All posts by admin5

24-0317 Kuenda Mberi KweMusasa

Mharidzo: 64-0719E Kuenda Mberi KweMusasa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mauto EChiChristu

Chimbofungai nezvazvo! Ava magumo enguva,Hallelujah! Tavapano.Zuva guru rekuuya kwaShe vachivinga Mwenga Wavo rasvika. Tirikuzviunganidza pamwechete kubva pasi rose,tichikwaniswa nekuteerera Izwi RaMwari.Takarindira uye takamirira vadikanwa vedu kuti vaonekwe…rava chero zuva ikozvino.

Chinhu chimwe chatakarairwa kuita ku”gara neShoko”.Watinongoona ndiJesu uye Iye IShoko rakaitwa nyama.Ndicho chizaruro chezuva redu.Ndiwo Musasa waMwari weMwenga Wake.

Meseji iyi,Izwi iri,matepi aya,ndizvo zvose zvatinoda kuitira kubvutwa. Hapana zvimwe zvatinoda.Takadanirwa kubuda,takatsaurwa kubva kunezvinhu zvose kusara kweIzwi iroro.Takatendeseka kuti,Izwi iroro ndiro Nzira yaMwari yakapiwa yezuva ranhasi.

Fungai nezvazvo,Akatipa muporofita mukuru akambovapo nguva dzose. Uyo wekuti Shongwe Yemoto PaChake Akatorwa mufananidzo pamwechete Naye kuitira kuti Agoudza nyika yose,”Uyu ingirozi yangu huru.
Ndiye Izwi rangu kwamuri.Zvaanotaura panyika Ndinodaiirira kudenga.Hakuna mumwe wakaita saiye”.

Ndakaisa kuvimba kwangu kwaari, uye kwaari woga,zvose zvakavanzika zvangu zvandakavanza kubvira nyika isati yavambwa.Ndiye wandakafanotemera kuzokudaidzai kubuda munyika ino muchiuya kwandiri.Ndiye wandakasarudza kutungamira, kukuchengetai nekukurairai.ndinotaura kwamuri, Munzwei, nokuti haasi iye anotaura,NDINI, MUKURU waNDIRI”

Ndakagadza nekudana vanhu vanesimba kuti vaparidze nokuudza nyika,”Zuva ranhasi magwaro, MARAKI 4,ZVAKAZARURWA 10 vs 7 naRuka 17 vs 30 azadziswa pameso enyu. Ngirozi Yake inesimba yasvika sekutaura kwakaita magwaro.Mwari aripano pakati pedu,achizvizarura munyama yemunhu sezvakataura kuti aizoita”.

NdiJesu Christu mumwechete, zuro, nhasi uye nekusingaperi.Takadanirwa kukunongedzai kwaari,ngirozi yaMwari.Ndiye akasarudzwa neMweya Mutsvene kutungamira  nekudana Mwenga Wake. Musapikisane kana kuita gakava, kurwa kana kunetsana kuti ndiyani a achave muprisita mukuru, ndiyani achava izvi,izvo kana zvimwe. GARAI NEIZWI IRORO. Nokuti kunongova neIZWI rakasimbiswa RIMWECHETE RAMWARI uye zita rake ndiWilliam Marrion Branham.

Tinofanirwa kungwarira zvikuru kugara tiine Izwi iroro,sezvo kuine vakawanda vanoda kukutungamirirai kubva paIzwi iri.Tsika dzavo dzirikuvhariridza Izwi iroro kubva kuvanhu.
 Ava mutorwa kuvazhinji vavo.Mazwi avo atora nzvimbo yeIzwi iroro kusvika apo Mwari anovashanyira mumatepi Anova mutorwa.

Hupo Hwake Hukuru Hunotyisa huripakati pedu. Wose munhu anobatikana neMweya uyu anotoziva kuti Izwi Iri, Izwi RaMwari. Ndiwo Musasa waMwari wezuva ranhasi.
Wose munhu anozviti Mwenga waChristu anofanirwa kuita sarudzo yemusasa waari mauri.

Vanofanira kuzvibvunza mubbvunzo urinyore uyu: Nderipi Izwi iro Mwenga wose vanofanirwa kuti “AMENI” kwariri?

