24-0526 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

Mharidzo: 65-0217 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

PDF

BranhamTabernacle.org

Baba, apo pane mutumbi wenyu, Zvapungu Zvenyu zviri kuungana pamwe chete. Muri kutipa zvekudya zve Mana Yenyu Yekudenga. Ipayi kumunhu wedu wemukati izvo zvatinonyatsoda. Tine nyota yekukudai, Baba. Tiri mumawoko enyu.

Tigere muhupo hwenyu, tichiibviswa nekunzwa Shoko renyu. Mwenga unofanira kufungisisa uye wotarisana nazvo. Nyaya ndeyekuti ndizvo kana kuti sandizvo. Kunzwa Shoko renyu rakasimbiswa, ndicho chinhu chinokoshesesa here chinofanirwa kuitwa ne Mwenga kana kuti kwete? Kana zvirizvo, ngatizviitei. Chirega kumbomira, tsvaga iko zvino icho chechokwadi, neicho chakarurama, uye wogara naichocho. Tinoziva kuti Ichokwadi, tinoziva kuti ndiyo nzira Yenyu yamakapa kuzuva rino.

Ndinofanira kudanidzira “Shumba yawomba, ndiani angarega kutya? Mwari wataura, ndiani unga rega ku porofita?” Tinozviona mu Shoko. Makazvivimbisa. Ndiani ungaramba akanyarara asingataure?

Hatidi pfungwa yoruzhinji. Tinoda Zvokwadi. Uye hatidi, isu (tinoda) hatidi ku – hatidi kutarisana nechimwe asi chete izvo zvakanzi na Mwari ndicho Chokwadi.

Nguva yasvika yekuti usarudze ngarava yaunoda kupinda mairi. Urikudya here pa Shoko rakaturwa richibva ku Mwanakomana wo Munhu amene, kana zvimwewo? Pane mumwe here arikukuudza kuti unofanira kunzwa mamwe manzwi kuti uwe Mwenga wake? Kuridza matepi mudzimba dzenyu kana muma chechi enyu hachizi chinhu chakakoshesesa chingaitwa no Mwenga?

Uri kuteerera inzwi raani? Inzwi iroro ririkukuudza kuti chii? Nderipi inzwi rauri kuisa mhuri yako neramangwana rezienda nakuenda remhuri yako mumawoko aro?

Handizi ini, akange asiri mutumwa wechinomwe, aiwa, kwete, Kwaive kuratidzwa kwe Mwanakomana we Munhu. Akange asiri mutumwa, shoko rake, chaive chakavanzika icho Mwari akabhedhenura. Haazi munhu; Ndi Mwari. Mutumwa akange asisiri Mwanakomana wo Munhu; akange ari nhume kubva ku Mwanakomana we Munhu; Mwanakomana wo Munhu ndiKristo; Ndiye Uyo wamuri kudya paari. Hamuzi kudya pamunhu; munhu, mashoko ake anokundika. Asi muri kudya paMutumbi-Shoko risinga kundike re Mwanakomana we Munhu.

Rega kuteerera ku inzwi ripi zvaro risingaisi Inzwi, Mutumbi–Shoko risingakundiki re Mwanakomana we Munhu, pamberi pako KUTANGA. Vanogona kuparidza, kudzidzisa, kana kuita zvose izvo Mwari akavadanira kuita, asi HAVAZI inzwi rinokoshesesa rauno FANIRA KUNZWA.

Kana vachitenda izvozvo, zvino vanofanira kuridza Inzwi iroropamunoungana pamwe chete vokuudza kuti “Inzwi iri

riri pamatepi, ndiro Inzwi rakakoshesesa kunzwa. Iroro, uye IRORO roga ndiro, ZVANZI NA JEHOVAH”

Nderipi Inzwi raunodisa? Seiko chikonzero akatapa inzwi rake pamatepi nekuri chengeta? Nderipi Inzwi iro Mwari akasarudza kutaura Shoko rake muzuva redu.

Nemuporofita waakapa, uyo waakagadza kuenda uko uye kunodanidzira shoko, zvino, zvakaita sekunge aigona kunge akatuma mumwe muporofita, asi akagadza Jona, uye kunyange Eria haigona kuzviita, Jeremia haigona kuita, Mosesi haigona kuita, akange ari Jona ndiye aifanira kuenda ku Ninivhe. Ndozvose zvazvakange zviri. Wakamutuma akamuudza kuti aende. Uye kana ati “Enda uko, Jona, enda ku Ninivhe” hakuna mumweba anogona kundozviita kunze kwa Jona.

Mwari wakatitemera kuhupenyu uhu. Inzwi Iri rinotaura ma Shoko Ehupenyu Husinga peri kwatiri. Kwatiri, ndiyo nzira yakapiwa na Mwari. Ndiyo ngarava yedu. Kana uri mungarava inoenda Tashishi buda imomo nguva isati yapera.

Kana wanga uri kunetsekana, kana uine mibvunzo pamoyo wako kuti woenda kupi kana kuti woitei, uya ubatane nesu. Pinda mungarava nesu. Tiri kuenda ku Ninivhe, kuno danidzira. Tiri kuregedza ngarava ye Tashishi ichinyura kana vachida kudaro. Tine basa pamberi pa Mwari, ndiro Shoko ratinebasa naro.

Handizi kuti kana uchienda ku chechi kusingaridzwi matepi, ingarava inoenda ku Tashishi, asi kana paine UMWE asiri kuisa Inzwi ra Mwari pama tepi seinzwi rinokoshesesa rauno fanira kunzwa, nyatso tarisisa kuti ndiani arikutungamirira ngara yako uye kuti iri kuenda kupi.

Ndinokukokai kuti mubatane nesu musi we Shondo na 12:00 masikati nguva ye Jeffersonville, apo mutungamiriri we ngarava yedu achange achitaura uye achiunza kwatiri Mharidzo: Murume arikutiza kubva pamberi pa Jehovah 65-0217

Ngatitangei rumutsiriro urwu zvakanaka. Ndizvoka! Makamirirei? Tinotenda kuti kuuya kwa She kwave pedyo, vachava neMwenga, uye wakagadzirira. Uye hatidi ngarava dzinoenda ku Tashishi ipi zvayo. Tiri kuenda ku Ninivhe. Huh! Tiri kuenda mukuBwinya. Amen. Ndizvozvo. Tiri kuenda uko Mwari acharopafadza, uye ndizvo zvatinoda kuita.

Hama Joseph Branham Magwaro ekuverenga:

Jona 1:1 – 3

Maraki 4

Johani 14:12

Ruka 17:30