Mharidzo: 62-1007 Kiyi YepaMukova
Vadiwa Vabati veKiyi YeKutenda,
“Ndini Mukova kudanga remakwai. Ndini Nzira, Nzira chete, Zvokwadi, uye Hupenyu, uye hakuna munhu anouya kuna Baba asi nokwandiri. Ndini Mukova kuzvinhu zvose, uye kutenda ndiyo kiyi inozarura Mukova kuti ugone kupinda.
Pane ruvoko rumwe chete runogona kubata kiyi iyi, ndirwo ruvoko rwe KUTENDA. KUTENDA ndiyo kiyi yoga ino zarura vimbiso dzose dza Mwari. KUTENDA mubasa rake rakapera zvinozarura masuvo ose ku hupfumi hwese huri mukati me Humambo hwa Mwari. KUTENDA ndiyo Kiyi inopinda pose ya Mwari iri kuzarura MASUVO OSE KU MWENGA WAKE uye isu takabata Kiyi iyoyo MURUVOKO RWEDU RWEKUTENDA.
Kiyi iyoyo iri mumwoyo yedu, uye tinoti, “I Shoko ra Mwari; I vimbiso dza Mwari kwatiri, uye takabata kiyi yacho”. Saka, nechikamu chose chokutenda chatinacho, tisingapokani kana chidimbu, tinozarura masuvo ose anomira pakati pedu nemaropafadzo ayo Mwari anavo kwatiri. Kutenda kuno dzima moto unovhuvhuta. Kunozarura kupodzwa kuvarwere. Kuno zarura ruponeso. Tauya paMukova uye zvose zvatinoita pa shoko kana pabasa, tinozviita muZita Rake, tichiziva kuti tine kiyi yekutenda; uye ikiyi yakagadzirwa nemagwaro.
Hatina hanya nezvinofungwa nani, pane chinhu chimwe chechokwadi: Mwari VAKATIDANA, VAKATITEMERA, vakazarura Shoko Ravo KWATIRI, vakatiudza zvatiri, uye takatsunga kutevera Shoko Ravo, nokuti vakatidana kuti tive Mwenga Wavo.
Baba vakabata nyeredzi dzavo nomwe, Nhume dzavo nomwe, kumazera manomwe muruvoko Rwavo. Vakadzibata muruvoko rwavo, naizvozvo dzine chekuita nesimba Ravo. Ndizvo zvinomiririrwa neruvoko. Runo miririra simba ra Mwari. Uye hutongi hwaMwari.
Takabata Shoko Ravo muruvoko rwedu rwe Kutenda, zvichiratidza simba ne hutongi hwaMwari kuti zviri MUMAVOKO EDU uye Vakatipa KIYI yeku zarura zvose zvatingade. Ndiyo Kiyi Inopinda Pose ino zarura MASUVO OSE.
Zvino ndave kuziva kuti sei Mwari vakatipa zvigunwe zvishanu muruvoko rumwe narumwe; kwete 4, kwete 6, asi 5, kuti nguva yose yatinotarisa mavoko edu tinorangarira, tine KUTENDA kunozarura suvo rega.
Chiratidzo chekusingaperi kurudzi rwavanhu kuti tirege kukanganwa; tirangarire nguva dzose uye nekutora hushingi, kuti takabata KUTENDA mumavoko edu. Uye achasimudzira kutenda kwedu kwembeu ye masitadhi uye agotipa KUTENDA KWAKE KUKURU MUSHOKO RAKE RISINGA KUNDIKE, RISINGA GUMI IRO RISINGAKUNDIKE!!!
Tinogona kusimudza mavoko edu kuDenga, totambanudza zvigunwe zvedu paruvoko rwega tichiti kwaari, “Baba, tinotenda uye tine KUTENDA muShoko rega Ramakataura. I Vimbiso Yenyu, Shoko Renyu, uye muchatipa KUTENDA KWATINODA kana tikatenda chete….uye TINOTENDA.
Sezvo tisiri kuita Shumiro ye Chirairo chedu kusvikira husiku hwe musi we Shondo, Ndinoda kukukurudzirai kuti musarudze Mharidzo yamungada kunzwa ne Kereke yenyu, mhuri, kana dungamunhu, mangwanani emusi we Shondo, panguva inokuitirai zvakanaka. Zvirokwazvo hapana imwe nzira yekuyera nayo Kutenda kwedu asi chete nenzira yekunzwa Shoko; Nokuti KUTENDA kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rakauya kumuporofita.
Ngatibatanei zvino pamwe chete na 5:00 p.m. zuva rovira (nguva dze munyika menyu imomo) kuteerera ku Mharidzo, 62-1007 Kiyi Ku Mukova. Sezvaka shambadzirwa, ndinoda kuti iyi ive Shumiro Ye Chirairo yakatsaurwa, ichange ichiridzwa pa Voice Radio na 5:00 pm zuva rovira. (Nguva ye Jeffersonville) Munogona ku downloader nekuridza shumiro muChirungu kana mune mimwe mitauro nenzira yekudzwanya apa: LINK HERE.
Zvichifanana nedzimwe Shumiro Dze Chirairo Dze Mudzimba dzakare, panopera tepi hama Branham vanonamatira chingwa ne waini. Pachange paine mumhanzi we piano kwemaminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheChirairo. Ipapo, Hama Branham vachaverenga Gwaro rekugezana tsoka, kana vapedza kuverenga, Dzimbo dzeVangeri dzicharidzwa kwe maminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheshumiro yekugezana tsoka.
Mukana wakanaka wakadini watinawo kukoka Ishe wedu Jesu kudya nesu mumwe namumwe mudzimba dzedu, mumachechi, kana kupi kwamuri. Ndinamatireiwo pamunotaura Naye, sezvo ndichange ndichikunamatiraiwo zvirokwazvo.
Mwari vakuropafadzei,
Hama Joseph Branham