Kana uri Mwenga waChristu wechokwadi, uine  chizaruro chechokwadi cheshoko rezuva ranhasi,pane mhinduro imwechete:Izwi RaMwari riripamatepi.Zvirokwazvo Satan anoedza  nemanomano kukanganisa izvi nenzira dzakawanda,asi Mwenga hauna imwe mhinduro.Zviri nyore saizvozvo.

Tinoziva kuti Satan arikushandisa mhinduro iyi kutipesanisa.Asi Shoko rinotiudza kuti Mwenga unofanirwa KUBATANA…TAKABATANA, ne IZWI RIMWECHETE RINOTIBATANIDZA.

Huyai mubatane nesu, nokuti nguva yapera kwazvo.

“Ndinoda kuenda mberi kweMusasa.Zvisinei kuti zvichanditorera chii,ndichatora muchinjikwa wangu ndoutakura mazuva ose.Ndichaenda mberi kweMusasa.Zvisinei kuti vanhu vanotaurei pamusoro pangu.Ndinoda kumutevera mberi kweMusasa.Ndagadzirira kuenda.

Kanamuchida kuva muMusasa waMwari wezuva ranhasi, MUNOFANIRWA KUTENDA kuti Izwi RaMwari Riripamatepi ndiro Izwi rakakoshesesa ramunofanirwa kunzwa.

Huyai mubatane nechikamu cheMwenga musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville apo tinonzwa Izwi iro Mwari vakasarudza kutungamirira Mwenga Wavo,apo anotiunzira Meseji,
Kuenda Mberi kweMusasa 64-0719E
Hakasi kamusasa,unotova MUSASA

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Veheberu 13 vs 10-14
Mateo 17 vs 4-8

24-0310 Mutambo weHwamanda

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vana VeChiedza

Tinotenda nokuda kwekufamba muChiedza. Kuva chikamu
cheChiedza, kubataniazwa neChiedza Chake. Kuva takadanwa nekusarudzwa Nalye. Tiri Mwenga waChristu, takabatanidzwa pamwechete Naye. Vaviri vavachinhu chimwe.

Handaikwanisa kuzvinyora zvakakwana. Hatikwanise kuzvitaura zvakakwana.Meseji iyi inoreva zvese kwatiri. Kuziva kuti tine
chizaruro chechokwadi cheshoko Rake,zvinodarika chero chipi zvacho chatingaisa mumashoko.

Kuva vanhu vanorarama muzuva ranhasi uye kuva chikamu
chezvirikuitika, kuremekedzwa kukuru uko Mwari vangatipe.
Sekukosha kwazvaiva zvakaita kunge ugere mushumiro kuBranham Tebhanekeri uchiona nekunzwa ngirozi yaMwari
ichunza maMeseji aya, zvakakosha zvikuru kurarama muzuva ranhasi nemunguva yatiri uye kuvakuzadziswa kweShoko iri.

Mwari muhurongwa Hwavo hukuru,vakaita Nzira yekuti tikwanise kuungana kubva pasi rose, tichiteerera Izwi RaMwari, tose panguva imwechete kuti tigokwaniswa neShoko RAKE. Kuve takamirira chero nguva kunzwa ngirozi Mutumwa wedu wechinomwe achiti;

“Tarira Gwayana raMwari Rinobvisa zvivi zvenyika.”

Hakuna kumbova nechimwe chakafanana naizvozvo kubvira
kumavambo enguva. Kupedziswa kweHurongwa hukuru
hwaMwari kuiri kuitika IKOZVINO, uye tirichikamu chazvo.Zuva guru RalSHE rasvika.

ZVAKAVANZIKA ZVOSE ZVAKAZARURWA KUMWENGA nengirozi MUTUMWA waMwari. Zvisimbiso, Mazera, Mitinhiro, Kutenda
kweKubvutwa, Kudhonza kwechitatu,,, ZVESE zvakataurwa uye zviri pamatepi kuitira kuti Mwenga ugozvinzwa zvekare uye
zvekare uye zvotikwanisa.

Mweya Mutvene wava mukereke zvakare;Christu pachake
Wakazarurwa munyama yemunhu munguva yemadekwana sekuVimbisa kwaAkaita.

