusorokwehupenyu hwenyu kuti mundishumire. Ndakaziva nyika isati yavambwa kutimuchaziva mutumwa Wangu ane simbawaNdichatuma kuti ave Inzwi Rangukwamuri; uye kuti hamaizonyengerwa apomhumi dzinoparadza dzaizouyadzichiedza kutaura kuti dzine chizarurochakafanana. Hamaizotsaura pa Shoko rangu, kwete kana nguva ipi zvayo, KUNYANGE NEPADIKIDIKI. MaizogaraneShoko Rangu, Inzwi Rangu.
 
Maizoona pandinozarura Shoko Rangukwamuri kuti Muzambiringa weChokwadine muzambiringa wenhema zvakatangiramuBindu reEdheni kuti zvaizo kurapamwe chete sei mumazera ose. 
 
Zviya zvakatangira mukerekeyepakutanga zvaizoenderera mberimumazera ose. Kuti sei muzerarekutanga, muzambiringa wenhemawaSatani waizotanga kupinda, uyenekukunda wungano ne mweyawechinikoraiti. Asi ndinofara sei kuti imichete, Mwenga wangu wandakasarudza, hamuzonyengerwi.
 
Vhiki rino, ndichajekesa Shoko Rangumamuri nekuburitsa pachenachakavanzika chikuru chembeu yenyoka. Ndichakuzarurirai muzvinhu zvosezvakaitika mubindu reEdheni; kuti Sataniakapinda sei kuzvisanganisa murudzirwevanhu.
 
Ichange iri pfungwa inofadza zvikuru, pamucharangarira kuti Ini, MutiweHupenyu muBindu reEdeni, uyowakange usingagoni kusvikwa kwaurinokuda kwekupunzika kwa Adamu, zvinowapihwa kwamuri, Vakundi vangu.
 
 
Uyu ndiwo uchave mubairo wenyu. Ndichakupai maropafadzo eparadisoyaMwari. Kuyanana nguva dzose Neni. Hamuchazofi makaparadzaniswa Neni. Kwandichaenda, imi, Mwenga wangumuchaendawo. Zviri zvangu, ndichagoverana nemi, Mudikani wangu.
 
Mwoyo yedu inotakwaira sei mukati medupatinoverenga mashoko aya. Tinoziva kutikuzadzikiswa kwevimbiso Dzake kwavekukurumidza kuswika, uye zvotonetsakumirira. Deno takurumidza kuteereraShoko Rake kuti tiratidze kukodzerakwedu kugoverwa kubwinya Kwake.
 
 
Ndinoda kukukokai kuti muuyekuzobatana nesu apo tinoenderera mberinekudzidza kwedu kukuru kweMazeraManomwe eKereke, apo Mwari arikuzarura Shoko Rake kwatiri nenzira Yakeyaakapa, mutumwa Wake wechinomwe.  
 
Hama Joseph Branham
 
Svondo 12:00 P.M., nguvayeJeffersonville.
60-1205 Chizvarwa cheKereke yeEfeso