Category Archives: Uncategorized

24-0211 Yang’anani Kutali Kwa Yesu

Uthenga: 63-1229E Yang’anani Kutali Kwa Yesu

PDF

BranhamTabernacle.org

Anodikanwa Mbeu yakamera YaMwari

Munoona here kuti zvaizova zvakanaka sei kugara pasi tichinzwa ngirozi Mutumwa wechinomwe waMwari achikuudza kuti haana kuramba kuratidza kwamuri zano rose raMwari?Kupinda muhudonongodzwa hwekudhonza kwetatu nekuratidza kwauri kuti zvakazosimbiswa sei?

Kuti Mwari Akataura tsindi dzakavapo; sematauriro mamwechete aakataurira gondohwe kuna Abraham. Kuti Izwi rimwechete rakamuudza kuti  ataure kuhanzvadzi duku inozvininipisa inonzi Hattie, uyo akanga ataura chinhu chakanaka, ndokumuudza  kuti Inzwi rimwechete rakataura tsindi dzakavapo rati apiwe kwaari chero chaanoda kuti agoona kuti hazvaizoitika here ipapo.

Kuti rimwe zuva apo achivhima musango neshamwari dzake,dutu rinesimba rakasimuka rakavamanikdzira kutiza. Asi kuti Mwari Vakataura kwari , muromo kunzeve,akati “Ndakasika matenga nenyika.  Ndaka nyararidza madutu makuru pamusoro pemakungwa,”

Uye kuti akasvetuka mudenga akabvisa nguwani yake apo Izwi iroro Rakati kwaari “Ingotaura kudutu uye richanyarara. Chero chipi chauchataura ndicho chichaitika.”

Haana kumbova nemubvunzo neIzwi iroro,asi akataura akati “Dutu mira.Uyezuva penya senguva dzose kwemazuva  mana kudzamara tabuda muno.”

Achingopedza kutaura kudaro, mvura yakasangana nechando nezvimwe zvose zvakabva zvamira. Munguva pfupi zuva rinopisa rakatanga kupenya seri kwake.
Mhepo dzakashanduka uye nemakore semanenji akasimuka kuenda mumhepo, uye zuva rakapenya mumaminetsi mashoma.

Zvino aikawanisa kukudzai makore gumi nematanhatu  zvisati zvamboratidzwa, Mwari vakamuratidza kuti paiva nebundu kuruboshwe muchibereko chehanzvadzi Branham,uye kuti sei rakaiswa imomo. Vakanamata,vakanamata zve kuti Mwari varibvise. Uye vakazocherechedza kuti Aiva Mwari Aiedza kutenda kwavo.

Zvino ravakuda kuno bviswa nenzira yekuvhiyiwa,Wakanga achitaura naMwari achimudza kuti aiva mudzimai wakanaka sei kwaari. Uye kuti aiva asina kumbonyunyuta pamusoro pake nenyaya yekusave kwake kumba. Uye kuti aigara amugadzirira zvinhu zvose paaidira kuenda kendovhima, kunozorora achitaura nashe.

Ipapo akanzwa chimwe chinhu mumba maaiva. Akatarisa mudenga, Izwi riye rakati” Simuka” ndokumuudza “Zvino chero chii chauchataura ndizvo zvazvichazva.”

Akamira kwemineti imwe zvino akati “Ruoko rwaChiremba rwusati rwamubata, Ruoko rwaMwari rwuchabvisa bundu uye harizowanikwa.”

Muchidimbu chenguva ruoko rwaChiremba rwusati rwamubata, akabva akaporeswa. Zvino Chiremba akamuudza” Ndinoda kukupai kugutsikana Mai Branham kuti bundu riya harisisipo. Hamuna bundu”

Shoko RaIshe rakakwana sei.

Kumunzwa achitaura kuti hasisina kupokana mumwoyo make, anoziva chinonzi kudhonza kwetatu uye anoziva zvakunoita. Mumaonero ake, ndicho chinhu chichadenha kutenda kwekubvutwa kuitira kuenda.

Kwatiri kuti tingoremekedza uye toramba takanyarara nokuti nguva yacho yavakusvika apo Mwari vachatiitira  zvimwe zvinhu zvikuru. Kana nguva iyoyo yasvika, kana kumanikidzwa kwaburuka pasi ,ipapo tichaona zvatakamboona muchidimbu zvichiratidzwa muhuzaro hwesimba razvo.

Tichava neropafadzo iroro guru musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville. Ndingade kukukokai kuti muve chikamu nesu apotichanzwa ;Tarisa Kuna Jesu 63-1229E

Hatisi kuzoungana pamwechet kuzonzwa munhu; kune vanhu vakawanda varimumugwagwa, uye vose vanonzwika sezvimwechete. Tichange tisina kutarisa kana kunzwa mushumiri zvake, kana mufudzi, tichange takatarisa tichinzwa Jesu.
Tichange takabatana kubva pasi rose kuzonzwa Munhu Iyeyo, Munhu Iyeyo WaMwari, Iye Jesu WeNazareta wenyama,Ari Mwari,Achitaura kuMwenga Wake

Unofanira kuzvibvunza,wakatarisei nhasi?Urikuonei kana wakatarisa? Unogona kungoMuona apo wakatarisa kwaAri kubudikidza NeShoko

Zvaaiva paAkafamba muGaleli ndicho chinhu chimwechete chaAri manheru ano muJeffesornville, chinhu chimwechete chaAri paBranham Tebhanekeri. Chii chaunotarisa kuti uone, muvambi,munhu wesangano? Hausi kuzoona izvozvo munaJesu? Unotarisa here kuti uone humwe huprista? Hauzozviona munaJesu.Kwete. Jesu unoMuona sei?Nekuratidzwa kweShoko raMwari nokuti AIva Shoko raMwari rakaratidzwa. Zvaaiva ipapo, ndizvo zvaAri manheru ano uye achava nekusingaperi.

Tarisa kunaJesu ikozvino ugorarama.Zvakanyorwa muShoko Hallelujah
Tinongotarira chete torarama

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tichigadzirira kuzonzwa mharidzo
Numeri 21:5 -19
Isaya 45:22
Zakariya 12:10
Johane 14:12