Teererai nepedyo Mwenga zvibatei.

Takadanirwa kubuda neShoko; Christu pachake wakatidana. Akazviisa pachena kwatiri; VaHebheru 13:8, Ruka 17:30, Maraki 4, vaHebheru 4:12, magwaro ese aya Aakavimbisa.

NdiJesu Mwanakomana waMwari, azvizarura kwatiri kubudikidza
nemagwaro aya akafanotemerwa zuva ranhasi ANORARAMA ZVEKARE.

Uye kuzvitenda chiratidzo cheMweya Mutsvene.

Mwari Vakatuma muporofita waVo kuzodana Mwenga Wavo. Shoko rinotiudza kuti muporofita ndiye Shoko raMwari rinorarama, rakaratidzwa. Ndicho chiratidzo chekepudzisira chichawanikwa nenyika. Jehovha vachitaura muchimiro chemunhu.

Munhu munyama yemunhu,semuporofita asi aitova Elohim
achinzvera pfungwa yaiva mumwoyo ma Sara, seri Kwake. Zvino
Jesu wakati, “Sezvazvaiva mumazuva aLot,ndizvo zvazvichava
mukuuya kwekuguma kwenyika, apo Mwanakomana wemunhu,”
kwete Mwanakomana waMwari,”apo Mwanakomana wemunhu achazarura.”

Mwenga unoziva kuti kunze kwekunge uchirambira muShoko,
haukwanise kuziva kuti lye ndiani. Vanoziva kukosha
kwekuchengeta Izwi iroro mberi kwavo mazuva ose, Nekubaya Nekuridza.

Zvino Mwenga wavakufanira kubuda munzira, woenda kumusoro kuitira kuti vaporofita vaviri vari kuna Zvakazarurwa vagoonekwa panzvimbo vagoridza hwamanda Yechinomwe. Kuzivisa Christu kwavari.

Huyai muve chikamu chekuzadziswa kwechiporofita musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville, apo muporofita waMwari achaunza Meseji Mutambo weHwamanda 64-0719M uye achitaura kunababa achiti,

Kunogona kuva nevamwe munyika dzakasiyana, pasi rose uko vanogona kusangana netepi iyi mudzimba kana mumakereke avo.
Tinonamata, Ishe panguva iyo shumiro irikuenda mberi, apo– apo.kana apo tepi irikuridzwa, kana kunenzvimbo kana chinhanho
chipi chatiri, dai Mwari Mukuru Wekudenga Aremekedza kurevesa uku kwemwoyo yedu mangwanani ano,aporese vanoshaiwa achivapa zvavanoshaiwa.

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Meseji:

Levitiko 16
Levitiko 23:23-27
Isaya 18: 1-3
Isaya 27: 12-13
ZVAKAZARURWA 10:1-7
ZVAKAZARURWA 9:13-14
ZVAKAZARURWA 17:8

24-0303 HuMhizha

BranhamTabernacle.org

Vadiwa mhuri yeuMhizha

MaMeseji achangodarika aya akava akanyatsokwana kumwenga waChristu. God achizviisa pachena kwatiri, achizvizarura nekuonekwa pachena . Nyika haizvione, asi kwatiri isu Mwenga wake, ndizvo zvose zvatinoona.

Takapinda numuchidzitiro,zvino tinoMuona pachena. Mwari serikwemakanda evanhu. Shoko razova nyama,chaizvo sezvaaka vimbisa mun Ruka 17 nemuna Maraki 4. Akazvivanza muchidzitiro chemunhu, mumuporofita Wake uye mukereke Yake.

Tirivanhu vanofara kukunda vamwe vose panyika, apo tinonzwa Mwari vachitaura kubudikidza nengirozi Yake nhume otiudza,

Ndinotenda zvikuru nokuda kwenyu. Ndinofara zvikuru kubatanidzwa nemi. Ndinofara zvikuru kuva mumwe wenyu . Mwari ngaave nemi. Achava nemi. Haazokusiyai. Haazokurasai. Haakusiyei. Mapedza kupfuura nemuchidzitiro zvino.

Tave vanhu vasinganzwisisike kuvanhu vose kunyangwe pakati pehama dzedu. Asi tinodada zvikuru, tinotenda zvikuru,nekuda kweChizaruro chaakatipa cheShoko Rake rezuva ranhasi. Kuva mapenzi nokuda kwaChristu uye Shoko Rake rakaratidzwa.

Takaisa kutenda kwedu pamwechete nekutenda kwemuporofita wake, uye takabatanidzwa pamwechete, kuita chinhu chimwechete chikuru chakabatana chaMwari. Hapana chaanogona kuita pasina isu, hapana chatinogona kuita pasina muporofita uyu,sezvatisingagonewo kuita chinhu pasina Mwari. Naizvozvo pamwechete tinova chinhu chimwechete, chinobatanidza, Mwari, muporofita Wake, Mwenga Wake.
Tova Humhizha hwake.

Zvakamutorera makore zviuru zvina kuita Humhizha hwake hwekutanga. Ikozvino zvamutorera makore zviuru zviviri kuita humwe Humhizha Hwake. ISU, Mwenga Wake,Mhuri yeHumhizha Hwake hukuru, Adamu wechipiri naEva wechipiri.
Tagadzirira zvino bindu, Chiuru chemakore. Atiumba zvino zvakare uye tagadzirira.

Tiri ShokoMwenga wake wakakwana, chikamu Chekusika Kwake kwePamavambo. Gunde, muchekechera, nemakwande, zvavakubatana mumbeu, kugadzirira rumuko nekugadzirira goho. Wekutanga Ava Wekuguma. Mbeu yakadyarwa yapfuura nemuzvinhanho yakava Mbeu zvakare.

Mbeu yakadyarwa mubindu re Eden, yakafa imomo, yadzoka zvakare. Kubva pambeu iyo isina kukwana yakafa ipapo, yadzoka zvakare kuMbeuyakwana, ndiye Adam weChipiri.

Tave Adam weChipiri, Mwenga wechokwadi, Mbeu, tadzoka tiine Shoko rePakutanga zvakare. Tinofanira kuva neshoko rese kuti tinge tiri Mbeu. Hatingave neMbeu isina kukwana nekuti hatizokwanisa kukura, tinofanirwa kuva Mbeu yakakwana.

Kune chinhu chimwechete chasara, goho rasvika. Taibva zvakakwana. Tagadzirira Kuuya Kwake. Yavanguva yegoho. Mbeu yadzokera muchinhanho chayo chepamavambo.
Mhuri yeuMhizha yadzoka zvakare, Kristu neMwenga Wake.

Kukurudzira Muporofita Wake, neMwenga Wake, Ishe vakapa ngirozi yavo chiratidzo chikuru. Vakamupa kufanoratidzwa KWEDU, isu Mwenga Wake. Pataipfuura nepaari akati, taiva madzimai madiki, airatidzika zvakanaka. Akati tainge takanyatso mutarisa, tichipfuura.

Pakupedzisira, vamwe vanga vobuda mugwara, vachiyedza nepavanogonera kudzoka mugwara. Vakazocherechedza chimwe chinhu chinokosha zvikuru, vainge vakatarisa kumwe, kunze kwekutarisa kwaari. Vainge vakatarisa kereke iyo yakapinda munyonga nyonga. Tinodada seyi nekutenda seyi kuti, kwete ISU, vemberi, hatina kumbobuda mugwara kana kumbobvisa meso edu paari.

Naizvozvo, huMhizha, nemawanakomana waMwari, huMhizha neMwenga, uye chikamu chake, zvinofanira kuve kuzadziswa kweShoko. Shoko razadziswa, uye tagadzirira kuuya KwaShe.

Tinotenda zvakadii kuziva, tiri mhuri yehuMhizha Hwake, Mwenga Wake wechokwadi. Shoko razadziswa, tagadzirira kuuya kwaShe.

Ndinokukokayi kuzobatana nesu, musiwe svondo na 12 masikati, nguva dzeku Jeffersonville kuzonzwa Shoko nesu, muve chikamu chemhuri yehuMhizha hwaMwari, tichinzwa muPorofita achitiunzira mharidzo: HuMhizha 64-0705.

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuteerera shumiro isati yatanga:
Isaya 53: 1-12
Maraki 3: 6
Mateo 24:24
Mako 9:7
Johani 12:24 / 14:19

24-0225 Vanhu Vasinganzwisisike

Shamwari dzinodikanwa  
 
Nguva dzava 12:00 masikati mu Jeffersonville,7:00 madekwana muAfrica uye 10:00 mangwanani muArizona; Mwenga wakaunganidzwa kubva munyika yose.Tanga takamirira nguva ino kwevhiki rose.Tiri pasi pekutarisira kukuru,takamirira Mwari kutiVataure nesu kubudikidza nemiromo yemunhu, nenzira yengirozi Yake inesimba mutumwa wechinomwe. Tirikunamata “Ishe ndigadzirirei, ndizodzei,uye ndipeiwo chizaruro chakawanda cheShoko renyu.
 
Takagutsikana,nokuti tinoziva pachokwadi,kuit muporofita,uye muporofita wega,ndiye aneMaShoko Ehupenyu enguva ino. Tingatadza kuzvitsanangura zvose,asi tinoziva kuti tinotenda Shoko rose uye takazorora pariri.
 
Tinoziva,sezvakaita Ishe naMoses,Mwari Varikugadzirira kubwinyisa muporofita Wavo pamberi pedu.Panguva iyoyo,Vakangozunza makomo bedzi.Nguva ino Varikuzunza matenga nenyika.
 
Nguva yacho yasvika.Mwoyo yedu irikumhanyidzana mukati medu.Tirikunzwa Rwiyo Rwenyika Yedu rwuchitanga kurira.Muhumwe,Mwenga kubva pasi rose uchisimuka patsoka dzawo wotanga kuimba “Tenda Chete, zvinhu zvose zvinogoneka Tenda Chete.Mwari Avakugadzirira kutaura kwatiri.
 
Tonzwa “Mangwanani akanaka Shamwari”
 
Mwoyo yedu inofara kungonzwa mashoko manyoro matatu aya.Muporofita akanditi shamawari yake.Zvino anotiudza,

Ndinokushuvai mose. Ha-Handina hanya kuti ndaenda kupi,Ha-ha…Hamusi imi. Ndineshamwari kwesekwse pasi rose,asi handi-handi imi mose.Pane chimwe chinhu neboka iri rakango.. handizive.Ndinofunga nezvavo…Handina boka panyika,randinoziva,rinonamatira kwandiri seboka iri. Dai Mwari vaita kuti tisaparadzanisike, kuti, muHumambo hurikuuya,dai takava pamwechet,munamato wangu

Ndechipi Chizaruro chikuru Mwari chaachatizarurira nhasi?Chii chatichanzwa? Pamwe takatozvinzwa nguva zhinji,zhinji kumashure,asi nhasi zvichange zvisina kufanana nerimwe zuva kumashure.
 
Chii ? Chikafu CheMutendi.Chingwa Chekuratidza chinobva kudenga chatichadya.Chingwa Chekuratidza chedu chete,Mwenga Wake.Kubwinya kwaMwari pamusoro peChingwa Chekuratidza ichi ndiko kurikutichengeta kuti tisaodzwa
 
Vekunze vanotitarisa vobvunza,”Vanhu imi murikuitei? Murikungoteerera kumatepi? Vanhu imi chokwadi muri vanhu vasinganzwisiske”
 
Kubwinya:” Tirikufara kwazvo uye tinotenda kwazvo kunaShe nokuva vanhu vasinganzwisisike,mapenzi nokuda kwake, uye Shoko Rake Rakasimbiswa.Tinofara mukutaurira nyika” HONGU NDINOTENDA MUSHUMIRO YEMATEPI.NDINOTENDA MUKUBAYA NEKURIDZA.NDINOTENDA NDIRO IZWI RINOKOSHESESA RAUNOGONA KUNZWA.HOUNGU NDINOTENDA MUKUDZOSA MATEPI PAMAPURUPITI.”

Kana chidzitiro chetsika chabviswa,unogona kuona kuti Mwari achiri Mwari weShoko Rake.Achiri kuchengeta Shoko Rake, Ndiye—Ndiye Mwari,Muvambi weShoko Rake.

Hazvineyi kuti mumwe munhu anoitei kana kutii,tinozvitenda uye toita chimwe chinhu pamusoro pazvo.Kana usina chaunoita pamusoro pazvo saka hauzvitende.Hausi seri kwechidzitiro.Chidzitiro ichocho ndechemunhu mumwechete.Maseji iyoyo imwechete.

Ndine tariro uye ndinovimba kuti—makava nekunzwisisa kwepamweya kweizvo Mwari vanga varikuedza kusvitsa kuKereke vasingazvitaure pachena. Maona? Chinhu,dzimwe nguva,tinofanirwa kutaura zvinhu nenzira ingarerutsa, ingakonzera vamwe kubuda ,vamwe kusiya, uye vamwe ku—ku—todzamisa pfungwa zvakanyanya.Asi zvinoitwa nechinangwa. Zvinofanirwa kuitwa nenzira iyoyo.

Shoko Rakazarurwa kumuporofita waMwari.Hakuna boka,vaFarise kana vaSadhuse kana vanechimwe chitendwa kana rimwe dzinza. Anongova MUPOROFITA: Mwari akava nemunhu mumwechete.Haana kutora pfungwa mbiri kana nhatu.Akatora munhu mumwe.Ane Shoko Rake, iye woga.

Dzimwe nguva vamwe vangati,””Munoreva kuti MwariVangaiite nechinanngwa chinhu chakadaro.Akatozviita uye Anoramba Achidaro

Sezvavakataura mazana emakore adarika,tinonzwa chinhu chimwechete nhasi.”Asi kune vamwe vanhu pano avo Mwari aAkadana” IChokwadi. Kana chete vachitevera nokufambirana,Ameni,asi mumwe akaedza kusimuka achitora nzvimbo iyo Mwari Vakapa kumuPorofita wedu,uyowaakatemera nekugadza pabasa iroro,tinofanirwa kugara neShoko Rakasimbiswa reIzwi Ramwari rezuva redu.

Cherechedza, rufu ,kuti ugare kure narwo ikozvino.Unofanirwa kupinda mahuri kubudukidza nemuchidzitiro ichi, kana kuti hauzokwanisa. Kunzwirwa kwavaiitwa tsitsi naMwari,asi rangarira kuti chaiva chii,kuiti Mwari Ari kuratidza chaiva seri kwechidzitiro,Shoko. Raifukidzira,chii?Shoko,Chaaiva chii?Chiri muAreka.Raiva Shoko raivanzwa nechidzitiro. Maona?Uye Jesu waiva Shoko Iroro,uye chidzitiro chenyama Yake chairivanza.

Kwatiri kuratidzwa.Harisisiri shoko zvaro, Ava mazvirokwazvo, Ameni
 
Tinoziva kunevamwe tirivanhu vasinganzwisiske, kana kunzwikwa sembengo kunyika,asi zvirikukwezva vanhu vose kwaAri.
 
Huyai musonanidzwe kuShoko pamwechete nesu musiwe Svondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville ,apo tichanzwa muporofita achiudza nyika yose,sei tiri “Vanhu Vasinganzwisisike 64-0614E
Tinonyatso dada nekunyatsotenda kutaura kuti tiri Hama.

Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Messeji
 
1Corinthians 1:18-25
Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;
ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
20Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? 21Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. 22VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, 23asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. 24Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. 25Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
 
11 Corintians 12:11     Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo.

24-0218 Kuiswa Pachena KwaMwari

Mharidzo: 64-0614M Kuiswa Pachena KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Anodikanwa Mutendi Ariseri Kwechidzitiro

Seiko ndichiramba ndichikuudzai,zvekare zvekare “KUBAYA NEKURIDZA ndicho chinhu chakakoshesesa chaungaita”?
Seiko ndichiramba ndichiudza Vafudzi,”Dzoserai Hama Branham pamapurupiti enyu”?

Zvinongova nyore sekudai, nekuteerera izwi rengirozi Mutumwa wechinomwe patepi, kuteerera kuShoko Rinorarama.

Pamberi pevanhu, Mwari akadzitira zvekare akasimbisa Moses,nechidzitiro,nekuzvifukidza neMoto mumwechete,Shongwe yeMoto imwechete yakaburuka pasi. Kubva – kubva ipapo…Kubva kwavari, naizvozvo havana kukwanisa kunzwa SHOKO raMwari. Mazvibata? SHOKO chete,vakanzwa Izwi Rake. Nokuti Moses aiva kwavari SHOKO R inorarama.

Unotaura nezve Mushumiri aripo! Izwi ratirikueerera patepi Izwi reShoko Rinorarama rezuva redu. Hazvigone kudarika ipapo.

Muzuva raMoses, vana veIsrael vaiva mumusasa bedzi ndivo vaikwanisa kunzwa Izwi Rake.Asi nhasi Mwari Aida kuti nyika yose inzwe Izwi Rake. NAIZVOZVO AKAITA KUTI RIISWE PAMATEPI, kuti Mwenga Wake ugonzwa Izwi neShoko Rinorarama.

Mwari Wakanga Akazvidzitira mumuporofita Wake, kuti Ataure Mashoko Ake kwavari. Ndizvo zvaakanga Aita.Moses ndiye aiva Shoko Rinorarama Iri kuvanhu,akadzitirwa neShongwe yeMoto.

Kana usina Chizaruro chaizvozvo chezuva redu, haukwanise kuvaMwenga waJesu Christu. Kana uinacho zvino Uri Mwenga waJesu Christu uye uchafanirwa kuti “hapana chakakosha kukunda kuteerera matepi, nokuti Izwi raMwari ririkutaura kwauri, muromo kunzeve.”

Vazhinji vanoedza kutyisidzira vanhu vachiti tirikuisa zvakapfuurira pamuporofita; tirikumunamata.Shamwari dzangu ndiye akataura zvinhu izvi,kwete ini. Ndirikungokota Shoko.

Sezvazvakaitwa muchizvarwa chimwe nechimwe, HuMwari huchidzitirwa munyama yemunhu.Cherechedzai, Akazviita. Vaporofita vaiva HuMwari,hwakadzitirwa. Vaiva Shoko RaMwari(ndizvo here?) rakadzitirwa munyama yemunhu. Saizvozvo havana kucherechedzawo Moses wedu, kana maona, Jesu.

Hatisi kunamata munhu asi Mwari,Uyo akadzitirwa uye Achizvizarura kubudikidza nemumuporofita. Kuti unzwisise nekutenda izvozvo unofanirwa kuita izvi.

Hamusisiri seri kwechidzitiro ichocho,imi vadiki,Mwari Wavakuonekwa pachena zvizere nemi.

Hatisisiri seri kwechidzitiro ichocho, tavekuona kuti ndiMwari arikuzviratidza pachena.Zvakazururwa kuti kuteerera Izwi iroro pamatepi, ndiMwari arikutaura kuMwenga. Tinotenda kuti ndiyo Nzira yaakapa yanhasi,

Tinogona kuti Ameni kuIzwi iroro chete,kwete rimwe. Izwi iroro Richaparidza, rodziidzisa uye rozarura kwatiri zvose zvatinoda uye zvatinofanirwa kuziva. Izwi richatizivisa kunaIshe Wedu Jesu Christu. Izwi iroro ndiro bedzi ratinoda uye ratinofanirwa kuvanaro.
Tinotenda neshumiro yakapetwa kashanu iyo Mwari arikushandisa kunongedza vanhu kuIzwi, kuvafudzi vakabata chiratidzo uye vanechizaruro chekuti kuridza matepi mumachechi avo ndicho chinhu chikuru chavangaitire vanhu vavo.

Tinokukokai kuti muzoteerera nesu kuIzwi guru reShoko raMwari Rinorarama musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville, apo tichanzwa richizarura:
The Unveiling of God 64-0614M

Hama Joseph Branham

24-0204 Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza

Anodikanwa, Iwe kuratidzwa kwaJesu Christu

Vanhu vanofunga kuti takapesana pfungwa,tigere mudzimba nemumakereke edu tichiteerera matepi.Vanofunga kuti tirikufa nenzara.Havacherechedze kuti tigeremuchiedza cheMwanakomana, Anokudzwa. Tichiibviswa nekupiwa Chikafu Chakachengetwa semhuru mudanga.

Tiri Gorosi ravapedyo nekuchekwa. Kana vachida kurarama mutsika dzavo,endai mberi. Kwete Isu, tirikurarama muChiedza Chezuva redu.

Chiedza Chezuva redu chii? Mwari Vakatumira kunyika mutumwa Wavo wechinomwe ane simba guru kuti atungamire mwenga Wake.Akanga ari chii? Aiva muporofita.Zvaakataura zvakazadziswa. Aiva Shoko raMwari rakaratidzwa.Aiva kuratidzwa kwechiedza cheShoko raMwari.Aiva Chiedza chaMwari kuitira nhasi.

Moses akangoenda mberi zvakadaro,nokuti ndiye aiva Hupenyu, aiva Chiedza chenguva. Chaaiva nacho chaiva chii? Mwari vachiratidza Shoko raVo rakavimbiswa kubudikidza naMoses, uye Moses aiva Chiedza

Eria aiva Chiedza ….Chiedza! Hareruya!Aiva Chiedza. Chiedza!Aiva Shoko raMwari rakazadziswa.

Johane paakauya panyika….Jesu Wakati, “Aiva Chiedza chinopenya zvikuru”Hareruya!Sei?Aiva Shoko razadziswa.

Zvino maererano neShoko,Chiedza chezuva redu muporofita waMwari, William Branham.Uyo anodaidzira arimurenje reBabironi.” Budai kubva maari,vanhu vangu,kuti musave vagoverani vezvivi zvake.

Ndiye aiva kuzadziswa kwaMaraki 4:5, uye zvakazarurwa 10:7. Akangotaura akati “kuchavapo”, uye kwakavapo pasina chimwe chinhu mariri. Haana kumbova netsindi, paiva pasina kana imwe ipapo. Akangoti ” ngapave ne, ikabva yavapo.

Shoko raMwari risingakundike, rinofanira kuzadzikiswa. Takaona Chiedza; Shoko Rake Raakavimbisa rezuva ranhasi.Rakaratidzwa uye Rakasimbiswa kutiIchokwadi.Ndiro Chiedza Chenguva ino.

Hapana chinotsiva pakuziva kuti zvatiri kuteerera Ndiro Shoko Rakaratidzwa kuitira zuva ranhasi.Harina honye mariri zvachose. Kana vamwe vakagutsikana nezvimwe, endai mberi,asi kwete isu.

Hazvireve kuti haufanirwe kuteerera Mufudzi wako,kana kuti vashumiri havafanirwe kuparidza, handizvo zvachose,asi UNOFANIRWA kusefa shoko rose raunonzwa kubudikidza nesefa huru yaMwari, Messeji Iyi iri patepi.

Pavanoti mazuva yeMeseji yemunhu mumwe akapfuura , ihonye idzodzo.
Pavanoti Meseji iyi handiyo Mhedziso yavo, ihonye idzodzo.

Hapana chikuru kukunda kungobaya nekuridza, uchiziva kuti unogona kuti AMENI kushoko rose. Hakuna imwe nzvimbo yaunogona kudaro kunze kwekuteerera MESEJI yenguva.

Zvino tisu tirikuratidzwa kwaJesu Christu kwezuva ranhasi. Tisu Shoko Rake rakaratidzwa. Tisu vaakasarudza kugamuchira chizaruro chake chikuru chenguva yekuguma. TISU MWENGA WAKE.

Mwenga waKe woga ndiwo uchava nechizaruro chechokwadi cheChiedza chanhasi. Vachaziva,Chiedza ichi chichavasvitsa pakukwaniswa. Chiedza ichi ndiwo  Mweya Mutsvene unotaura kubudikidza nengirozi mutumwa wake.

Ungade here kugara muhupo hweChiedza chaMwari  chenguva? Zvino ndinokukoka kuti ugobatana nesu musi weSvondo na12 masikati, nguva yekuJeffersonville apo tichanzwa Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza  63-1229M

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Genesis 1:3 Chapter 2
Psalms 22
Joel 2:28
Isaiah 7:14, 9:6,28:10,42:1-7
St Mathew 4:12-17, Chapter 24 ne 28
St Mark Chapter 16
Rev Chapter 3